2 Madzimambo 11
11
F: NGUVA INOBVIRA PAKUTONGA KWAATARIA KUSVIKA KURUFU RWAERISHA
Ataria mambokadzi wokwaJudha (841—835 K.A.A.)
(2 Nhor 22:10—23:15)
1Amai vaAhaziya, Ataria pavakaona kuti mwanakomana wavo afa vakasimuka vakauraya vose vokumba huru. 2Asi Jehoshebha mukunda wamambo Joramu hanzvadzi yaAhaziya akatora Joashi mwanakomana waAhaziya akamusvovesera mumba mokurara iye nomureri wake pakati pavanakomana vamambo vakange voda kuurayiwa. Ndokumuhwandisa kwaakaita kuna Ataria akabva apunyuka kuurayiwa. 3Akava naye kwamakore matanhatu akazvihwandisa mumba yaTenzi, Ataria achitonga nyika iyi.
4Asi kuzoti mava mugore rechinomwe Jehoyadha akatumira shoko kuvakuru vakuru vavachengetedzi vamambo Karite nevokuchengetedza muzinda. Akavati vaunzwe kwaari kumba yaTenzi. Akaita chitsidzirano navo, akavati vapike mhiko muimba yaTenzi, akabva avaratidza mwanakomana wamambo. 5Akavaudza kuti, “Zvamuchaita ndezvizvi: pazvikwata zvenyu zviri zvitatu, chiye chinouya kuzoita basa musi weSabata china mapokawo acho matatu anoti boka rokuchengetedza muzinda, 6neboka rokuchengetedza pasuo guru reSuru, neboka rokuchengetedza kuseri kweboka rinochengetedza pasuo guru, chikwata ichochi ndicho chichachengetedza muzinda. 7Zvimwewo zvikwata zvenyu zviviri zvisingawanzoita basa musi weSabata zviya zvine basa rokuchengetedza imba yaTenzi vakakuta mambo 8ndivo vachakomberedza mambo vakapakata zvombo zvavo zvehondo. Kuwana anenge angofemera kupindira pakarongana vachengetedzi ngaaurayiwe. Kwese kunenge kuchienda mambo vanofanira kunge vainaye.”
9Vakuru vakuru ava vakaita sezvakanga zvanzi nomupristi Jehoyadha zviitwe. Mumwe nomumwe wavo akauya navanhu vake vakanga vasingafaniri kuva pabasa musi weSabata navaye vakanga vachifanira kuva pabasa musi weSabata vakauya kumupristi Jehoyadha. 10Mupristi akapa vakuru vakuru ava mapfumo nenhoo zvaiva zvamambo Dhavhidhi zvaiva zviri mumba yaTenzi. 11Vachengetedzi ava vakamira vakapakata zvombo zvavo zvehondo kubvira kumaodzanyemba kusvikira kuchamhembe kutenderedza atari nemba yamambo. 12Akabva aburitsa mwanakomana wamambo akamudzika ngundu youmambo akamupa bumbiro romutemo vakazivisa kuti ndiye mambo. Vakamuzodza mafuta vakarova makwa vachiti, “Mambo! Ngazvirambe zvakadaro.”
13Pakanzwa Ataria zhowezhowe revachengetedzi nerevanhu akaenda kuimba yaTenzi kuvanhu. 14Paakatarisa akaona, mambo amire pedyo nomusimboti maererano netsika yaifanira kuitwa, vakuru vakuru vehondo nevokuridza mabhosvo vamire namambo, vanhu vose venyika iyi vachipembera kufara, hwamanda ichidandaura. Ataria akabvarura hanzu dzake akadaidzira achiti, “Kwapandukwa! Kwapandukwa!”
15Mupristi Jehoyadha akaudza vakuru vakuru vaitungamirira hondo kuti, “Mubvisei mumitsetse yevachengetedzi mumuburitse, muuraye nebakatwa ani naani anenge woda kutsigirana naye.” Mupristi aiti haafanire kuurayirwa mumba yaTenzi. 16Nokudaro vakabata vakapfuura navo pasuo ramabhiza wokupinda nawo mumuzinda wamambo vakavaurayirapo.
Chitenderano chakaitiswa naJehoyadha
(2 Nhor 23:16–21)
17Jehoyadha akaitisa chitenderano pakati paTenzi namambo navanhu kuti vave vanhu vaTenzi uyewo pakati pamambo navanhu. 18Vanhu vose venyika iyi vakaenda kumba yaBhaari vakaipaza, neatari dzake. Zvifananidzo zvake vakazvipaza vakauraya Matani mupristi waBhaari pamberi peatari dzacho. Vapristi vaye vakabva vaisa vachengetedzi pamba paTenzi. 19Vakatora vakuru vakuru vehondo navachengetedzi vamambo nevokuchengetedza muzinda nevanhu vose venyika iyi ndokuunza mambo kubva kumba yaTenzi vachienda nepasuo guru revachengetedzi kusvika kumba yamambo. Akasvikogara pachigaro chake choumambo, chigaro chemadzimambo. 20Vanhu vose venyika iyi vakapembera kufara, muguta mukava norunyararo mushure mokunge Ataria aurayiwa nebakatwa kumuzinda wamambo.
21Joashi akatanga kutonga ava namakore manomwe.
Currently Selected:
2 Madzimambo 11: SCLB
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.