YouVersion Logo
Search Icon

Mariko 16

16
Kumuka kwaJesu
(Mat 28:1–8; Ruka 24:1–12; Joh 20:1–10)
1Kuzoti Sabata rapfuura, vanaMaria Magadharena naMaria amai vaJemusi naSarome vakatenga mafuta anonhuwira kuti vandomuzora nawo. 2Mangwanani–ngwanani omusi weSvondo vakafumoenda kuguva zuva rabuda. 3Vaibvunzana vachiti, “Ko ndiani achandotikungurutsira dombo riya pamusuo weguva?” 4Zvino vakatarira vakaona kuti dombo riya rakanga ratokungurutswa; rakanga riri guru kwazvo. 5Pavakapinda muguva vakaona Jaya rigere nechokurudyi, rakapfeka gemenzi jena, vakabva vavhunduka kwazvo. 6Jaya ndokuvati, “Regai kuvhunduka, muri kutsvaka Jesu weNazareti akarovererwa pamuchinjikwa. Amuka, haasisimo muno. Tarisai muone nzvimbo yavakamuradzika. 7Chiendai mundoudza vadzidzi vake naPita kuti Jesu anofanokutungamirirai kuGarirea; ikoko ndiko kwamuchandomuona sezvaakambokutaurirai.” 8Vakabuda ndokutiza paguva paya nokuti vakanga vava kudedera uye vakashamiswa kwazvo. Hapana wavakaudza chinhu, nokuti vakanga vava kutya.
Jesu anozviratidza kuna Maria Magadharena
(Mat 28:9–10; Joh 20:11–18)
9Kuzoti amuka muvafi mangwanani nomusi weSvondo akazviratidza pokutanga kuna Maria Magadharena, uya waakabvisa mweya yakaipa minomwe. 10Maria akaenda kundoudza vaya vaiva naye, vakanga vari mukuchema nokuungudza 11Asi pavakanzwa kuti Jesu mupenyu uye kuti aonekwa naye havana kutenda.
Jesu anozviratidza kuna vadzidzi vaviri
(Ruka 24:13–35)
12Shure kwaizvozvo Jesu akazviratidza neimwe nzira kuna vaviri vachifamba kuenda kumaruwa. 13Naivavawo vakadzokera vakandoudza vamwe vose asi kunyange ivava havana kuvatenda.
Jesu anotuma vadzidzi vake
(Mat 28:16–20; Ruka 24:36–49; Joh 20:19–23; Mab 1:6–8)
14Pashure Jesu akazviratidza kuna vane gumi nomumwechete vari pakudya. Akavashora pamusana pokusatenda kwavo napamusana poukukutu hwomoyo yavo nokuti havana kutenda vakanga vamuona mushure mokumuka kwake.
15Akati kwavari, “Endai kunyika dzapasi pose mundoparidza Shoko Rakanaka kuzvisikwa zvose. 16Anenge atenda akaombekwa achaponeswa, asi uyo asingatendi achapiwa mhosva. 17Hezvino zviratidzo zvichava navanotenda: 18Vachadzinga mweya yakaipa nezita rangu. Vachataura nendimi itsva, vachabata nyoka namaoko. Kunyange vakanwa chinouraya hachizovakuvadzi kwete. Vachaisa maoko pavarwere, vachibva vapora.”
Jesu anokwidzwa kudenga
(Ruka 24:50–53; Mab 1:9–11)
19Kuzoti Jesu apedza kutaura kwavari akakwidzwa kudenga kwaakandogara kurudyi rwaMwari. 20Ivo vakaenda vakandoparidza kwose kwose, Tenzi achivabatsira achitsinhira shoko ravo nezviratidzo zvairisimbisa. Ameni.

Currently Selected:

Mariko 16: SCLBD

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in