YouVersion Logo
Search Icon

Amosi 3

3
II: KUYAMBIRWA KWEISIRAERI
1Chinzwai shoko rinotaurwa naTENZI rokukuyambirai imi vanhu veIsiraeri, ndichiyambira mhuri yose zvayo yandakaburitsa munyika yeIjipiti:
2“Imimi chete ndimi vandinoziva
pamhuri dzose dzapasi pano,
naizvozvo ini ndichakurangirai
uipi hwenyu hwose.”
Basa romuporofita
3Ko vanhu vaviri vangafambe pamwechete
vasina kurangana here?
4Ko shumba ingahon'e musango here
iyo isina nyama yayabata?
Ko shumba ichine simba rayo zvayo
ingadhurume here mubako mayo
iyo isina chayakabata?
5Ko ipo panyika pano shiri ingabatwe pamusungo pasina
kuteiwa here?
Ko musungo ungarapuka here usina
chinhu chawabata?
6Ko tsuri ingaridzwe here muguta vanhu vakasatya?
Ko guta ringawirwa nenhamo here
TENZI asina kutoti zviitike?
7TENZI Mwari haana chaanomboita
asina kutanga ambozivisa vaporofita,
varanda vake.
8Kana shumba ikadzvova ndiani asingatyi?
TENZI Mwari akataura
ndiani angasaporofita.
Kuparara kweSamaria
9Daidzirai kumizinda yeAsiria
nokumizinda yeIjipiti
muti, “Unganai pagomo reSamaria
muone zvenyu nyonganyonga iri mariri
namabatirwo akaipa ari kuitwa
vanhu mariri.”
10Zvanzi naTENZI,
“Havazivi kuita zvinhu nemazvo,
vanotopfimbika utsinye nokupamba mumizinda mavo.
11Naizvozvo, zvanzi naTENZI Mwari,
muvengi achakomba nyika ino
agokoromora zvinokudzivirirai zvacho
nhare yenyu yokuzvidzivirira nayo muhondo igopambwa.”
12Saka zvanzi naTENZI, “Sokununura kunoita mufudzi mukanwa meshumba, makumbo zvawo maviri echipfuwo kana kuti kadimbu kenzeve, ndozvichangoitwawo vanhu veIsiraeri vanogara muSamaria vachinunurwa vari pakakona kesofa kana pachidimbu chomubhedha.
13“Chinzwa, uzivise vemba yaJakobho,”
ndizvo zviri kutaura TENZI Mwari,
Mwari wehondo nehondo, “Kuti
14pazuva randicharangira Isiraeri
kutadza kwayo,
ndichavinga atari dzeBhetieri,
zvinenge nyanga zvapaatari yacho
zvichagwishurwa
zvigoti kwatarara pasi.
15Ndichaparadza dzimba
dzokugara mumwaka wechando
nedzimba dzapazhizha
nedzimbawo dzomunyanga wenzou
dzichaparara,
uye dzimba dzakawanda dzichaparara.”
Ndizvo zviri kutaura TENZI.

Currently Selected:

Amosi 3: SCLB

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in