YouVersion Logo
Search Icon

Varoma 14

14
Usape mumwe wako mhosva
1Garai zvakanaka nomunhu ane chitendero chisina kusimba. Mugamuchirei asi musingaiti gakava naye pane zvaanofunga. 2Mumwe anotenda kuti anogona kudya chero chinhu asi asina kusimba uya achingodya mirio yoga. 3Anodya chinhu ngaarege kushora uyo asingadyi. Asingadyi uya ngaarege kupa mhosva uya anodya zvake nokuti Mwari anomugamuchira. 4Iwe ndiwe ani unopa mhosva muranda womumwe. Kubudirira kwake kana kusabudirira kwake muridzi wake ndiye anokuona. Achabudirira nokuti Tenzi wake ndiye anogona kuti abudirire.
5Mumwe munhu anofunga kuti rimwe zuva riri nani kupinda rimwe, mumwewo achitora mazuva ose seakangoenzana. Mumwe nomumwe ngaanyatsotendeseka mumwoyo make 6nokuti anochengeta zuva anochengeta achikudza Tenzi. Anodyawo anodya achikudza Tenzi nokuti anotenda Mwari. Uyewo uyo asingadyi anorega pamusana pokukudza Tenzi achitenda Mwari. 7Hapana mumwe wedu anozviraramira iye pachake; hapanawo mumwe wedu anozvifira iye pachake. 8Kana tiri vapenyu tinoraramira Tenzi. Uye kana tichifa tinofira Tenzi. Saizvozvo kana tikararama kana kufa tiri vaTenzi. 9Izvozvi ndizvo zvakafira Kristu akava mupenyuzve kuti ave Tenzi wavakafa navapenyu. 10Unopireiko hama yako mhosva! Ko iwewo unoshorerei mumwe wako! Iyesu tose tichandomira pamberi pechigaro chokutonga chaMwari, 11nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Hezvino ndakadai, ndizvo zviri kutaura Tenzi, ibvi rose richandigwadamira uye rurimi rwose rucharumbidza Mwari.” 12Naizvozvo mumwe nomumwe wedu achandozvidavirira pana Mwari.
Usarasise mumwe wako chitendero
13Saizvozvo ngatiregei kupana mhosva asi ngatitozviitirai chisungo chokuti hatimboisa chinopingiridza kana chinodzivirira panzira yehama yedu. 14Ndinoziva uye ndinokurudzirwa muna Tenzi Jesu kuti hapana chinhu chakan'ora pachacho asi kuti chakan'orera kuno uyo anochiti chakan'ora. 15Kana hama yako ichiodzwa mwoyo nezvauri kudya hauchisiri kuita zvine rudo. Usaite kuti chaunodya chiparadze munhu akafirwa naKristu. 16Saka usaite kuti chakanaka kwauri chizonzi chakaipa 17nokuti umambo hwaMwari haurevi chokudya kana chokunwa asi hunoreva ururami norugare nokufara muna Mweya Mutsvene. 18Munhu anoshandira Kristu zvakadai, munhu anofadza Mwari uye anodiwawo navanhu. 19Naizvozvo ngativavarirei kuita zvinounza rugare nezvinoita kuti tivakane. 20Musaparadze basa raMwari pamusana pezvokudya. Chokudya#14:20 Chokudya: MuchiGiriki munoti, “Chinhu chose chakanaka.” chose chakanaka asi hazvina kunaka kuti munhu aite kuti vamwe vatadze pamusana pezvaanodya. 21Zvakatonaka zvazvo kusadya nyama kana kunwa waini kana kuita chipi zvacho chingaite kuti hama yako itadze. 22Chitendero chaunacho ngachive chako iwe naMwari pahuviri hwenyu. Akakomborerwa munhu asingazvipi mhosva kana aita zvaanga anyatsofunga kuita. 23Asi munhu anokahadzika akadya anopara mhosva nokuti kuita kwake hakubvi muchitendero nokuti kuita kose kusingabvi muchokwadi chiri mumwoyo womunhu chitadzo.

Currently Selected:

Varoma 14: SCLBD

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in