Kuverengwa 12
12
Kurangwa kwaMiriamu
1Miriamu naAroni vakatsoropodza Mosesi pamusana pomukadzi waakanga aroora, nokuti akanga aroora mukadzi wechiKushi. 2Vakati, “Ko Mosesi ndiye oga akangotaurirwa zvinhu naTenzi here? Ko isu hatina kutaurirwawo zvinhu naTenzi here?” Tenzi akanzwa zvavaitaura. 3Mosesi akanga ari munhu akazvirereka kupfuura vanhu vose vapanyika.
4Pakarepo Tenzi akataurira Mosesi naAroni naMiriamu achiti, “Uyai mose muri vatatu kutendhe rangu rokusanganira.” Vakabuda vari vatatu. 5Ipapo Tenzi akauya ari mugore rakasvikomira kumusuo wetendhe iroro. Mwari akadaidza achiti, “Aroni! Miriamu!” Vakaenda mberi vose vari vaviri. 6Iye ndokuti, “Chinzwai zvandinoreva! Kana mumwe wenyu ari muporofita ini Tenzi pachangu ndinozviratidza kwaari, kana kutaura naye muchiroto. 7Asi handidaro nomuranda wangu Mosesi nokuti zvinhu zvangu zvose ndakazviisa mumaoko ake. 8Ndinokurukura naye takatarisana tichinyatsotaurirana pasina zvamadimikira achiona chimiro changu ini Tenzi. Ko makarega sei kutya kutsoropodza muranda wangu Mosesi?”
9Tenzi akavashatirirwa ndokubva aenda. 10Gore rakanga rakafukidza tendhe iroro rakasimuka. Miriamu akava nechirwere chamapere akachena samazaya echando. Aroni akatarisa Miriamu wanei ava nechirwere chamapere. 11Aroni ndokutaura naMosesi achiti, “Changamire ndapota! Regai kutirwadzisa muchitirangira kutadza kwatakaitira muupenzi hwedu. 12Musarege Miriamu achiita sowakafa, somwana anoberekwa ane muviri wakadyiwadyiwa.”
13Mosesi akachema kuna Tenzi achiti, “Nhai Mwari! Ndapota! Muporesei zvenyu!”
14Asi Tenzi ndokuti kuna Mosesi, “Dai vanga vari baba vake vamusvipira pauso angadai asina kunyara here kwamazuva manomwe achindogariswa kunze kwamatendhe ari oga here? Saka ngaandogara ari oga kunze kwamatendhe kwamazuva manomwe agozodzoserwa mumatendhe.” 15Naizvozvo Miriamu akanzi agare kunze kwamatendhe kwemazuva manomwe. VaIsiraeri havana kutama ipapo kusvikira Miriamu adzokera mumatendhe. 16Vakazobva paHezoroti vakandodzika matendhe avo murenje reParani.
Currently Selected:
Kuverengwa 12: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.