YouVersion Logo
Search Icon

Dhanieri 4

4
Hope dzechipiri dzamambo Nebhukadhineza
1“Ini#4:1 Ndiyo 3:31 muBhaibhiri rechiAramaiki. mambo Nebhukadhineza
ndinokunyorerai tsamba imi vanhu
vamarudzi ose zvawo, nduzi nendudzi
ndimi nendimi imi mugere munyika yose.
Dai kwamuri runyararo
rwaita muchechetere mvura yeguvi.
2“Ini ndakaona zviri zvakanaka
kukuratidzai zviratidzo nezvishamiso
zvandakaitirwa naMwari Wokumusorosoro.
3Kukura here ikoko kwakaita zviratidzo zvake.
zvishamiso zvake, harisi simba iroro.
Umambo hwake ipfirapo, haupere narini,
kutonga kwake ndekwechizvarwa nechizvarwa.
4“Ini#4:4 Apa ndipo panotangira 4:2 muBhaibhiri mune rechiAramaiki. Nebhukadhineza ndakanga
ndakagarikana zvangu ndiri mumba mangu,
zvinhu zvichindifambirawo zvakanaka mumuzinda mangu.
5Ndakarota hope dzakandityisa
ndirere hangu pamubhedha.
Kwakauya pfungwa nezvimwe zvandaioneswa mumusoro mangu
zvikabva zvandibvundisa nokutya.
6Naizvozvo ini ndakatema chirevo
chokuti vangwaru vose veBhabhironi
vauyiwe navo kwandiri kuti
vanditsanangurirewo zvinoreva hope idzodzo.
7Vamaminimini navamapipi navaKaridhea
nenyanzvi dzokufembera nenyenyedzi,
vakapinda, ini ndikavarondedzera hope dzangu.
Asi havana kugona kundizivisa zvadzinoreva.
8Pakupedzesera akapinda Dhanieri,
uya akatumidzwa zita rokuti Bheriteshaza
rinoenderanawo nezita ramwari wangu, akapinda mandaiva.
Maari mune Mweya waMwari Anoera.
Ndakamutaurira hope idzodzo ndichiti,
9‘Iwe Bheriteshaza mukuru mukuru wavanhu vamaminimini,
hedzino hope dzandakarota nditaurire
zvadzinoreva nokuti ndinozviziva
kuti mauri iwe mune Mweya waMwari Anoera
uye kuti hakuna chakavandika chingakunetse.’
10“Zvandakaoneswa mumusoro mangu
ndirere pamubhedha ndezvizvi izvi.
Ndakatarisa ndikaona muti pakati
penyika wakanga wakareba zvikuru kwazvo.
11Muti iwoyo wakakura ukasimba
ukaita nhungamakore chaiyo kureba
uchitoonekwa kwose nekwakaperera nyika.
12Mashizha awo aiyevedza kwazvo, uye
wakanga wakabereka michero zvokubereka zviya.
Zvose zvaiwana zvokudya mauri:
Mhuka dzesango dzaiwana mumvuri pasi pawo,
shiri dzedenga dzichitogara zvadzo mumatavi awo.
Zvipenyu zvose zvichitowana zvokudya mauri.
13“Ndichitarisa kudaro zvinhu zvandaioneswa
mumusoro mangu ndirere saizvozvo pamubhedha
ndakaona hoyo mutariri anoera achiburuka kudenga.
14Akadaidzira kwazvo achiti,
‘Temai muti uyu muusanzaure mapazi
muukwazhure mashizha,
michero yawo muiti mwarara.
Regai zvenyu mhuka dziparamuke kutiza pasi pawo
shiriwo dzidzvamuke mumapazi awo.
15Asi regai chigutsa nemidzi yacho
zvisare zviri muvhu
chakasungwa nengetani dzesimbi nendarira
muuswiswi hwomusango.
Muregei ambonyorova nedova redenga
ambova weboka romhuka
muuswa hwenyika.
16Regai ambosandurwa pfungwa
apiwe pfungwa dzomhuka zvayo
kumbopera makore manomwe akadaro.#4:16 Manomwe akadaro: Panganziwo nguva yakapetwa kanomwe.
17Chirango ichochi ichi,
chatemwa navatariri;
chisungo chacho ishoko revanoera.
Izvozvi zvaitirwa kuti vapenyu vazivewo kuti
iye Wokumusorosoro ndiye anotonga humambo hwavanhu,
uye anohupa kuna ani naani waanenge ada zvake,
kunyange vapasi pasi zvavo.’
18“Izvozvi izvi ndizvo zvandakarota ndichiona,
ini mambo Nebhukadhineza.
Saka zvino iwe Bheriteshaza dudzira
zvadzinoreva nokuti vangwaru vose zvavo
venyika youmambo hwangu havana kugona
kundizivisa dudziro yacho.
Asi iwe unozvikwanisa pamusana pokuti mauri
mune Mweya waMwari Anoera.”
Dhanieri anodudzira hope dzaNebhukadhineza
19Ipapo Dhanieri wokutumidzwa zita rokunzi
Bheriteshaza uya akambodumbirwa nazvo kwekanguva;
pfungwa dzikamunetsa mumwoyo.
Mambo akabva ati,
“Bheriteshaza rega kunetseka nehope idzodzi kana nedudziro yadzo.
Bheriteshaza ndokuti,
‘Changamire wangu dai zvazvo
hope idzi nedudziro yadzo
zvananga vanhu vanokuvengai.’
20Muti wamakaona wakakura ukasimba
zvokuita nhungamakore chaiyo kureba
uchitooneka kwose zvako
nekwakaperera nyika,
21waiva namashizha anoyevedza kwazvo
wakabereka michero, zviya zvokubereka zviya
zvose zvichiwana zvokudya mauri
pasi pawo paripo pamumvuri
wemhuka dzesango
shiri dzedenga dzichitogara zvadzo
mumatavi awo,
22muti iwoyo, ndimi, iyemi imi mambo.
Makava mukuru mukuru chaiye
mukavawo nesimba.
Ukuru hwenyu hwakakura
zvokutosvika kudenga,
umambo hwenyu hwakatosvika
nekwakaperera nyika.
23“Zvino sokuona kwamakaita
mumwe mutariri anoera
achiburuka kudenga achiti,
‘Temai muti uyu muuparadze!
Asi regai chigutsa nemidzi yacho zvisare zviri muvhu
chaita zvokusungwa chaizvo
nengetani dzesimbi nendarira nouswiswi hwomusango,
mumurege ambonyorova nedova redenga
ambova kuboka remhuka muuswa hwenyika
ambosaruka kanomwe akadaro.’
24“Changamire#4:24 Changamire: MuchiAramaiki pakanzi, “Mambo.” heinoi dudziro yazvo:
Izvozvi chirevo chatemwa noWokumusorosoro
chakanangana nemi changamire wangu, mambo,
25chokuti muchabviswa mukati mavanhu
mugondogara pamwechete nemhuka dzesango.
Muchafuriswa uswa semombe muchinyorova
nedova redenga, muchapedza makore
manomwe makadaro, kusvikira
imi mazoziva kuti iye Wokumusorosoro
ndiye anotonga humambo hwevanhu
achihupa kuna ani naani
waanenge ada zvake.
26Sokutemwa kwazvaitwa kuti chigutsa
nemidzi yazvo zvisare zvakadaro,
umambo hauzomborega kuva hwenyu
kubvira panguva yamunozoziva kuti
Wedenga ndiye anotonga.
27Naizvozvo imimi mambo dai waro
mukandinzwawo zano rangu iri rokuti,
kandai pasi zvitadzo zvenyu muite
zvakarurama musiyane nouipi
muitire tsiye nyoro vakadzvinyirirwa,
ndipo pazvingangoitika kuti
zvinhu zvikufambirei zvakanaka.”
Zvakarotwa namambo Nebhukadhineza zvakazoitika
28Zvose izvozvo zvakawira mambo Nebhukadhineza. 29Kwakati kwapera mwedzi gumi nemiviri, iye akati achifamba zvake ari padenga remba yomuzinda weBhabhironi, 30mambo akazvizuwidza achiti, “Handiti Bhabhironi iguta rakakura kwazvo here, iguta randakavaka ini noukuru hwangu nesimba rangu somuzinda wamambo kuitira kuti mbiri youmambo hwangu idhume.”
31Mashoko iwayo achiri pamuromo wamambo kudaro, kudenga kwakabva izwi rikati,
“Iwe mambo Nebhukadhineza
herino shoko ratinoreva kwauri:
Iwewe wabviswa paumambo,
32uchabviswa mukati mavanhu wava kundogara
pamwechete nemhuka dzesango
kwauchafuriswa uswa semombe,
uchasaruka kanomwe wakadaro
udzidze kuti iye Wokumusorosoro
ndiye anotonga umambo hwavanhu
uye anohupa kuna ani naani
waanenge ada zvake.”
33Pakarepo izvozvo zvakabva zvaitika kuna Nebhukadhineza. Akabviswa mukati mavanhu akabva ava kufura uswa semombe, muviri wake uchinyorova nedova redenga, dakara mvere dzake dzareba seminhenga yegondo, nzarawo dzake dzaita senzara dzeshiri.
Mambo Nebhukadhineza akarumbidza Mwari
34Kuzoti mazuva iwayo apera, ini Nebhukadhineza ndakatarisa nameso angu kudenga uku ndokubva pfungwa dzangu dzadzokera pamwechete. Ndipo pandakatenda iye Wokumusorosoro ndichirumbidza nokuremekedza iye Anogara narini wose:
nokuti hutongi hwake
hutongi hwokugara nokugara
uye umambo hwake,
umambo hunoramba huripo
chizvarwa nechizvarwa.
35Vagari vapanyika vose zvavo
havatomboverengwa sechinhu
uye iye anoita zvinhu
samadiro ake,
mugurusvusvu rezvinhu zvomudenga
napakatiwo pavagari vapanyika
hapana angapikisane naye pasimba
kana kumuti, “Ndicho chii chauri kuita.”
36Panguva yakareyo pfungwa dzangu dzakadzokera pamwechete uyewo mbiri youmambo hwangu noukuru hwangu nomukurumbira wangu zvakabva zvadzokera kwandiri. Makurukota angu namadzishe angu vakanditsvaga ndikazogarazve paumambo hwangu ndokubva ndatonyanya kuwedzerwa kupiwa humwe ukuru. 37Zvino ini, Nebhukadhineza ndinorumbidza, nokukudza nokumuremekedza iye Mambo Nyadenga nokuti mabasa ake ose akarurama, uye makwara ake ano ruenzaniso, vanhu vanozvikudza anogona kuvadukupisa.

Currently Selected:

Dhanieri 4: SCLB

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in