YouVersion Logo
Search Icon

Dhanieri 1

1
Majaya ari mumuzinda wamambo Nebhukadhineza
1Mugore rechitatu rokutonga kwaJehoyakimu mambo wokwaJudha, Nebhukadhineza mambo weBhabhironi akauya kuguta reJerusaremu akarikomba, 2Tenzi akabva aita kuti Jehoyakimu mambo wokwaJudha akurirwe atorerwe mimwe midziyo yomuTemberi yaMwari. Nebhukadhineza akaenda nazvo kunyika yeShinari kuTemberi yake akarongedza midziyo iyoyo mumba maichengeterwa zvinhu zvamwari wake.
3Mambo akaudza mumwe muyuniki aiva muranda wake mukuru ainzi Ashipenazi kuti auye navamwe vanhu vechiIsiraeri asi vaifanira kuva vokumbahuru vane chiremera, 4uye vari majaya asina chinoshoreka ane chimiro chakarurama dziri nyanzvi chaidzo dzino ungwaru hwose zvahwo, uyewo vari vanhu vano ruzivo vanonzwisisa zvokudzidza, vanogona kushandawo mumuzinda wamambo. Akamuti avadzidzise zvinyorwa zvorurimi rwechiKaridhea. 5Mambo akarayira kuti zuva nezuva vapote vachipiwawo mugove wechokudya chakanaka chaidyiwa namambo newaini yaainwa. Vaizoita makore matatu vachidzidziswa, mushure menguva iyoyo, ndivo vaizenge vava vokushanda pana mambo. 6Pakati pamajaya iwaya paivawo naDhanieri naHananiya naMishaeri naAzariya vedzinza rokwaJudha. 7Mukuru wavayuniki, akavapa mamwe mazita. Akapa Dhanieri zita rokuti Bheriteshaza, Hananiya akamutumidza rokuti Shadhiraki. Akapawo Mishaeri zita rokuti Meshaki ndokutumidza Azariya zita rokuti Abhedhinego.
8Asi Dhanieri akazviti nechomumwoyo handimboda zvangu kuzvin'oresa nechokudya chamambo chakanakisisa kana newaini yaanonwa. Naizvozvo akakumbira muyuniki mukuru kuti amubvumire zvake kusazvin'oresa. 9Ipapo Mwari akaita kuti Dhanieri aitirwe tsiye nyoro akanzwirwa ngoni nomuyuniki, mukuru uya. 10Mukuru wavayuniki iyeyo akati kuna Dhanieri, “Chandinotya ndechokuti dai changamire wangu, ivo mambo, vakatema kuti imi mupiwe chokudya nechokunwa chenyu vazokuonai imi mapera kwazvo muviri masiyana nevechidiki vezera renyu. Ipapo mungatondidimurisa musoro namambo.”
11Dhanieri akataura kuno mumwe mutariri akanga apiwa basa nomuyuniki uya mukuru rokuona zvavanaDhanieri naHananiya naMishaeri naAzariya kuti, 12“Dai mukambotiedza isu varanda venyu kwamazuva gumi, mombotirega tichipiwa miriwo yokudya nemvura yokunwa. 13Ipapo imi mugocherechedza muone kutarisika kwatichange tava kuita nokutarisika kuchange kuchiita majaya aya anodya chokudya chakanaka chokwamambo. Imimi mozoitawo nesu varanda venyu, somuonero wamunenge maita.”
14Saizvozvo iye akabvuma zvavakareva izvi ndokumbovaedza kwegumi remazuva. 15Mushure memazuva gumi iwayo, pakaonekwa kuti vakanga vava kutarisika zvakanaka uye vatoita muviri kudarika majaya mamwe ose aya akanga achidya chokudya chakanaka chokwamambo. 16Nokudaro mutariri uya akabva abvisa chokudya chiya chakanaka newaini yavaifanira kuti vanwe ndokubva avakuvapa miriwo.
17Majaya iwaya ari mana kudaro, Mwari, akaapa ruzivo nounyanzvi hwezvezvinyorwa zvose noungwaru uye Dhanieri ainzwisisa zvose zviratidzo nezviroto.
18Kuzoti nguva iya yapera, mambo paakati majaya iwayo auyiwe nawo, muyuniki uya, mukuru akavaunza makanga muina Nebhukadhineza. 19Mambo akataura navo. Zvino pakati pavo vose hapana mumwe akanga akaita saDhanieri naHananiya naMishaeri naAzariya. Naizvozvo vakabva vava vokushanda pana mambo. 20Panyaya yose yose zvayo painge pava kutsvakwa ungwaru nouchenjeri pazvinhu zvavainge vabvunzwa namambo, mambo aiona kuti vaiva vari nani zvokutopeta kagumi vamapipi kana vamaminimini vaiva munyika dzose dzoumambo hwake. 21Dhanieri akaramba aripo kusvikira gore rechiposhi rokutonga kwamambo Sairasi.

Currently Selected:

Dhanieri 1: SCLB

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in