YouVersion Logo
Search Icon

1 Samueri 5

5
Bhokisi rechitenderano munyika yavaFirisitia
1VaFirisitia vakatora Bhokisi raMwari reChitenderano, paEbhenezeru vakaenda naro kuAshidhodhi. 2Vakatakura Bhokisi raMwari vakaenda naro kutemberi yaDhagoni, vakandorigadzika munyasi mechifananidzo chaDhagoni. 3Vagari veAshidhodhi vakafumomuka, wanei chifananidzo chaDhagoni chakati pasi zvambarara nouso pamberi peBhokisi raTenzi. Vakachisimudza vakachimisa panzvimbo yacho. 4Mangwana acho vakafumomukazve ndokuona chifananidzo chaDhagoni chakawirazve pasi pamberi peBhokisi raTenzi. Musoro wacho namaoko acho ari maviri akanga ari pachikumbaridzo akatyoka. Muviri wacho chete ndiwo wakanga wasara. 5Pamusana paizvozvi vapristi vaDhagoni navanhu vose vanopinda mutemberi yaDhagoni nanhasi uno havatsike pachikumbaridzo chaDhagoni chiri muAshidhodhi.
6Shamhu yaTenzi yakarova zvikuru vanhu vokuAshidhodhi navakavapoteredza, akavaonesa ndondo nedenda ramamota. 7Vanhu vokuAshidhodhi pavakazvionawo vakati, “Bhokisi Rechitenderano raMwari wavaIsiraeri harifaniri kuramba riinesu nokuti shamhu yake yanyanya kurwadza isu naDhagoni mwari wedu.”
8Vakatuma shoko rokukokorodza vatungamiriri vose vavaFirisitia rokuti, “Toiteiko nebhokisi raMwari wavaIsiraeri?” Ivo vakati, “Bhokisi raMwari wavaIsiraeri ngariendeswe kuGati.” Saka vakaenda nebhokisi raMwari wavaIsiraeri ikoko. 9Pavakaenda naro ikoko, Tenzi akarova guta irori neshamhu, kuranga kwacho kwaiva kwokuparadza chaiko. Akarova varume vomuguta iroro kubvira kuvakuru kusvikira kuvaduku, nedenda ramamota. 10Vakazoendesa bhokisi raMwari reChitendarano kuEkironi. Parakangosvika kuEkironi vanhu veko vakachemedzeka vachiti, “Vaunza bhokisi reChitenderano raMwari wavaIsiraeri kwatiri kuzotiurayisa isu navanhu vedu.” 11Saka vakabva vatumazve shoko ndokukokorodza vatungamiriri vose vechiFirisitia, vakati, “Bhokisi reChitendarano raMwari wavaIsiraeri ngariendeswe kumusha kwaro. Ngaridzorerwe kunzvimbo yaro kuti rirege kutiuraya isu navanhu vedu.” Vakadaro nokuti guta irori rose rakanga rayaura nokutya rufu. Tenzi akanga arirova shamhu inorwadza kwazvo. 12Vanhu vakanga vasina kufa vakarohwa nedenda ramamota, kuchemedzeka kweguta iri kwakasvika kudenga.

Currently Selected:

1 Samueri 5: SCLB

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in