1 Samueri 30
30
Hondo yaDhavhidhi navaAmareki
1Dhavhidhi navanhu vake vakasvika kuZikiragi, rava zuva retatu. Vakasvikowana vaAmareki vapamba zvinhu mudunhu reNegevhu nomuguta reZikiragi. Vakanga varwisa Zikiragi variroromesa nomoto. 2Vakatapa vakadzi navamwe vose vaivamo kubvira kuvaduku kusvikira kuvakuru. Havana wavakauraya asi vakangokukuchana navo ndokuenda. 3Dhavhidhi navanhu vake vakati vachisvika muguta umu wanei raroromeswa nomoto, madzimai avo navana vavo vakomana navasikana wanei vatapwa. 4Dhavhidhi navanhu vaaiva navo vakazhamba kusvikira vasisina simba rokuchema. 5Vakadzi vaDhavhidhi vaviri, Ahinoamu wokuJezireeri naAbhigairi chirikadzi yaNabhari vokuKaremeri vakanga atapwawo. 6Dhavhidhi akasuruvara kwazvo nokuti vamwe vakanga votoda zvokumutaka namabwe pamusana pokuti vanhu vose vakanga vasuruvara kwazvo vofunga zvino vana vavo vakomana navasikana. Asi Dhavhidhi akawana simba rake muna Tenzi, Mwari wake. 7Dhavhidhi akati kumupristi Abhiatari mwanakomana waAhimereki, “Uya kuno neefodhi.” Abhiatari akabva auya neefodhi kuna Dhavhidhi. 8Dhavhidhi akada kunzwa kuti Tenzi anoti kudii nezvinhu izvi akati, “Ndoronda here chikwata ichi? Ndichavabata here?” Mwari ndokumuti, “Varonde zvako unovabata chete ugovanunura.”
9Dhavhidhi akabva asimukawo namazana matanhatu avarwi vaakanga ainawo. Vakasvika kukakova keBhesori vamwe vavo vakasara ipapo. 10Asi iye Dhavhidhi navamwe vavo mazana mana vakaramba vachironda. Vamwe mazana maviri vakasarapo, vakanga vaneta kwazvo, vakatadza kuyambuka kakova keBhesori. 11Kune vamwe vakawana mumwe muIjipiti musango vakauya naye kuna Dhavhidhi. Vakamupa chingwa akadya, vakamupawo mvura yokunwa. 12Vakamupawo chimedu chechambwa chamakuyu nechisumbu chamagirepisi akaomeswa. Paakanga apedza kudya kudaro, simba rake rakabva radzoka pakare nokuti akanga apedza mazuva matatu, siku nesikati asina kana kuisa chinhu mukanwa kana kunwa mvura zvayo. 13Dhavhidhi akamubvunza kuti, “Uri wokwaaniko iwe? Unobva kupi?” Iye ndokuti, “Ndiri mukomana wokuIjipiti. Ndiri muranda womumwe muAmareki. Tenzi wangu akangonditiwo njo pano apa ndarwara mazuva matatu apera aya. 14Takanga tatorwisa dunhu reNegevhu rokuvaKereti, nedunhu reNegevhu rokwaJudha nedunhu reNegevhu rokwaKarebhu, tikapisawo Zikiragi nomoto.”
15Dhavhidhi akamuti, “Ungakwanise here kundisvitsa kune chikwata ichochi.” Iye akati, “Chimbonditsidziraiwo naMwari kuti hamundiuraye kana kundiisa mumaoko atenzi wangu ndigokusvitsai zvenyu kune chikwata ichocho.”
16Akadzika naye ikoko wanei vaAmareki vakaita zvavo rurasademo, vakapararira nenzvimbo iyoyo yose vachiti uku runodya, uku runonwa, uku runotamba pamusana pezvose zvavakanga vapamba kunyika yavaFirisitia nokunyika yokwaJudha. 17Dhavhidhi akavarakatisa kuuraya kubvira parubvunzavaeni kusvikira manheru eramangwana racho. Hakuna akapunyuka kusara kwamajaya mazana mana akatasva ngamera akatiza. 18Dhavhidhi akadzosa zvose zvakanga zvapambwa navaAmareki, akanunura vakadzi vake vaviri. 19Hapana chakashayikwa, kana kai zvako kubvira kuvana vakomana navasikana kusvikira kune zvakanga zvapambwa kunyange nezvakanga zvatorwa. Dhavhidhi akadzoka nazvo zvose. 20Dhavhidhi akavatorerawo mombe dzose nezvimwe zvipfuwo izvozvo. Vanhu vakatinha zvipfuwo izvozvo zviri mberi kwake#30:20 Mberi kwake: chiHebheru chinoti, “Vakatinha zviri mberi kwemombe.” vachiti, “Izvi ndizvo zvakapambwa naDhavhidhi.”
21Dhavhidhi akasvika pana varume vaya mazana maviri vakanga vaneta zvokuti vakanga vasisakwanise kuenda naDhavhidhi, vakanga vambosiyiwa vaya pakakova keBhesori. Vakauya kuzochingurana naDhavhidi pamwechete navanhu vaiva naye. Dhavhidhi paakasvika kwavari akavakwazisa. 22Asi kwaiva navamwe vakaipa mwoyo vomuchokoto pavanhu vakanga vaenda naDhavhidhi vakakonora vachiti, “Pamusana pokuti vanhu ava havana kuenda nesu, hapana chatinovapa pazvinhu zvatakapamba zvatakadzosa izvi asi kuti munhu ngaangotora mukadzi wake navana vake aende.”
23Asi Dhavhidhi akati, “Kweteka hama dzangu, hamungadaro nezvinhu zvatakangopiwa zvedu naTenzi. Inga Mwari akatichengeta wani akaisa chikwata chavavengi vedu mumaoko edu. 24Ndiani angabangoteerera zvamuri kutaura? Chiripo chaicho ndechokuti chawana aenda kundorwa ndicho chichawanawo anosara pazvinhu, mugove wavo mumwechete.” 25Kubvira musi iwoyo zvichienda mberi Dhavhidhi akabva ati uve murao nomutemo weIsiraeri kusvikira pari nhasi.
26Dhavhidhi paakasvika kuZikiragi akatumira zvimwe zvaakanga apamba kushamwari dzake, vakuru vakuru vokwaJudha achiti, “Hecho chikomborero chezvakapambwa kuvavengi vaTenzi.” 27Vaakatumira ndeava vanoti:
vokuBhetieri,
novokudunhu reNegevhu rokuRamoti,
kwouya vokuJatiri,
28novokuAroeri,
novokuSifumoti,
novokuEshitemoa,
29kwoti vokuRakari,
novokumaguta okuJerahimeeri,
novokumaguta okuvaKeni,
30kwouyawo vokuHoruma,
novokuBhorashani,
novokuAtaki,
31kwozoti vokuHebhuroni
nokumwe kwose zvako kwaimboshanyirwa
naDhavhidhi navarwi vake.
Currently Selected:
1 Samueri 30: SCLB
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.