1 Samueri 11
11
Kukurira kwakaita Sauro vaAmoni
1Nahashi muAmoni akakwira kuJabheshigireadhi akarikomba. Varume vose vomuJabheshi vakati kuna Hahashi, “Madii zvenyu kuita chitenderano nesu tigokushandirai?” 2Asi Nahashi muAmoni akavati, “Ndingatozoita chitenderano nemi kana ndichinge ndatotanga ndaita izvi zvokuti ndokusvukunurai mose maziso enyu okurudyi ndigonyadzisa vaIsiraeri vose nazvo.” 3Vakuru vakuru vomuJabheshi vakati kwaari, “Tipeiwo mazuva manomwe tiwanewo nguva yokumbotumira nhume munyika yose yeIsiraeri. Kana kwashayika wokuzotinunura ndopatichazviisa zvedu mumaoko enyu.”
4Nhume dzacho padzakasvika kuGibhea kwaSauro dzakasvitsa shoko iri munzeve dzavanhu, vanhu ndokuita zhwerendende kuchema. 5Izvozvo Sauro akanga achibva zvake kumunda achitotinha nzombe dzake. Sauro ndokuti, “Ko vanhu vari kuchema, vari kuchemei?” Vakamutaurira nyaya dzakanga dzasvika nenhume dzokuJabheshi. 6Sauro paakazvinzwa Mweya waMwari wakauya paari nesimba guru kwazvo akaviruka kwazvo nehasha. 7Akabaya nzombe mbiri ndokudzicheka-cheka, ndokutumira nhindi dzenyama nenhume munyika yose yeIsiraeri achiti, “Izvi ndizvo zvichaitwa nzombe yomunhu wose anenge asina kubuda naSauro naSamueri!” Vanhu vakatya Tenzi vakabuda vose pamwechete. 8Sauro akavaronganisa kuBhezeki. Paiva navarwi vokwaIsiraeri mazana matatu ezviuru vokwaJudha vari zviuru makumi matatu. 9Vakaudza nhume dziya dzokutumwa dziya kuti, “Munondoti kuvarume vokuJabheshigireadhi, ‘Mangwana, panguva yorudziyakamwe muchange matonunurwa.’ ” Nhume idzi padzakasvikotaurira varume vokuJabheshi izvozvi vakafara kwazvo. 10Varume vokuJabheshi ndokuti kuvaAmoni, “Mangwana tichazviisa zvedu mumaoko enyu mugoita zvenyu zvamunoda nesu.”
11Ramangwana racho, Sauro akakamuranisa varwi vake akavaisa muzvikwata zvitatu. Kwava kuda kuti ngwee kuedza vakabva vaverera vati vhu kusvika mumatendhe evaAmoni vakavakatakazha kusvikira panguva yorudziyakamwe. Vakanga vapunyuka vakaitiswa rumwe rumwe kupararana zvokushaya kana vaviri zvavo vakakwanisa kusara vari vose.
12Vanhu ndopavakati kuna Samueri, “Ndivanaani vaya vaitadza kutaura vachiti, ‘Tingatongwe naSauro here isu?’ Ngavaunzwe pano varume ivava tivapfuudze.”
13Asi Sauro akati, “Hapana anofanira kuurayiwa nhasi uno nokuti iye nhasi uno Tenzi anunura nyika yeIsiraeri.” 14Samueri akazoti kuvanhu, “Handei kuGirigari tindopemberera kugadzwa kwakaitwa mambo.” 15Saka vanhu vose vakaenda kuGirigari vakagadza Sauro pachigaro chake choumambo pana Tenzi kuGirigariko. Vakapira mipiro yokuwadzana vari ikoko pana Tenzi, Sauro navaIsiraeri vose vakaita mabiko vakapembera vachifara zvikuru.
Currently Selected:
1 Samueri 11: SCLB
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.