YouVersion Logo
Search Icon

Kutsinhira Mutemo 18

18
Mugove wavapristi
1“Vapristi vechiRevhi vose zvavo vedzinza raRevhi havafaniri kuva nomugove kana nhaka yenyika pakati pevaIsiraeri. Chokudya chavo chinobva pamipiro inoita zvokupiswa kuna Tenzi nezvimwe zvaanopirwa. 2Ngavarege kuva nenhaka yenyika pakati pehama dzavo, Tenzi ndiye nhaka yavo sezvaakavatsidzira.
3“Izvi ndizvo zvinofanira kupiwa vapristi zvichibva pane zvinopirwa navanhu ingave iri mombe kana hwai, ngavape mupristi bandauko neshaya mbiri nenyama yamakuru. 4Mupe mbesa dzako dzokutanga, newaini yako yokutanga, namafuta ako eorivhi aunotanga kusvina, nemvere dzehwai dzako dzaunotanga kuveura. 5Ndinodaro nokuti Tenzi Mwari wako akasarudza iye navana vake pamadzinza enyu ose kuti vamiririre Tenzi vachishanda muzita rake.
6“Kana muRevhi achida zvake angabve mune rimwe guta reIsiraeri yose maagere, achiuya kunzvimbo ichasarudzwa naTenzi Mwari wako. 7Ipapo angashande zvake muzita raTenzi Mwari wake sezvinoita vamwe vake vaRevhi vanomiririra pana Tenzi vachishandapo. 8Pane zvokudya ngavapiwe migove yakaenzana tisingataure zvavanowana panotengeswa zvinhu zvenhaka dzamadzibaba avo.
Zviito zvisingadiwi naMwari zvavahedheni
9“Kana wazosvika munyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako rega kutevedzera tsika dzinosemesa dzinoitwa namarudzi avanhu ivavo. 10Pakati penyu ngaparege kuva nomunhu anopisa mumoto mwana wake, mukomana kana musikana somupiro. Hapafanire kuva nomunhu anoshopera, kana anofembera nemaminimini, kana anoita un'anga hwokududzira mashura, kana munhu akaromba mishonga, 11kana anoita mapipi, kana kuva svikiro, kana ane shave rouroyi, kana anobvunzira kumidzimu 12nokuti Tenzi haambodi zvake ani naani anoita zvakaipa zvakadai. Pamusana pezviito zvinosemesa izvozvi Tenzi Mwari wenyu ari kufanokudzingirai marudzi avanhu iwayo. 13Saka imi rambai muri pachokwadi muchitevera Tenzi Mwari wenyu musina chinongo.
Tenzi anotsidza kutumira muporofita akaita saMosesi
14“Ndinodaro nokuti ndudzi dzavanhu dzamuri kuzodzinga munyika dzadzo dzinovimba navanofembera vachiita zvemaminimini nevanoshopera, asi imi Tenzi Mwari wenyu haakubvumidzei kuita izvozvo. 15Tenzi Mwari wenyu achakumutsirai muporofita akaita seni achibva mukati menyu, hama yenyu chaiyo, iyeyo ndiye wacho wokuteerera.
16“Handiti musi uya, takaungana paGomo reSinai makakumbira Tenzi Mwari wenyu muchiti, ‘Dai waro tachirega zvedu kunge tichanzwa Tenzi achitaura, kana kuramba tichiona zimoto iri nokuti tingafe.’ 17Tenzi ndokunditi, ‘Zvavataura zvose izvi zvakanaka. 18Ndichavamutsira muporofita akaita sewe achibva mavari paukama hwavo. Ndichamupa mashoko angu. Achavataurira zvose zvandinoti avaudze. 19Munhu asingateerere mashoko angu aachataura anozviona neni. 20Asi muporofita anotaura mashoko muzita rangu, ini ndisina kumutuma kana anotaura mashoko muzita ravamwe vamwari, muporofita iyeyo anofanira kufa.’ 21Mungadaro mukazvibvunza mumwoyo menyu kuti, ‘Tingazoziva sei shoko rinenge risina kunge rataurwa naTenzi?’ 22Kana muporofita akataura chinhu muzita raTenzi, chinhu chacho chikarega kuzoitika kana kuzovapo, ndicho chinhu chinenge chisina kutaurwa naTenzi. Muporofita iyeyo anenge akangotaura zvomusoro wake, regai kumutya.

Currently Selected:

Kutsinhira Mutemo 18: SCLB

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in