YouVersion Logo
Search Icon

Ruka 5

5
Jesu anodaidza vadzidzi vake vokutanga
(Mat 4:18–22; Mak 1:16–20)
1Vanhu zvavakanga vachiti unga–unga padyo naJesu vachida kunzwa shoko raMwari, iye akanga akamira pamahombekombe egungwa reGenesareti. 2Akaona magwa maviri ari kumucheto kwegungwa asi vabvuvi vakanga vabuda maari, vava kusuka usvasvi hwavo. 3Jesu akapinda mune rimwe igwa raiva riri raSimoni, akamukumbira kuti asuduruke abve kumucheto zvishoma. Zvino akagara mugwa muya akadzidzisa vanhu vazhinji arimo. 4Kuzoti apedza kutaura, akati kuna Simoni, “Enda kwakadzika, mudzikise usvasvi hwenyu mubate hove.” 5Simoni akapindura akati, “Mudzidzisi, tabinduka usiku hwose, tikasabata chinhu, asi pamusana pokuti mazvitaura ndichadzikisa usvasvi mumvura.” 6Vakati vaita izvozvo, vakakukuzva hove zhinji, usvasvi hwavo hukatenge hoda kubvaruka. 7Zvino vakaninira vamwe vavo, vaiva mune rimwe igwa, kuti vauye kuzovabatsira. Vakauya, vakazadza magwa ose ari maviri zvokuti akanga oda kutonyura. 8Zvino Simoni Pita akati aona izvi, akazviwisira pasi pamabvi aJesu achiti, “Tenzi, ibvai henyu kwandiri, nokuti ndiri mutadzi.” 9Nokuti iye, navose vaaiva navo, vakanga vashamiswa nokuwanda kwehove dzavakanga vabata.
10Ndizvo zvakaitawo vana Jemusi naJohani, vanakomana vaZebhedhi vaiita mushandirapamwe naSimoni. Ipapo Jesu akati kuna Simoni, “Usatye hako, kubvira zvino uchava mubvuvi wavanhu.” 11Pavakasvitsa magwa avo pamahombekombe, vakasiya zvose vakamutevera.
Jesu anoporesa munhu aiva namaperembudzi
(Mat 8:1–4; Mak 1:40–45)
12Akati ari mune rimwe guta hoyo mumwe murume akanga ana maperembudzi muviri wose akati achiona Jesu, akazviwisira pasi nouso ndokumukumbira achiti, “Tenzi, kana muchida henyu munogona kundinatsa muchindichenura nokundirapa.” #5:12 Muchindichenura nokundirapa: Kuva munhu akarurama nokuporeswa kwaanenge aitwa. 13Ipapo Jesu akatambanudza ruoko rwake ndokumubata achiti, “Ndinoda, chichenurwa uporeswe hako.” Pakarepo maperembudzi ake akabva apera. 14Jesu akamukohomedza kuti asaudze munhu. Asi akati, “Enda, undozviratidza kumupristi, upe chipo chokuchenurwa kwako, sokutemwa kwazvakaitwa naMosesi, kuti chive chapupu kuvanhu.” 15Asi mukurumbira wake wakatopararira kwose kwose. Uzhinji hwavanhu hwakaungana kuzomunzwa nokuporeswa matenda avo. 16Asi Jesu aimbobva achienda kunzvimbo isina vanhu kundonamata.
Jesu anoporesa munhu akatonhora mitezo
(Mat 9:1–8; Mak 2:1–12)
17Rimwe zuva Jesu paakanga achidzidzisa, paiva navaFarisei navadzidzisi voMutemo, vakanga vagerepo vaibva mumisha yose yeGarirea neyeJudhea nokuJerusaremu. Simba raTenzi rokuporesa rakanga riinaye. 18Havo vamwe varume vakauya vakatakura pabanda,#5:18 Banda: Uchanja. munhu akanga akatonhora mitezo, vakada kupinda naye nokumuisa pamberi paJesu. 19Pavakatadza kupinda naye pamusana pokuwanda kwavanhu vakakwira pamusoro pemba, vakabvisa mafendefa edenga remba, ndokumudzikisa ari pauvato pamberi paJesu mukati mavanhu. 20Zvino paakaona chitendero chavo, Jesu akati, “Hama zvitadzo zvako zvaregererwa.”
21Nyanzvi dzoMutemo navaFarisei vakatanga kufunga vachiti, “Ndianiko uyu anotaura achishonha Mwari? Ndiani angagone kuregerera zvitadzo kunze kwaMwari oga?” 22Asi Jesu akaona pfungwa dzavo akavapindura achiti, “Munofungireiko zvakadai mumwoyo menyu? 23Chakareruka ndechipi, kuti, ‘Waregererwa zvitadzo zvako,’ kana kuti, ‘Simuka ufambe?’ ” 24Zvino kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba pasi pano rokuregerera zvitadzo, akati kuno munhu akanga akatonhora mitezo, “Ndinoti kwauri, simuka, utore uvato hwako, uende kumusha.” 25Pakarepo munhu uya akabva asimuka vose vachizviona, ndokutora chaakanga avete chiya ndokuenda kumusha achirumbidza Mwari. 26Vanhu vose zvakavakatyamadza kwazvo, vakarumbidza Mwari, uye vakaputirwa nokutya vachiti, “Nhasi taona zvinoshamisa.”
Jesu anodaidza Revhi
(Mat 9:9–13; Mak 2:13–17)
27Shure kwaizvozvo Jesu akabuda, ndokuona muteresi ainzi Revhi, agere pahofisi yomutero, ndokuti kwaari, “Nditevere.” 28Iye akasiya zvose, akasimuka ndokumutevera. 29Revhi akagadzirira Jesu mabiko makuru mumba make. Vateresi vazhinji navamwe vanhu vakagara navo pakudya. 30VaFarisei nenyanzvi dzoMutemo vakanyunyutira vadzidzi vake, vachiti, “Munodyireiko navateresi navatadzi, muchinwa navo?” 31Jesu akavapindura achiti, “Vakukutu havadi chiremba asi vanorwara. 32Handina kuuya kuzodaidza vakarurama kwete, asi vatadzi kuti vapinduke.”
Mubvunzo pamusoro pezvokutsanya
(Mat 9:14–17; Mak 2:18–22)
33Vanhu vakati kwaari, “Vadzidzi vaJohani vanotsanya kazhinji, vachiita minamato, navadzidzi vavaFarisei vanodarowo, asi venyu vanodya nokunwa.” 34Jesu akati kwavari, “Mungaite kuti vanhu vari pamuchato vatsanye, iye muwani vachinaye here? 35Asi mazuva achauya avachatorerwa muwani. Pamazuva iwayo ndipo pavachazotsanya.”
36Akavataurirazve nomuenzaniso achiti, “Hakuna munhu anobvarura jira rechigamba pahanzu itsva achichisonerera pahanzu tsaru. Kana akadaro achabvarura hanzu itsva, uyezve chigamba chehanzu itsva hachipindirani nehanzu tsaru. 37Hakuna munhu angadururire, waini itsva muzvigubhu zvamatehwe zvitsaru. Kana akadaro, waini itsva inoputitsa zvigubhu izvozvo, waini ichadeuka nezvigubhu zvichaparadzika. 38Asi waini itsva inofanira kudirwa muzvigubhu zvitsva. 39Uye hakuna munhu anoti kana anwa waini yakare angazoda itsva, nokuti anoti, ‘Yakare ndiyo yakanaka.’ ”

Currently Selected:

Ruka 5: SCLBD

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in