YouVersion Logo
Search Icon

Zvakaratidzwa 11

11
Zvapupu zviviri
1Ndakapiwa karutanda kokueresa kanenge mudonzvo ndikanzi,
“Simuka uyere Temberi yaMwari neatari
uverengewo vanonamatamo.
2Asi usayere chivanze chiri kunze kweTemberi,
siya chakadaro,
nokuti chakapiwa kune vechirudzi
vachatsikatsika guta rinoera#11:2 Vachatsikatsika: Tarisa uone Ruka 24. guta rinoera
kwemwedzi makumi mana nemiviri.
3Ndichapawo simba kuzvapupu zvangu zviviri
kuti zviporofite kwamazuva
churu namazana maviri ana makumi matanhatu
vakapfeka masaga.”
4Ivava ndivo miorivhi miviri
nezvigadzikiro#11:4 Nezvigadzikiro: Tarisa uonewo Zakariya 4:3,11–14. zviviri zvemwenje
zviri pamberi patenzi wapasi.
5Kana munhu akavakuvadza,
moto uchabva mukanwa mavo
uchiroromesa vavengi vavo.
Kana munhu akavakuvadza anouraiwa.
6Vane simba rokupfiga denga
kuti mvura irege kunaya
pamazuva ukuporofita kwavo.
Vane simba pamusoro pemvura
rokuipindura kuva ropa
uye rokurova nyika namatenda
pavanenge vangodira zvavo.#11:6 Enzanisa na 1 Madzimambo 17:1.
7Pavanopedza uchapupu hwavo
chikara chiya chinobuda
mugomba risina parinoperera
chichavarwisa chigovakurira chigovauraya.#11:7 Chigovauraya: Enzanisa naDhanieri 7:3,7,21.
8Zvitunha zvavo zvichati rakata
mumugwagwa weguta guru,
rinonzi namadimikira,
Sodhomu kana kuti Ijipiti
makarovererwa Tenzi wavo pamuchinjikwa.
9Kwamazuva matatu ane chidimbu
vanhu vanobva muvanhu vose
nomumadzinza nomundimi nomumarudzi
vachatarisa zvitunha zvavo
vachiramba kuti zvivigwe muguva.
10Vanogara panyika vachafara vachipembera,
vachitopana zvipo nokuti vaporofita vaviri ava
vachange vaonesa vagari vapanyika ndondo.
11Asi mushure memazuva aya matatu ane chidimbu
mweya woupenyu unobva kuna Mwari
uchavapinda vachizomira namakumbo avo
kutya kukuru kuchizowira vanovaona.#11:11 Vanovaona: Tarisa Ezekieri 37:10.
12Vakazonzwa izwi guru
richibva kudenga richivati,
“Kwirai kuno.”
Vakakwira kudenga vari mugore
vavengi vavo vakatarisa.
13Panguva iyo pakava nokundengendeka kukuru
chikamu chavanhu chimwechete pazvikamu gumi zvakaenzana
chakati rakata pasi.
Vanhu vaisvika zviuru zvinomwe
vakauraiwa mukundengendeka kwapasi
vamwe vose vakabatwa nokutya
vakapa mbiri kuna Mwari wedenga.
Bhosvo rechinomwe
14Dambudziko rechipiri ndipo parinoperera pano.
Dambudziko rechitatu riri kuuya iye zvino.
15Mutumwa wechinomwe akaridza bhosvo rake
kukava namazwi okudaidzira mudenga
aiti, “Umambo hwapasi hwava humambo
hwaTenzi naMesia wake.
Achatonga narini narini.”
16Vakuru vakuru makumi maviri ana vana vaya
vagere pazvigaro zvavo zvoumambo
vakati kota kota nouso pamberi paMwari
vachinamata Mwari
17vachiti,
“Tinokutendai Tenzi Mwari Samasimbaose.
Imi muripo, makanga muripo
kuti makatora ukuru hwenyu mukatangisa kutonga.
18Vechirudzi vakaita bope asi makavavirukira nehasha
uye nguva yokutongwa kwavakafa
neyokupa mubayiro kuvaranda venyu,
vaporofita navatsvene navanotya zita renyu
vakuru navadiki yasvika,
nguva yokuparadza mharadzi dzapasi.”
19Temberi yaMwari yokudenga yakazarurwa
Bhokisi rake reChitenderano
rakaonekwa muTemberi make
pakavaima mheni, pakadhirima,
mheni ikadhiriridza
pakaita kundengendeka kwapasi
nechivhuramahwe chakawanda.

Currently Selected:

Zvakaratidzwa 11: SCLBD

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in