YouVersion Logo
Search Icon

1 Timoti Zviri mutsamba yokutanga yaTimoti

Zviri mutsamba yokutanga yaTimoti
Tsamba yokutanga yaTimoti, Pauro, somunhu mukuru, anonyorera Timoti mubatsiri wake mukutungamira sangano raMwari kuEfesusi. Zvaakanga akatarisana nazvo zvakanga zvakakura kwazvo. Kwakanga kuna vanhu vaidzidzisa zvidzidziso zvisizvo. Uye aifanira kuchengetedza manamatiro akanaka uyewo kwaifanira kuwanikwa vokutungamirira vanhu vakanaka. Iyewo pachake somunhu muduku ainzi arege kungorega zvinhu zvichienda kusiko pamusana pokuzeza kutaura nokuti aiva mudiki. Ainzi anofanira kuvavarira kuva mururami, munhu anotya Mwari, munhu ano chitendero, ano ushingi, asi iye aino unyoro hunokodzerana nomunhu waMwari.
Aya ndiwo mamiriro akaita Tsamba yokutanga yaTimoti
Kusuma (1:1–2)
Kukosha kwerudzidziso rwakarurama (1:3–20)
Kukosha kokunamata (2:1–15)
Vakuru vakuru vamasangano (3:1–16)
Kukosha kwokuona zvinhu nemazvo (4:1–6)
Kukosha kwezvidzidziso zvakanaka (5:1–2)
Kukosha kwamafungiro akanaka (6:1–21)

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in