Mika Zviri mubhuku rino
Zviri mubhuku rino
Mika ndiye mumwe wavaporofita vaitsoropodza vanhu pamusana pokusachengeta ruenzaniso. Mika aitaurira Jerusaremu sezvakangoitawo Amosi achitaurira Samaria kuti muchapinda nhamo yakapinda Samaria nokuti mamuri vatungamiri vana maitiro akaora, muna vaporofita venhema, vapristi vomo vanoda zvenyika, vashavi voupfumi ndeveunyengedzi, vatongi vavo havasi pachokwadi uye kunamata kunoitwa ndekwechipameso, hamuna mweya kwawo wechitendero. Nezvo Jerusaremu neTemberi zvichaparadzwa. Zvakadaro zvazvo Mesia achauya, ari wedzinza raDhavhidhi. Ndiye achaunza rugare rwapasi pose. VaIsiareri vachacheneswa uye vachanunurwa. Ndipo pavanozovimba naMwari. Zvinodiwa naMwari ndezvizvi: kuita zvino ruenzaniso, rudo rwusingasanduki sanduki uye kufamba naMwari wako wakazvininipisa (6:8).
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raMika
Kutonga kwaMwari (1:1—3:12)
Isiraeri itsva (4:1—5:15)
Yambiro netariro (6:1—7:20)
Currently Selected:
Mika Zviri mubhuku rino: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.