1 Pita 2
2
Dombo benyu, upristi hutsva nerudzi rutsva
1Saizvozvo chibvisai uipi hwose nokunyengedza kose nokubata vanhu kumeso neshanje nokunyomba kose. 2Savacheche vatsva vachangoberekwa suwirai mukaka chaiwo wezvemweya kuti nawo mukure kusvika kuruponeso. 3Nokuti “Makaravira mutsa waTenzi.”#2:3 Makaravira mutsa waTenzi: Tarisa Nziyo 34:8. 4Uyai kwaari, iye Dombo Benyu rakarambwa navanhu asi pana Mwari rakasarudzwa uye rinokosha, 5imiwo uyai samatombo mapenyu muvakwe kuva Temberi yemweya, muve vapristi vatsvene kuti nokuna Jesu Kristu mupire zvibayiro zvemweya zvinogamuchirika pana Mwari nokuna Jesu Kristu. 6Nokuti zvakanyorwa muMagwaro Matsvene kuti:
“Tarisai muone
ndava kuisa dombo muZioni
dombo rapakona rakanyatsosarudzwa uye rinokosha.
Munhu anodavira maari haambonyadziswi.
7Kunemi munotenda, akakosha
asi kune vasingatendi,
dombo iroro rakarambwa navavaki,
ndiro rava dombo rine basa guru rapakona.
8Pamwewo panoti,
‘Iri ndiro dombo richagumbura vanhu,
ibwe richaita kuti vaputsike.’ ”
Vanogumburwa nokuti havateereri shoko sokurongerwa kwavakaitwa.
9Asi imi muri rudzi rwakasarudzwa,
vapristi vokumba huru,
rudzi runoera,
vanhu vaMwari
kuti muparidze
mabasa anoshamisa ouya akakudaidzai
kuti mubve murima
muchipinda muchiedza chake chinoshamisa.
10Makambenge musiri rudzi, asi iye zvino mava rudzi rwaMwari. Makambenge musina kuitirwa tsitsi asi zvino makaitirwa tsitsi.
Basa ravaranda vaMwari kuvahedheni
11Vadikanwi ndinokukurudzirai savauyi navatorwa kuti musiyane nehavi dzomuviri dzinorwisana nemweya wenyu. 12Ivai nomugariro wakanaka mukati mevechirudzi kuti kana vakakurevai savanhu vanoita zvakaipa vazoona mabasa enyu akanaka vagorumbidza Mwari paanokushanyirai.
13Pamusana paTenzi, zviisei pasi pavanhu vakagadzwa ukuru pakati pavanhu, pangave pasi pamambo somukuru mukuru, 14kana kumasadunhu vaanenge atuma kundoranga vanoita zvakaipa nokurumbidza vanoita zvakanaka. 15Chikonzero chacho ndechokuti, nokuita zvakanaka munopwisa kutaura kusina maturo kwavanhu vasina zvavanoziva. Garai savanhu vanerusununguko, asi musingasevenzesi rusununguko rwenyu sechinhu chokuhwanda nacho mukuita zvakaipa, 16asi garai savaranda vaMwari. 17Remekedzai vanhu vose, idanai navose nevehama. Ityai Mwari, muremekedze mambo.
Vashandi tevedzerai muenzaniso waJesu
18Vashandi zviisei pasi pavatenzi venyu norukudzo rwose, kwete kune vane mwoyo wakanaka chete kana kuna vane mwoyo munyoro asi kunyange kune vakaoma mwoyo, 19nokuti chikomborero kuti munhu anotirira zvake nhamo, iye achitambudzika zvisina ruenzaniso, pari pamusana pokuti anoziva kuti kuna Mwari. 20Unowana mubayiro wei kana ukatirira iwe waroverwa kuita zvakaipa? Asi kana ukaita zvakanaka iwe ugotambudzika nokuda kwazvo iwe ukatirira zvako, chikomborero ichocho pana Mwari. 21Izvi ndizvoka zvamakadaidzirwa nokuti Kristu akakutambudzikiraiwo achikusiirai muenzaniso kuti mutevere makwara ake. 22Haana kumbopara chitadzo. Hapana unyengedzi hwakambowanikwa pamuromo pake. 23Paakanyombwa haana kudzorera nokunyombawo. Paakarwadziwa haana kuti muchazviona asi akavimba naiye anotonga zvino ruenzaniso. 24Iye akatakura zvitadzo zvedu mumuviri wake pamuti kuti isu zvokutadza tisiyanenazvo tigare upenyu hwoururami. Makarapwa namaronda ake 25nokuti makanga muchitetereka sehwai asi iye zvino makadzokera kuMufudzi noMuchengeti wemweya yenyu.
Currently Selected:
1 Pita 2: SCLB
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.