YouVersion Logo
Search Icon

1 Timoti 5

5
Ukama navamwe
1Usatsiure munhu mukuru zvehasha asi nyatsotaura naye sababa, varume vadiki vabate savanun'una vako, 2vakadzi vakuru savanamai vako navakadzi vechidiki sehanzvadzi dzako pasina kana zvokumbotsaudzira mune zvoutsvene.
Chirikadzi
3Remekedza chirikadzi, dzinenge dziri chirikadzi chechokwadi. 4Kana chirikadzi iina vana kana vazukuru ngavatange vadzidza basa ravo savanamati ravanofanira kuita kumhuri yavo vawane zvavanodzorerawo kuvabereki vavo nokuti izvi ndizvo zvinofadza Mwari. 5Chirikadzi chaiyo yakasiiwa ichingova yoga yoga, inotarisira kuna Mwari, inoramba ichingokumbira ichinamata siku nesikati. 6Asi chirikadzi inoda zvokuzvifadza, ichirikadzi yakatofa iyo ichiri mhenyu. 7Dzidzisa zvinhu izvozvi kuti dzirege kuwana chadzinoshorwa nacho. 8Kana munhu asingachengeti hama dzake, zvikuru vemhuri yokwake, munhu akadaro atorasa chitendero chake uye akatoipa kupinda asingatendi.#5:8 Asingatendi: Kana kuti asingadaviri kana kuti asingatenderi. 9Kana chirikadzi isati yasvitsa makore makumi matanhatu ngairege kunyoreswa zita uye inofanira kunge iri chirikadzi yakangoroorwa kamwechete. 10Anofanira kuva munhu anopupurirwa pamusoro pamabasa ake akanaka nokurera kwaakaita vana vake anogamuchira vaenzi zvakanaka uye anoshambidza tsoka dzavatsvene achiyamura vatamburi uye ari mudzimai anofarira kuita zvakanaka nenzira dzose.
11Asi ramba kunyoresa chirikadzi dzechidiki nokuti kana dzotadziswa kushandira Kristu nechikonzero chehavi dzadzo, dzinoda kuroorwa. 12Saizvozvo dzobva dzazvipisa mhosva pamusana pokutyora chitsidzo chadzo chokutanga. 13Pamusoro paizvozvo dzinodzidza kuva tsimbe dzinotevedza nedzimba, dzisiri nyope chete asi kuti vanhu vamakuhwa vanongwarira zvamashiripiti vachitaura zvavasingafaniri kutaura. 14Nezvo ini ndinoti chirikadzi dzechidiki ngadziroorwe dzibereke vana dzichengetedze mhuri dzadzo dziregewo kupa muvengi mukana wokutaura zvakaipa nezvedu. 15Vamwe vavo vakatotetereka vachitevera Satani. 16Kana mukadzi mutendi ane hama chirikadzi ngaadzibatsire kuti zvirege kuremedza sangano kuti ribatsire chirikadzi chaidzo.
Vakuru vakuru vesangano
17Vakuru vakuru vanotungamirira sangano zvakanaka ngavaremekedzwe zvakapetwa kaviri zvikuru avo vanoita basa rokuparidza nerokudzidzisa 18nokuti Magwaro anoti, “Usaise mombe matomu painenge ichipura mbeswa,” uye kuti, “Mushandi anofanira kuwana mubayiro wake.” 19Usagamuchire kuti mumwe wavakuru vakuru ane mhosva kusatoti pane umboo hwezvapupu zviviri kana zvitatu. 20Asi kune avo vanorambirira vari muchitadzo vatsiure pamberi pavose kuti vamwe vose vatye. 21Pamberi paMwari uye pamberi paKristu Jesu napamberi penhumwa dzakasarudzwa, ndinokukomeresa kuti uchengete mitemo iyoyi usina kwaunorerekera kana rusaruro. 22Usamhanyirire kuisa maoko okugadza munhu kana kudziya moto wembavha muchitadzo chomumwe uye chengetedza utsvene hwako.
23Chirega kuramba uchingonwa mvura chete asi inwa waini shoma kuitira mudumbu mako uye nokurwara rwara kwaunoita.
24Zvitadzo zvavamwe vanhu zvinooneka pachena zvinofanotaura kuti munhu uyu anotongwa achinzii asi zvitadzo zvavamwe zvinozobuda pachena gare gare. 25Ndizvozvowo zvina mabasa akanaka mamwe anoonekwa pachena uye kunyange aya asingaoneki pachena haagoni kuramba akangovanzika.

Currently Selected:

1 Timoti 5: SCLB

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in