YouVersion Logo
Search Icon

2 Samueri 13

13
ABHUSHAROMU
Kutadza kwaAmunoni naTamari
1Mushure maizvozvi zvakazoitika ndezvokuti Abhusharomu mwanakomana waDhavhidhi aiva nehanzvadzi yakanaka kwazvo yainzi Tamari yakadiwa nomumwewo mwanakomana waDhavhidhi ainzi Amunoni. 2Amunoni uyu akarwadziwa mwoyo chaizvo zvokutosvika pakurwara pamusana paTamari hanzvadzi yake. Zvakanga zviripo ndezvokuti sokuona kwaAmunoni hapana chaaigona kuita nokuti Tamari akanga achine umhandara hwake. 3Zvino Amunoni akanga aine shamwari yake yechikomana yainzi Jonadhabhu mwana waShimea mukoma waDhavhidhi. Jonadhabhu uyu akanga ari munhu akasvinuka zvikuru kwazvo. 4Akati kuna Amunoni, “Mwana wamambo kudai unosuruvarirei mangwanani oga oga? Haundiudzewo here?” Amunoni akati kwaari, “Mwoyo wangu uri pana Tamari, hanzvadzi yomukoma wangu Abhusharomu.”
5Jonadhabhu akamurunya kuti, “Enda pamubhedha wako urare unge munhu arwara. Kana baba vako vazokutaurira woti kwavari, madii kuti hanzvadzi yangu Tamari auye kuzondipawo zvokudya, andibikirewo zvokudya ndiripo ndichiona, ndidye iye akandibatira.” 6Amunoni akandorara akanyepera kurwara. Pakauya mambo kuzomumaira, Amunoni akati kwaari, “Madii kuti hanzvadzi yangu Tamari auye kuzondibikira zvingwa zviviri ndichiona, ndidye akandibatira.”
7Dhavhidhi akabvawo atumira shoko kumba kuna Tamari rokuti, “Enda kumba kwehanzvadzi yako Amunoni umubikire zvokudya.” 8Tamari akaenda kumba kwehanzvadzi yake Amunoni kuya kwaakanga ari, arere. Akakanya mukanyiwa akaumba zvingwa iye achiona akabva abika zvingwa izvi. 9Tamari akatora pani akamuperekera chingwa asi akaramba kudya. Amunoni akati, “Vamwe vose ngavabude muno mandiri!” Saizvozvowo munhu wose akabudamo maaiva. 10Amunoni ndokuti kuna Tamari, “Ndiigirewo zvokudya mumba muno kuti ndidye wakandibatirawo.” Tamari akatorawo zvingwa zvaakanga abika zviye ndokuigira hanzvadzi yake Amunoni mumba make. 11Asi paakati achisvika nazvo pedyo naye kuti achidya, akabva amuti kachi akamuti, “Hanzvadzi uya tirare tose.”
12Tamari akamuti, “Aiwa hanzvadzi! Rega kundibata chibharo. Zvakadai hazvifaniri kuitwa muIsiraeri. Usaite urombe hwakadai. 13Ko unoti ndinganyarire kupi? Kana uriwe ndopauchabva wava rimwe zirombe chairo muIsiraeri. Zvinoka ndateterera zvangu, dai wataura zvako namambo nokuti haangarambe kuti ndive wako.” 14Asi akaramba kumunzwa uye aiva ane simba kupfuura iye akamumanikidza akatadza naye.
15Amunoni akabva amuvenga zvokuvenga zviya zvokuti kumuvenga kwaakanga ava kuita kwakanga kwakura kupfuura kumuda kwaaita. Amunoni uyu ndokumuti, “Simuka, chibva pano.” 16Asi iye akati, “Kweteka hanzvadzi, nokuti kundidzinga kwawava kuita uku chinhu chakaipa kutopinda zvawaita kwandiri.” Asi haana kumunzwa. 17Amunoni akadaidza jaya akati “Buritsa mukadzi uyu muno mandiri uise chihuri.” 18Izvozvo akanga akapfeka mujiza wake murefu una maoko marefu nokuti vakunda vamambo vainge vachine umhandara vaipfeka mijiza yakadaro. Muranda wake akabva amuburitsa panze ndokuisa chihuri. 19Tamari akazvidira dota mumusoro akabvarura mujiza uye waakanga akapfeka akabata gotsi ndokuti mhere povo kuchema achienda kudaro.
20Hanzvadzi yake, Abhusharomu akamuti, “Asi Amunoni hanzvadzi yako atorana newe here? Chinyarara zvako hanzvadzi, inga ihanzvadzi yako wani. Rega zvako kuzvidya mwoyo nazvo.” Nokudaro Tamari akazogara ari munhu akasuruvara kwazvo pamba pehanzvadzi yake Abhusharomu.
21Zvose izvi pazvakasvika munzeve dzaDhavhidhi akaviruka nehasha. 22Asi Abhusharomu haana chakaipa kana chakanaka chaakatara kuna Amunoni nokuti akanga atoita daka naAmunoni nokuti akanga abata hanzvadzi yake, Tamari chibharo.
Kutsividza kwaAbhusharomu
23Mushure memakore maviri azere, Abhusharomu akanga ana vaveuri vake vehwai kuBhaarihazori pedyo nokwaEfuraimu. Abhusharomu akakokako vanakomana vamambo. 24Abhusharomu akasvika kuna Mambo akati, “Changamire, ini muranda wenyu ndine vaveuri vehwai. Zvino ndiri kukumbira kuti imi mambo namakurukota enyu tiende tose ikoko neni muranda wenyu.” 25Asi akati kuna Abhusharomu, “Kwete, mwanangu hatingaendiko tose tose, tingadaro tikakuremedza.” Abhusharomu akaramba ongovavarira kumukumbira; asi iye akaramba kuenda akamuti afambe zvake zvakanaka.
26Abhusharomu ndokuti, “Kana musingaende chiregai tiende nomunun'una wangu, Amunoni.” Mambo akamuti, “Chaunodira kuenda naye chacho chii?” 27Asi Abhusharomu akaramba avavarira kumukumbira kusvikira abvumira Amunoni navamwe vanakomana vamambo vose kuti vaende zvavo naye. 28Abhusharomu akati kuvaranda vake, “Munofanira kucherechedza Amunoni, kana zvino afarisa newaini, ini ndikakutii pfuudzai Amunoni, mobva mamupfuudza. Musatye, ndini ndinenge ndakutumai, muite chivindi, muite mwoyo wechirume.” 29Saizvozvo varanda vaAbhusharomu vakaita kuna Amunoni sezvavakanga vaudzwa naAbhusharomu. Ipapo vanakomana vose vamambo vakati dzvamu warandanda votasva manyurusi avo votiza.
30Vachiri munzira, kuna Dhavhidhi kwakasvika shoko raiti, “Abhusharomu auraya vanakomana vose vamambo hakuna nomumwe wavo asara.” 31Mambo akabvarura hanzu dzake akati pasi zvambarara. Makurukota ake ose akanga akamukuta akabvarurawo hanzu dzawo. 32Asi Jonadhabhu mwanakomana waShimea mukoma waDhavhidhi akati, “Changamire regai zvenyu kufunga kuti vauraya majaya enyu ose, vana venyu mambo, nokuti Amunoni chete ndiye afa. Honzeri yacho ndiAbhusharomu anga ane pfundipfundi naye kubvira zuva raakabata hanzvadzi yake Tamari chibharo. 33Saka zvino, mambo changamire, regai zvenyu kuzvidya mwoyo muchifunga kuti vanakomana venyu mambo vose vafa, nokuti Amunoni ndiye chete afa.” 34Izvozvo Abhusharomu akanga atotiza.
Rimwe jaya rakanga richichengetedzapo rakatarisa onei mhomho yavanhu ichiuya nokunzira yeseri kwake ichiteremuka mugomo. 35Jonadhabhu akati kuna mambo, “Havoka vanakomana vamambo vari kuuya avo sezvandamboreva ini muranda wenyu, ndozvabva zvaitika izvi.” 36Achangoti pedzei kutaura vanakomana vamambo vaya vakabva varoverera kusvika, ndiye mhere povo. Mambowo namakurukota ake vakachema zvakanyanya kwazvo.
37Izvozvo Abhusharomu akanga atotizira kuna Tarimai mambo wokuGeshuri mwanakomana waAmihudhi. Dhavhidhi akaita mazuva achichema mwanakomana wake. 38Naizvozvo Abhusharomu akatizira kuGeshuri akagarako makore matatu. 39Mambo Dhavhidhi akava nechisuwo chokuona Abhusharomu nokuti shungu yake yokuchema Amunoni yakanga zvino yapera nokuti akanga azvionawo kuti kufa kwaakatoita uku.

Currently Selected:

2 Samueri 13: SCLB

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in