YouVersion Logo
Search Icon

Kuverengwa 16

16
Kupanduka kwaKora naDhatani naAbhiramu
1Kora mwanakomana waIzhari mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi pamwechete naDhatani naAbhiramu vanakomana vaEriabhu vose naOni mwanakomana waPereti vedzinza rokwaRubheni, 2vakafurirana navamwe varume vakapandukira Mosesi. Vanhu vacho vaikwana mazana maviri namakumi mashanu. Vaiva vamwe vevatungamiriri vakanga vasarudzwa kutungamirira vaIsiraeri, vari vanhu vanozivikanwa chaizvo. 3Vakaunganidzana ndokupandukira Mosesi naAroni vachiti, “Varume mazopindiridza! Inga gungano rose rakasarudzwawo naMwari idzvene nemunhu woga woga arimo. Tenzi arimowo mavari. Ko munozozvikwidziridza muchizviisa pamusoro pegungano raTenzi sei?”
4Mosesi paakazvinzwa akati pasi zvambarara. 5Akazotaurira Kora navamwe vake achiti, “Mangwana Tenzi achafumotiratidza kuti vake ndavapi vaakazvisarudzira vagouya kwaari. Vaanenge asarudza achavaunza kwaari. 6Chidai izvi! Iwe Kora neboka rako mangwana torai mabisiro orusenzi 7muisemo mavhunze omoto norusenzi moisa mabisiro iwayo paatari panopisirwa rusenzi. Saka ipapo asarudzwa naTenzi ndiye mutsvene. Imi vana vaRevhi mapindiridza.”
8Mosesi ndokupamhidza kutaurira Kora achiti, “Chinzwai vana vaRevhi! 9Ko munoti chinhu chiduku here chamakaitirwa naTenzi waIsiraeri? Heya munoti chinhu chiduku nhai chaakaita chokukusarudzai muvaIsiraeri vose kuti mukwanise kusvika paari muchiita basa romutendhe raTenzi, akakuisai mberi kuti muitire vanhu basa remo. 10Akakuswededza pedyo naye, iwe nehama dzako dzose, vanakomana vokwaRevhi. Ko zvino woda basa roupristi here? 11Saka wamaunganira iwe neboka rako rose ndiTenzi wamunenge muchinyunyutira. Ko Aroni chiiwo zvake wamuri kunyunyutira.”
12Mosesi akatumira shoko rokuti Dhatani naAbhiramu vanakomana vaEriabhu vauye. Ivo vakati, “Kwete hatisi kukwira ikoko. 13Ko unoti chinhu chiduku here chawakaita chokuti wakatibvisa munyika yakanaka inoerera uchi nomukaka kuzotiurayisa muno murenje, zvawava kutoda kuzviita mutongi wedu. 14Haunawo kutisvitsa kunyika yakanaka inoerera uchi nomukaka, kana kutipa nhaka yeminda zvayo neyeminda yemigirepisi. Ko unodireiko kubata vanhu kumeso? Hatizi kuuyako.”
15Mosesi akashatirwa zvikuru akati kuna Tenzi, “Musaite hanya nomupiro wavanokupai. Ini handina kumbovatorera kunyange dhongi rimwechete zvaro, handina kana mumwechete wavo wandakakanganisira.”
16Mosesi akataurira Kora achiti, “Iwe neboka rako rose mangwana muuye kuna Tenzi, iwe neboka rako naAroni. 17Mumwe nomumwe ngaauye nebisiro rake rorusenzi, aisemo rusenzi. Mose muuye nawo kuna Tenzi, mabisiro akwane mazana maviri ana makumi mashanu. Iyewe naAroni muuyewo namabisiro enyu orusenzi.” 18Naizvozvo mumwe nomumwe akatora bisiro rake rorusenzi, ndokuisamo moto ndokuisawo rusenzi, vakandomira kumusuo wetendhe rinoera vaina Mosesi naAroni. 19Kora akaunganidza gungano rose ravanhu kumusuo wetendhe rinoera kuzopikisana navo. Ipapo kupenya kwaTenzi kwakaonekwa negungano rose. 20Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti, 21“Sudurukai pagungano iri ndiriparadze kamwe kamwe.”
22Asi Mosesi naAroni vakati pasi zvambarara vakati, “Nhai Tenzi, inga ndimi muridzi woupenyu hwose. Ko mungabva mashatirirwa vanhu vose pamusana pomunhu mumwechete here?”
23Tenzi ndokutaurira Mosesi achiti, 24“Udza vanhu vose kuti vabve pedyo namatendhe aKora naDhatani naAbhiramu.” 25Mosesi akasimuka akaenda kuna Dhatani naAbhiramu. Vakuru vakuru vavaIsiraeri vakamuteverawo. 26Akataurira gungano rose achiti, “Ndapota ibvai pedyo namatendhe evarume vakaipa ava. Musabate chinhu chavo mungadaro mukaparadzwa pamusana pezvitadzo zvavo.” 27Vanhu vose vakabva pedyo panharaunda yamatendhe aKora naDhatani naAbhiramu. Dhatani naAbhiramu vakabuda pamwechete namadzimai avo navana vavo vose navacheche vakamira pamisuo yamatendhe avo. 28Mosesi ndokuti, “Zvino muchazoziva kuti Tenzi ndiye akandituma kuzoita mabasa ose aya andinoita hazvisiri zvokungozvisarudzira. Zvamuchaziva nazvo ndezvizvi zvokuti, 29kana varume ava vakaita mafiro anongoitawo vamwe vose kana kuwirwa nenhamo dzinongowirawo vamwe vose, Tenzi haana kundituma. 30Asi kana Tenzi akaita chimwe chinhu chitsva, nyika ikashama muromo wayo ikavamedza pamwechete nezvinhu zvavo zvose, vakatozomokeramo vachienda kunzvimbo yavachakabvu, ndipo pamuchazoziva kuti varume ava vakashora Tenzi.”
31Achangopedza kutaura mashoko iwayo pavakanga vamire pakati bamu kutsemuka. 32Nyika yakashama muromo wayo, ikavamedza nedzimba dzavo navose vokwaKora nezvinhu zvavo zvose. 33Saka vose vakati ririri imomo, vari vapenyu kunzvimbo yavachakabvu nezvinhu zvavo zvose. Pasi ndokuti gwibha kuvakwidibira. Ndiko kuparadzwa kwavakaitwa pakati pegungano ravaIsiraeri.
34VaIsiraeri vose vakanga varipo vakanzwa kuchema kwavo vakatiza vachiti, “Nyika ingadaro ikatimedzawo nesu tose.” 35Ipapo moto wakabva kuna Tenzi ukaroromesa varume vaya vaikwana mazana maviri namakumi mashanu vakanga vauya kuzopira rusenzi.
Mabisiro orusenzi
36Tenzi akataurira Mosesi achiti, 37“Chiudza Ereazari mwanakomana womupristi Aroni kuti andobvisa mabisiro orusenzi mumoto, arasire mavhunze acho kure nokure nokuti mabisiro iwayo ava kuera. 38Tora mabisiro avarume vaya vakatadza vakabva vaurayiwa, uapfure ave mapepa okukwidibirisa paatari nokuti vakauya nawo kuzopira Tenzi, saka ava kuera. Achava mucherechedzo wokuyambira vaIsiraeri.” 39Ipapo Ereazari mupristi akatora mabisiro omundarira aye evaye vakaurayiwa. Vakaapfura vakagadzira chokukwidibirisa nacho atari 40kuti chive chiyeuchidzo kuvaIsiraeri chokuti munhu wose asiri mupristi asiriwo wechizvarwa chokwAroni arege kuuya kuzopira Tenzi rusenzi nokuti zviya zvakawira Kora navamwe vake zvingavawirewo. Ndiwo mashoko akaudzwa Ereazari naTenzi achibva nokuna Mosesi.
Aroni anonunura vanhu norusenzi
41Ramangwana racho gungano rose ravaIsiraeri rakanyunyutira Mosesi naAroni vachiti, “Makaurayisa vanhu vaTenzi.” 42Gungano rose rakati rauya kuzopikisana naMosesi naAroni, rakatarisa kutendhe rokusanganira, onei gore ratorifukidza kupenya kwembiri yaTenzi kuchioneka. 43Mosesi naAroni vakauya kumusuo wetendhe rokusanganira. 44Tenzi akataurira Mosesi achiti, 45“Sudurukai pagungano iri, ndivaparadze, ndivati bvu kamwechete.” Mosesi naAroni vakati pasi zvambarara. 46Mosesi ndokutaurira Aroni achiti, “Tora bisiro rako rerusenzi uisemo moto wapaatari norusenzi, umhanyire naro kugungano upfupire mhosva yavo nokuti vatomutsa hasha dzaTenzi. Vanhu vatotanga kurakashwa nedenda.” 47Aroni akaita zvaakaudzwa naMosesi akamhanyira mukati mavanhu. Wanei denda ratotanga kare muvanhu. Akaisa rusenzi mumoto achipfupira mhosva dzavanhu. 48Akamira pakati pavanhu vakanga vafa navapenyu ndokubva denda ramiswa. 49Vanhu vakaurayiwa nedenda iroro vaiva zviuru gumi nezvina zvina mazana manomwe tisingaverengi vaya vakaurayiwa paya pakapanduka Kora. 50Aroni akadzokera kwaiva naMosesi kumusuo wetendhe rokusanganira paya pakamiswa denda.

Currently Selected:

Kuverengwa 16: SCLBD

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in