YouVersion Logo
Search Icon

2 Nhoroondo 4

4
Midziyo yeTemberi
(1 Madzi 7:23–51)
1Soromoni akaitawo atari yendarira yaiva mamita mapfumbamwe kureba, upamhi hwayo huchiitawo mamita mapfumbamwe, kukwira kwayo mudenga yakareba mamita mana ana masendimita makumi mashanu. 2Akazogadzira zibhavhu ziguru-guru kwazvo rakanga rino utare hwakaita zvokunyungurutswa. Udzame hwaro hwaiita mamita maviri namasendimita makumi maviri, upamhi hwaro huchiita mamita mana namasendimita makumi mana. Kuritenderedza rose raiita mamita gumi namatatu namasendimita makumi maviri. 3Pasi paro nechokunzekunze pakanga pakaitwa zvinenge mapudzi, zviri makumi maviri pamita yoga yoga. Zvainge mapudzi izvi, zvakanga zvakaita zvokuumbirwa pazibhavhu iri pamwechete naro parakagadzirwa zviri mumitsara miviri. 4Rakanga rakagara pahandira gumi nembiri, nhatu dzacho dzakaringira kuchamhembe, dzimwe nhatu dzakaringa kumadokero, dzimwewo dzacho nhatu dzakaringira kumaodzanyemba, dzimwewo nhatu dzakaringa kumabvazuva, shure kwadzo dzose kwakanga kuri nechomukati, zibhavhu iri riri pamusoro padzo. 5Ukobvu hwaro hwakanga hwakaita sechanza, mupendero waro wakanga wakaita somupendero wekapu, seruva ramahapa. Zibhavhu iri raipinda madhiramu aikarosvika mazana matatu namakumi mashanu. 6Akagadzirawo mabhavhu gumi okushambira, akandoisa mashanu acho kumaodzanyemba, mamwe acho mashanu kuchamhembe. Maari iwaya ndimo mavaisukira zvainge zvashandiswa pamupiro wokupisa, muzibhavhu ziguru guru ndimo maishambira vapristi.
7Akagadzirawo gumi rezvigadzikiro zvemwenje zvendarama sokuudzwa kwaakaitwa, akazviisa muTemberi achiti zvishanu kumaodzanyemba, zvishanu kuchamhembe. 8Akagadzirawo matebhuru gumi akaaisa muTemberi achiti mashanu kumaodzanyemba mamwe mashanu kuchamhembe. Akagadzira mbhenge dzendarama zana.
9Akagadzira nhandare yavapristi nenhandarewo huru namagonhi munhandaremo akanamirira magonhi acho ndarira. 10Akaisawo zibhavhu ziguruguru riya kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kwemba iyoyo.
11Huramu akagadzirawo mapoto namafoshoro nembhenge. Saizvozvo Huramu akapedza basa raaiitira mambo Soromoni repamba yaMwari.
12Akagadzira misimboti miviri
nezvinhu zvaiva
zvakafutumara zvaiva zvepamisoro
yemisimboti iyi kwouya
mambure maviri okushongedza pazvinhu
zvaiva pamisoro yemisimboti;
13uye zvainge michero yamapomegiraneti mazana mana,
zvokuisa pamambure iwayo ari maviri,
mumbure woga woga uine
mitsara miviri yezvinenge mapomegiraneti
zvokushongedza pazvinhu zviya
zviviri zvakafutumara zvapamisoro yemisimboti.
14Akagadzirawo ngoro namabhavhu,
pangoro idzodzo,
15kwouya zibhavhu ziguru riya
nehandira gumi dzaiva pasi paro.
16Mapoto namafoshoro namaforogo
nemidziyo yose iyi yomumba yaTenzi
yakagadzirirwa mambo Soromoni naHuramabhi,
yakanga iri yendarira yakanyatsokwenenzverwa.
17Mambo akaforomera izvozvi mubani romuna Jorodhani panzvimbo yomunyakwe iri pakati peSukoti neZeredha. 18Soromoni akagadzira mirwi nemirwi yezvinhu izvozvo zvokuti hapana akazokwanisa kuwana kuti ndarira yacho yairema zvakadii.
19Soromoni akagadzira zvinhu zvose zvaiva mumba yaMwari zvaiti:
atari yendarama
netebhuru dzechingwa chokuisa pana Mwari,
20kwouya zvigadzikiro zvemwenje
namarambi azvo endarama
chaiyo yakanakisisa okuvheneka
pamberi penzvimbo inoera
yomukatikati macho sezvakanga zvarehwa,
21kwouyawo maruva namarambi nembato
dzendarama chaiyo yakanakisisa,
22kwozoti zvigero nembhenge
namabisiro orusenzi namakoni emba yacho,
pachiti makonhi omukati okupinda
munzvimbo inoeresesa
namagonhi emba yacho chaiyo yeTemberi,
zvaiva zvendarama.

Currently Selected:

2 Nhoroondo 4: SCLB

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in