Ruka 9
9
Jesu anotuma vapositori
(Mat 10:5–15; Mak 6:7–13)
1Jesu akadaidza vane gumi navaviri akavapa simba noukuru pamusoro pemweya yose yakaipa nesimba rokurapa zvirwere. 2Akavatuma kundoparidza umambo hwaMwari uye kundoporesa. 3Akati kwavari, “Musatakure zvinhu zverwendo zvinoti tsvimbo kana nhava kana chingwa kana mari. Musave nehembe mbiri. 4Imba ipi neipi yamunosvikira garai imomo kusvikira pamunobvapo. 5Kose kwavasingakugamuchirei, kana mobva muguta iroro gumai guruva retsoka dzenyu rive uchapupu kwavari.”
6Vadzidzi vakaenda nomumisha vachiparidza shoko vachiporesa kose kose.
Kukangaidzwa kwaHerodhi
(Mat 14:1–12; Mak 6:14–29)
7Herodhi mumwe wavatongi vana akanzwa zvose zvakanga zvaitwa zvakamupazanisa musoro nokuti zvainzi navamwe, ndiJohani akamutswa kuvakafa, 8vamwewo vachiti ndiEriya akazvionesa. Vamwewo vaiti mumwe wavaporofita vakare akanga amuka. 9Herodhi akati, “Johani ndakamudimbura musoro. Ko uyu ndiani wandinonzwa zvinhu zvakadai nezvake.” Naizvozvo aitsvaga kuti angamuone sei.
Kugutswa kwezviuru zvishanu zvavanhu
(Mat 14:13–21; Mak 6:30–44; Joh 6:1–14)
10Vapositori pavakadzoka vakamurondedzera zvavakanga vaita. Akavatora akaenda navo kwavo voga kuguta rinonzi Bhetisaidha. 11Voruzhinji pavakazvinzwa vakamutevera. Akavagamuchira akataura kwavari nezvoumambo hwaMwari. Akarapa vakanga vachida kurapwa. 12Zuva parakanga rodeuka vane gumi navaviri vakauya vakati kwaari, “Dai machiendesa vanhu mumamisha nomuruwa ruri munharaunda ino kuti vandorara nokuwana zvokudya nokuti matiri muno murenje.” 13Asi iye akati kwavari, “Vapei iyemi zvokudya.” Ivowo vakati tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri chete kunze kokunge tatondotengera vanhu ava vose chokudya. 14Izvozvo pakanga paine varume vainge zviuru zvishanu. Jesu akati kuvadzidzi vake, “Itai kuti vanhu vagare pasi muzvikwata zvavanhu vanenge makumi mashanu pachikwata choga choga.” 15Vakaita saizvozvo. Vakagarisa vanhu vose pasi. 16Jesu akatora zvingwa zviya zvishanu nehove mbiri dziya akatarisa kudenga ndozvikomborera ndokuzvimedura akazvipa kuvadzidzi kuti vazvipe kuvanhu. 17Vanhu vose vakadya vakaguta. Vakanongera zvakanga zvasara zvikazadza tswanda gumi nembiri.
Jesu ndiani
(Mat 16:13–19; Mak 8:27–29)
18Zvakaitika kuti zvaakanga achinamata oga, vadzidzi vakanga vanaye. Akavabvunza kuti, “Ko vanhu vanonditi ndini ani?” 19Ivo vakapindura vachiti, “Vamwe vanoti ndimi Johani Muombeki; vamwewo vachiti, ndimi Eriya vamwewo vachiti, muri mumwe wavaporofita vakare wakamuka.” 20Iye ndokuti kwavari, “Ko imi munoti ndini ani?” Pita akapindura achiti, “Ndimi Kristu waMwari.”
Jesu anotaura nezvokutambudzika nokufa kwake
(Mat 16:20–28; Mak 8:13–19)
21Akavatsindidza achivaudza kuti vasambotaurira izvi kana munhu zvake achiti, 22“Mwanakomana womunhu anofanira kutambudzika zvikuru agorambwa navakuru vakuru navaPristi vakuru nenyanzvi dzomutemo ozouraiwa achizomutswa nezuva retatu.”
Zvinodikanwa pakutevera Jesu
(Mat 10:38; 16:24–27; Mak 8:34–38)
23Jesu akati kuna vose, “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe atakure muchinjikwa wake zuva nezuva achinditevera. 24Nokuti uyo anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo nouyo anorasikirwa noupenyu hwake pamusana pangu, achahuponesa. 25Nokuti zvinobatsireiko munhu kuwana zvinhu zvapasi pose asi achizvirasa achizviparadza iye pachake. 26Ani naani anondinyara kana kunyara mazwi angu, Mwanakomana womunhu achamunyarawo kana wouya mumbiri yake nomumbiri yaBaba neyavatumwa vatsvene. 27Zvirokwazvo ndinoti kwamuri pane vamwe vamire pano vasingambozoravira rufu vasati vaona umambo hwaMwari.”
Kusanduka KwaJesu
(Mat 17:1–8; Mak 9:2–8)
28Mushure memazuva masere Jesu ataura izvi, akatora Pita naJohani naJemusi vakakwira mugomo kundonamata. 29Paakanga achinamata, uso hwake hwakasanduka, hanzu dzake dzikachena zvokungarikira kwazvo. 30Ndiye pakarepo varume vaviri, Mosesi naEriya vakanga vava kutaura naye, 31kutarisika kwavo kwaipenya. Vaitaura nezvokutisiya kwake kwaaizozadzisa kuJerusaremu. 32Zvino Pita navamwe vaaiva navo vakanga vabatwa kwazvo nehope. Pavakati pepu#9:32 Pavakati pepu: Vamwe vanoti vakaramba vakasvinura. vakaona kupenya kwake navaviri vaya vamire naye. 33Varume vaya pavakanga vavakuparadzana naye, Pita akati kuna Jesu, “Tenzi, zvatinakira kuti tive pano. Regai tiite matumba matatu rimwe renyu, rimwe raMosesi nerimwe raEriya.” Akanga asingachazivi zvaaitaura. 34Paaitaura izvi, gore rakauya rikavafukidza vakabatwa nokutya pavaipinda mugore iroro. 35Izwi rakabuda mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu musarudzwa wangu, munzwei.” 36Izwi riya parakanga rapedza kutaura, Jesu akazongoonekwa ava oga. Vakazvinyarara, hapana wavakataurira pamazuva iwayo pane zvavakanga vaona.
Jesu akaporesa mukomana aiva nemweya wakaipa
(Mat 17:14–18; Mak 9:14–27)
37Pazuva rakatevera racho, pavaiburuka mugomo, gungano guru rakasangana naye. 38Hoyo mumwe murume akadaidzira mugungano iroro achiti, “Mudzidzisi ndapota ndionereiwo mwanakomana wangu anongova ndiye mwana wangu mumwechete oga. 39Zvino mweya unongomubata obva ava kuzhamba uchimugwigwinisa kusvikira ava kupupa furo. Unomurwadzisa usingambomusiya. 40Ndakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge asi havana kukwanisa.”
41Jesu akapindura achiti, “Aiwaiwa rudzi urwu, rudzi rusingatendi! Rudzi rwakarasika zvarwo, ndichava nemi kusvikira rinhiko ndichikuitirai mwoyo murefu? Chiuyai nomwana wenyu kuno.” 42Paakanga achiuya, mweya wakaipa wakamurigira pasi ukamupfurupfutisa. Jesu akatsiura mweya wetsvina akaporesa mukomana uya akamupa kuna baba vake. 43Vose vakakatyamadzwa noukuru hwaMwari.
Jesu anotaurazve nezverufu rwake
(Mat 17:22–23; Mak 9:30–32)
Pavakanga vachiri kushamiswa kudaro nezvose zvaakaita akati kuna vadzidzi vake. 44Regai mazwi aya anyatsopinda munzeve dzenyu okuti, “Mwanakomana womunhu anofanira kuiswa mumaoko avanhu.” 45Asi ivo havana kuzvinzwisisa zvaakataura kwavari. Zvakanga zvakavanzwa kwavari kuti varege kuzvinzwisisa uye vaitya kumubvunza zvaaitaura izvi.
Mukuru ndiani
(Mat 18:1–5; Mak 9:33–37)
46Pakamuka nharo pakati pavo yokuti ndiani mukuru kupinda vose. 47Jesu paakaona pfungwa dzaiva mumwoyo mavo akatora mwana muduku akamuisa parutivi pake. 48Akati kwavari, “Ani naani anogamuchira mwana uyu muzita rangu anogamuchira ini uyewo ani naani anondigamuchira anogamuchirawo uyo akandituma nokuti uyo anenge ari muduku wokupedzisira pakati penyu mose ndiye mukuru iyeyo.”
Vanoshandisa zita raJesu ndevedu here?
(Mak 9:38–40)
49Johani akadavirawo woti, “Tenzi takaona munhu achidzinga mweya yakaipa muzita renyu tikamurambidza nokuti haasi wenzira imwechete nesu.” 50Jesu akati kwaari, “Musamurambidze nokuti munhu asingapikisani nemi ari kudivi kwenyu.”
IV: RWENDO RWAJESU KUJERUSAREMU
VaSamaria vakaramba kugamuchira Jesu
51Mazuva paakanga osvika okuti Jesu achikwidzwa kudenga, akananga kuJerusaremu. 52Akatuma nhume pamberi pake dzakaenda dzikapinda munomumwe musha wavaSamaria kuti vamugadzirire. 53Asi vanhu ivavo havana kuda kumugamuchira nokuti akanga akananga kuJerusaremu. 54Vadzidzi vake, vana Jemusi naJohani pavakazviona vakati, “Tenzi munoda here kuti titi moto utozomoke kudenga uvaroromese?” 55Asi akatendeuka akavatsiura 56vakabva vaenda kunomumwe musha.
Iva nechinangwa chimwechete chete pakutevera Jesu
(Mat 8:19–22)
57Pavainge vachifamba nenzira, mumwe murume akati kwaari, “Ndinoda kukuteverai kose zvako kwamunoenda.” 58Jesu akati kwaari, “Makava ana maguru uye shiri dzedenga dzina matendere asi Mwanakomana womunhu haana kana pokutsamira musoro wake.”
59Akatiwo kunomumwe, “Nditevere.” Asi iye akati, “Tenzi regai nditange ndambondoviga baba vangu.” 60Asi iye akamuti, “Rega vafi vavige vakafa vavo. Chako iwe kuenda kundoparidza umambo hwaMwari.”
61Mumwewo akati, “Ndichakuteverai, Tenzi, asi regai nditange ndambondoonekana nevari kumusha kwangu.” 62Jesu akati kwaari, “Hakuna munhu anobata gejo asi iye achicheuka shure angakodzere umambo hwaMwari.”
Currently Selected:
Ruka 9: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.