2 Pita Zviri mutsamba yechipiti yaPita
Zviri mutsamba yechipiti yaPita
Tsamba yokutanga yaPita inotaura nezvinonetsa sangano zvinobva kunze, tsamba yechipiri yaPita inotaura nezvedambudzo rinobva mukati mesangano. Munyori wetsamba iyi akanyora achiyambira vatendi kuti kuna vadzidzisi venhema vari kudzidzisa zvidzidziso zvenhema. Anoti upenyu hwomukristu hunoda kutoshinga kuti uchengete hunhu hwako. Hunoda ruzivo nokukwanisa kuzvibata nokutirira nokutya Mwari uye kuva nomutsa nokuvawo norudo navamwe. Vadzidzisi venhema vanotaurwa mutsamba iyi, vanonzi vanotungamirirwa nehavi dzomuviri wavo, vane mwoyo wokuda kuzvipfumisa uye vanokarira pfuma dzavamwe. Vanotoseka zvavo pfungwa yokuti pachava nokutongwa kwavanhu. Upenyu hwanhasi ndiho chete hwavanoona soupenyu hoga. Asi tsamba iyi inovayeuchidza kuti kutongwa kuchauya kunyange kuchiita sokunonoka kudai. Nokudaro vanamati vanofanira kuramba vachigara upenyu huna Mwari, husina chinoshoreka, hwomwoyo mumwechete.
Aya ndiwo mamiriro akaita Tsamba yechipiri yaPita
Kusuma (1:1–2)
Mwoyochena waMwari wokutidaidza (1:3–15)
Uchapupu hwAvapositori (1:16–21)
Vaporofita navadzidzisi venhema (2:1–22)
Zuva richauya Tenzi (3:1–10)
Kukurudzirwa ururami (3:11–18)
Currently Selected:
2 Pita Zviri mutsamba yechipiti yaPita: SCLB
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.