YouVersion Logo
Search Icon

Kuverengwa 23

23
1Bhiriamu akati kuna Bharaki, “Ndivakire atari nomwe, ugounza nzombe nomwe nehondohwe nomwe pano apa.”
2Bharaki ndokuita sezvakanga zvataurwa naBhiriamu. Bharaki naBhiriamu Vakapira mupiro wehandira newehondohwe imwechete paatari imwe neimwe. 3Ipapo Bhiriamu akati kuna Bharaki, “Mirai pedyo nechibayiro chenyu chokupisa. Ini ndomboti sudurukei, zvimwe Tenzi angauye kuzosangana neni. Zvose zvaanenge andiratidza ndichakuudzai.” Akaenda pamhene pakakwirira. 4Mwari ndokusangana naBhiriamu. Bhiriamu akati, “Ndagadzira atari nomwe, ndikapira handira nehondohwe paatari imwe neimwe.” 5Tenzi akaudza Bhiriamu zvokundotaurira Bharaki achiti, “Chidzokera kuna Bharaki umuudze izvozvo.” 6Bhiriamu akadzokera kwakare, wanei Bharaki achakamira pane chibayiro chake chokupisa, iye namachinda ose avaMoabhu. 7Bhiriamu ndokutanga kutaura shoko rake achiti,
“Bharaki akandiunza kubva kuSiria.
Mambo wavaMoabhu akandibvisa
kunyika yamakomo yokumabvazuva, achiti,
‘Uya kuno undirengererewo Jakobho
Uya uzoshora vaIsiraeri.’
8Ndingarengerere sei rushambwa
vanhu vasina kurengererwa naMwari?
Ndingashore sei vanhu
vasina kushorwa naTenzi.
9Ndiri pamusoro pamakomo pano ndinovaona,
ndiri pazvikomo pano ndinovatarisa,
onei vari vanhu vanoda kugara voga,
vasingazviverengeri mukati mamamwe marudzi.
10Ndiani angaverenge guruva rakadai kuwanda, saJakobho,
kana kuverenga katsama zvako kavaIsiraeri.
Regai ndife zvangu rufu rwavakarurama,
kuguma kwangu kufananewo nokwavo.”
11Bharaki ndokutaurira Bhiriamu achiti, “Ko chiiko chawandiitira ichi? Ndakakuunza kuti uzorengerera rushambwa vavengi vangu, asi iwe watonyatsovakomborera zvako!”
12Bhiriamu akati, “Handiti zvandinenge ndaudzwa naTenzi ndizvo chete zvandinofanira kutaura?”
Kuporofita kwaBhiriamu kwechipiri
13Bharaki akamutaurira kuti, “Handei kune imwe nzvimbo kwamungakwanise kuvatarisa muri, muchivaona. Munenge musingaoni zvenyu vose, asi vashoma chete, mundirengererere vanhu ivavo rushambwa muriko.” 14Akaenda naye kuTsofimu pamusoro pegomo rePisiga. Akavaka atari nomwe ipapo ndokupira handira nehondohwe paatari imwe neimwe.
15Bhiriamu ndokutaurira Bharaki achiti, “Mirai pano pane chibayiro chenyu chokupisa. Ini ndichambondosangana naMwari uko.”
16Tenzi akasangana naBhiriamu, ndokumupa zvokundotaura achiti, “Chidzokera kuna Bharaki undomuudza izvozvo.” 17Akadzokera kuna Bharaki kuya wanei achakangomira pane chibayiro chake chokupisa chiya aina machinda eMoabhu. Bharaki akati kwaari, “Zvanzi kudii naTenzi?” 18Bhiriamu akaenderera mberi kuporofita achiti,
“VaBharaki wee simukai munzwe,
dombondinzwaiwo imi mwanakomana waZipori,
19Mwari haazi munhu,
haangarevi nhema,
haazi munhu,
haasanduki sanduki mukutaura.
Ko munoti angataure chinhu pedzepo orega kuchiita here?
Angatsidze chinhu chaasingazoita here?
20Chinzwai, ini ndanzi ndivakomborere,
iye atovapa chikomborero
ini handingachibvisi.
21Uipi hahuna kuonekwa muna Jakobho,
kukanganisa hakuna kuonekwa muvaIsiraeri.
Tenzi Mwari wavo anavo,
kupemberera Tenzi samambo wavo
kunonzwika pakati pavo.
22Mwari akavaburitsa muIjipiti,
achivarwira nesimba semvumba.
23Zvoun'anga Jakobho hazvimukuvadzi,
kana zvokurengerera vaIsiraeri hazvipe rushambwa.
Vanhu vachataura zvaJakobho nezvavaIsiraeri vachiti,
hezvoka zvakaitwa naMwari.
24Tarisai muone rudzi rwavaIsiraeri!
Runoti kwanyanu seshumba hadzi.
Rugonyatsoti kangarara somukono weshumba
isingarari pasi kusvikira yadya chainovhima,
kana kunwa ropa rechayauraya.”
25Bharaki ndokuti kuna Bhiriamu, “Chisva warega zvako kuvarengerera kana kumbovakomborera.”
26Asi Bhiriamu akati, “Handina kukuudzai here kuti zvose zvandinenge ndaudzwa naTenzi ndizvo zvandichaita?”
Kuporofita kwaBhiriamu kwechitatu
27Bharaki akataurira Bhiriamu achiti, “Handei kune imwe nzvimbo. Zvimwe Mwari angafare kuti uvarengerere uriko.” 28Saka Bharaki akaenda naBhiriamu kugomo rePeori rakatarisana nerenje. 29Bhiriamu akati kuna Bharaki, “Ndivakirei atari nomwe pano, mundipe handira nomwe nehondohwe nomwe.” 30Bharaki akaita zvaakaudzwa naBhiriamu. Akapira handira nehondohwe paatari imwe neimwe.

Currently Selected:

Kuverengwa 23: SCLBD

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in