YouVersion Logo
Search Icon

Varoma 6

6
Kuombekwa
1Zvino totiiko? Toramba tiri muchitadzo here kuti nyasha dzifashukire? 2Kwete, handizvo. Zvingaitike sei kuti, isu kuchitadzo, tiri vanhu vakafa, tirambe tichirarama machiri. 3Hamuzivi here kuti isu tose takaombekwa muna Kristu Jesu. Takaombekwa murufu rwake. 4Naizvozvo takavigwa pamwechete naye nokuombekwa murufu rwake kuti sokumutswa kwakaitwa Kristu kuvafi nembiri yaBaba isuwo tifambe muupenyu hutsva.
5Kana takabatana naye murufu rwaakaita serwake tichabatanawo naye mukumuka kwaakaita. 6Tinoziva kuti humunhu hwedu hwakare hwakarovererwa pamuchinjikwa pamwechete naye kuti muviri wezvitadzo uparadzwe uye kuitirawo kuti tirege kuva varanda vechitadzo 7nokuti munhu anenge afa atosunungurwa kuchitadzo. 8Asi kana takafa pamwe naKristu kudai tinodavira kuti tichararamawo pamwechete naye. 9Tinoziva kuti Kristu zvaakamutswa kuvakafa haachazofazve. Rufu haruchamutongazve. 10Nokufa kwaakaita, kuchitadzo, akava munhu akafa chakamwe asi upenyu hwake iye zvino anoraramira Mwari. 11Naizvozvo imiwo munofanira kuzviona kuti, kuchitadzo muri vanhu vakafa; asi Mwari ari iye upenyu hwenyu muna Kristu Jesu.
Ururami ngautonge kwete chitadzo
12Naizvozvo chitadzo ngachirege kukutongai mumiviri yenyu inofa chichiita kuti muteerere havi dzawo. 13Musape nhengo dzenyu kuti dzishandiswe kutadza semidziyo yokuita nayo zvakaipa asi zvipei kuna Mwari savanhu vakabviswa murufu vachiendeswa kuupenyu mupe nhengo dzenyu kuna Mwari semidziyo yokushandisa mune zvakarurama. 14Chitadzo hachizokutongai nokuti hamusi pasi pomutemo asi muri pasi penyasha.
Munhu anofanira kutungamirirwa noururami
15Ko zvino topara zvitadzo pamusana pokuti hatisi pasi pomutemo asi pasi penyasha here? Handizvo. 16Hamuzivi here kuti mukazviisa mumaoko omumwe munhu savaranda vanomuteerera, matova varanda vomunhu iyeyo wamunoteerera? Chingave chitadzo chamunoteerera chinosvitsa kurufu kana kuteerera kunotsvitsa mukururama. 17Asi tinotenda Mwari kuti, imi makambenge muri varanda vechitadzo, mava kuteerera nemwoyo wose chidzidziso chiri pamwero chamakazvipira kwachiri. 18Madaro kuzvisunungura kuchitadzo, makave varanda voururami. 19Tava kutaura zvedu savanhu, sezvinhu zvinongowanikawo muvanhu, pamusana poutera. Sezvamakambopa nhengo dzenyu kune zvetsvina uye nokuhuipi hwakaipisisa, saizvozvowo chipai nhengo dzenyu kune zvakarurama kuti muitwe vatsvene.
Mubayiro wechitadzo nomubayiro woururami
20Pamaiva varanda vechitadzo makanga makasununguka kuita zvakarurama noururami. 21Asi chii chamakawana muzvinhu izvozvo zvamavakutonyara nazvo. Mugumo wazvo rufu. 22Zvino zvamakasunungurwa muchitadzo mukava varanda vaMwari, mubayiro wamunowana kuitwa vatsvene. Uye mugumo wazvo upenyu usingaperi 23nokuti mubayiro wechitadzo rufu. Asi chipo chaMwari chaanopa pachena upenyu husingaperi muna Jesu Kristu Tenzi wedu.

Currently Selected:

Varoma 6: SCLBD

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in