YouVersion Logo
Search Icon

2 Nhoroondo 2

2
Kugadzirira kuvakwa kweTemberi
(1 Madzi 5:1–18)
1Soromoni akafunga kuvaka imba yokuisa zita raTenzi nokuzvivakirawo muzinda wake. 2Soromoni akapa basa zviuru makumi manomwe zvavarume kuti vave vokutakura zvinhu, zviuru makumi masere vave vokukwakwanura matombo mumakomo, nezviuru zvitatu zvina mazana matanhatu vokuona kuti basa riri kuitwa here nokushandisa vanhu basa.
3Soromoni akatumira shoko kuna Huramu
mambo wokuTire rokuti,
“Sezvamakaita kuna baba wangu Dhavhidhi
kuvatumira misidhari
yokuvakisa imba yokuti vagare,
4zvino iniwo ndava kuvaka imba
yokuisa zita raTenzi, Mwari wangu
yandichateketera kwaari mokupisira paari rusenzi
rwetwunonhuwirira,
mokugara makaiswa chingwa chepana Mwari,
mokupirirawo mipiro yokupisa yamangwanani neyamanheru
pamaSabata napakugara kwomwedzi
napamazuva makuru aTenzi, Mwari
wedu akatemerwa Isiraeri narini wose.
5Imba yacho yandava kuzovaka,
ihuru nokuti Mwari wedu mukuru
pana vamwari vose.
6Asi ndianiwo chaizvo angakwanise
kumuvakira imba, ipo
panototi matenga chaiwo kunyange denga
rokumatenga-tenga chairo
harikwane kuti agaremo.
Panguwo pano, ndiri aniwo zvangu kuti
ndimuvakire imba,
asi kuti kuvaka pokungomupisira rusenzi
chete here?
7Nditumireiwo mhizha yezvendarama
nezvesirivha nezvendarira
nezvesimbi nezvamachira eruvara rwehute namatsvuku neeruvara rwedenga.
Anounyanzvi hwokunyora pazvinhu
achiita zvokutemerapo,
kuti azova pamwechete
navanhu vanoziva basa vaneni kwaJudha
kuno nomuJerusaremu vakatsvakwa
nababa vangu Dhavhidhi.
8Munditumireiwo musidhari
nomusaipurasi nomuarugamu
okuRebhanoni nokuti ndinoziva
kuti vashandi venyu vanoziva
zvokutema mapango kuRebhanoni.
Vashandi venyu vachava pamwechete
navashandi vangu
9kuti vandigadzirire mapango akawanda
nokuti imba yandichavaka ihuru uye yakanaka.
10Vashandi venyu vokutema miti
ndichavapa zviuru zviviri
zvematani ekoroni nezviuru mazana mana emarita ewaini
namafuta eorivhi anoita zviuru mazana mana zvamarita.”
11Huramu mambo wokuTire akapindura Soromoni netsamba yaiti,
“Pamusana pokuti
Tenzi anoda vanhu vake akakuitai
mambo wavo.”
12Huramu akatiwo,
“Tenzi, Mwari weIsiraeri ngaarumbidzwe.
Musiki wedenga napasi akapa Dhavhidhi
mwanakomna ane ungwaru
anonyatsooona zvinhu nomazvo,
anonzwisisa achavakira imba Tenzi
uye achazvivakirawo muzinda.
13“Zvino ndatumira mhizha inonzwisisa
inonzi Huramuabhi,
14mwanakomana womumwe mudzimai wokwaDhani,
baba vake vari munhu wokuTire.
Inyanzvi yezvendarama nezvesirivha nezvendarira
nesimbi namabwe nezvamapango
nezvamachira eruvara rwehute neeruvara rwedenga
namatsvuku nezverineni yakanakisisa,
nemhando nemhando dzokunyorawo
kwokutemera pazvinhu nokufanonyora
mifananidzo yezvose zvose zvingade kuzoitwa
pamwechete navanhu vokwenyu vanoziva basa,
nyanzvi dzebasa dzachangamire wangu
Dhavhidhi baba venyu.
15Saka koroni nebhari namafuta eorivhi newaini
zvamakataura mambo changamire titumirei
zvenyu isu varanda venyu.
16Isu tinokutemeraiwo mapango ose amunenge muchida
kuRebhanoni toauyisa kwamuri tichiayeredzera kuJopa nomugungwa
akasungwa masvinga masvinga
kuitira kuti muzoatorawo imi
mugokwira nawo kuJerusaremu.”
Kuvakwa kweTemberi namambo Soromoni
(1 Madzi 6:1–38)
17Soromoni akazovenga vatorwa vose vaiva munyika yeIsiraeri mushure mokuverenga vanhu kwakanga kwamboitwa nababa vake Dhavhidhi. Kwakawanikwa kuti kwaiva navanhu vanosvika zviuru zana namakumi mashanu nezvitatu zvine mazana matanhatu avanhu. 18Vamwe vavo vanokwana zviuru makumi manomwe akavapa basa rokutakura zvinhu, zviuru makumi masere rokukwakwanura matombo mumakomo nezviuru zvitatu zvina mazana matanhatu rokuwona kuti basa riri kuitwa here nokushandisa vanhu basa.

Currently Selected:

2 Nhoroondo 2: SCLB

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in