YouVersion Logo
Search Icon

2 Madzimambo 20

20
Kurwara kwamambo Hezekiya nokupora kwake
(Isa 38:1–8,21,22; 2 Nhor 32:24–26)
1Mumazuva iwayo Hezekiya akarwara zvokuti upenyu pakanga pasisina. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akaenda kwaari akamuti, “Zvanzi naTenzi, chirongai zvomusha wenyu nokuti mava kuzofa zvoupenyu kwamuri hapasisina.”
2Ipapo Hezekiya akatendeukira kumadziro ndokunamata kuna Tenzi achiti: 3“Ndakutetererai zvangu Tenzi! Dai mangoyeukawo waro kuwadzana kwandakaita nemi mumafambiro angu ndakatendeseka nomwoyo wose ndichiita zvakarurama zvamunoda.”
Hezekiya akaungudza achichema zvikuru kwazvo. 4Izvozvo Isaya akanga asati apfuura ruvanze rwepakati ndokubva izwi raTenzi rauya kwaari richiti, 5“Dzokera kuna Hezekiya ishe wavanhu vangu uti zvanzi naTenzi, Mwari watateguru wako Dhavhidhi, ndanzwa munamato wako ndikaona misodzi yako. Chiteerera unzwe, ndichakuporesa. Pazuva retatu uchakwira kumba yaTenzi. 6Uye ndichawedzera upenyu hwako namakore gumi namashanu. Ndichanunura iwe neguta iro rino iri mumaoko amambo weAsiria. Ndichadzivirira guta rino iri ndichiitira ini pachangu pamusana pomuranda wangu Dhavhidhi.”
7Isaya ndokuti, “Unzai chambwa chamakuyu vachitore vachiise pamota racho kuti apore.” 8Hezekiya akati kuna Isaya, “Chichandiratidza kuti ndichapora chii? Uye chii chichandiratidzawo kuti ndichakwira zvangu kumba yaTenzi pazuva retatu?”
9Isaya ndokuti, “Chiratidzo chamunoitirwa naTenzi chamuchaziva nacho kuti Tenzi achaita zvaakuvimbisai ndechichi. Mumvuri woenda mberi here nhanho gumi kana kuti wodzokera shure nhano gumi?”
10Hezekiya akati, “Zviri nyore kuti mumvuri uende mberi nhanho gumi pano kuti udzokere shure nhano gumi.”
11Muprofita Isaya akachema kuna Tenzi akadzosera mumvuri wacho shure nhanho gumi dzawakanga wafamba pachiringazuva chiya chakavakwa naAhazi.
Nhume dzakabva Bhabhironi
(Isa 39:1–8)
12Panguva iyoyo Merodhakibharadhani mwanakomana waBharadhani mambo weBhabhironi, akatumira nhume netsamba nechipo kuna Hezekiya nokuti akanga anzwa kuti Hezekiya akanga amborwara. 13Hezekiya akavagamuchira akavaratidza dzimba dzake dzose dzokuchengetera upfumi hwomumuzinda hunoti sirivha nendarama netwokubikisa tunonhuwirira namafuta anokosha nezvombo zvake zvehondo nezvose zvaiva mudzimba dzake dzokuchengetera zvinhu. Chinhu chaiva mumuzinda make kana zvose zvoumambo hwake, Hezekiya hapana chaakasiya kuvaratidza. 14Muporofita Isaya akaenda kuna Hezekiya akati kwaari, “Ko shoko rauya navarume ava ndereyi? Vakakubvirai nepi?”
Hezekiya akati, “Vabva kunyika iri kure kwazvo kuBhabhironi.”
15Iye akati, “Chiiko chavaona mumuzinda menyu?”
Hezekiya akapindura achiti, “Vaona zvose zviri mumuzinda mangu. Hapana chandasiya kuvaratidza mudzimba dzangu dzokuchengetera zvinhu.”
16Isaya ndokuti kuna Hezekiya, “Chiteererai munzwe zvarehwa naTenzi. 17Kuchasvika mazuva okuti zvose zviri mumuzinda menyu nezvakachengetwa namadzibaba enyu kusvikira pari nhasi zvitutwe kuendwa nazvo kuBhabhironi pasina chinozosara, ndiTenzi anodaro kutaura. 18Vamwe vana vako vakomana vawakabereka vachatapwa vakasvikogadzirwa kuitwa vayuniki mumuzinda wamambo weBhabhironi.”
19Hezekiya akati kuna Isaya, “Shoko raTenzi ramataura ishoko rakanaka, nokuti aiti hazvinei zvazvo chero kune rugare nokugadzikana kwezvinhu mumazuva angu.”
Rufu rwaHezekiya
(2 Nhor 32:32–33)
20Inga dzimwe nyaya dzezvaHezekiya nougamba hwake hwose nokugadzira kwaakaita dziva riya nomugero uya akaunza mvura muguta iroro, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaJudha. 21Hezekiya akazovata oendawo kwakaenda vamwe, kumadzitateguru ake. Mwanakomana wake Manase ndiye akazotonga panzvimbo pake.

Currently Selected:

2 Madzimambo 20: SCLB

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in