YouVersion Logo
Search Icon

Ruka 12

12
Jesu anotsoropodza kunyengedza kwavatungamiri
(Mat 10:26–27)
1Panguva yose iyoyo; pakanga paungana zviuru zvakati kuti zvegungano ravanhu zvokutotsikirirana, akatanga kutaura kuvadzidzi vake achiti, “Chenjererai mbiriso yavaFarisei, zvinoreva unyengedzi. 2Hapana chakafukidzwa chisingazoburitswi pachena kana chakavanzika chisingazozivikanwi. 3Naizvozvo zvose zvamunotaura murima zvichanzwikwa pachena uye zvamakataura nakazevezeve mudzimba dzomukati muchivande, zvichaparidzirwa pamatenga edzimba.
Anofanira kutyiwa
(Mat 10:28–31)
4“Ndinokutaurirai shamwari dzangu kuti, ‘Musatye avo vanouraya muviri asi mushure macho vasina chavanokwanisa kuita.’ 5Asi ndichakuyambirai wamunofanira kutya. Ityai uyo anoti kana auraya ane simba rokukanda munhu mugehena. Zvechokwadi, ndinokutaurirai kuti mutyei. 6Tushiri tudiki tushanu hatutengeswi namasendi maviri here? Asi hapana kana kamwe katwo kanokanganikwa naMwari? 7Inga wani kunyange vhudzi romusoro wenyu rakaverengwa. Musatye. Munokosha kupinda tushiri tuzhinji.
Kubvuma kana kuramba Jesu
(Mat 10:32–33; 12:32; 10:19–20)
8“Ndinokutaurira kuti, ‘Munhu wose anondibvuma pamberi pavanhu, Mwanakomana womunhu achamubvumawo pamberi pavatumwa vaMwari.’ 9Asi uyo anondiramba pamberi pavanhu, acharambwawo pamberi pavatumwa vaMwari. 10Munhu wose anotaura zvakaipa nezveMwanakomana womunhu acharegererwa. Asi uyo anoshonha Mweya Mutsvene haaregererwi.
11“Kana vakakukwidzai matare omumasinagogu kana kumatare enyika kana kuvakuru vakuru venyika, musazvitambudze kuti muchapindura sei kana kuti muchapindurei kana kuti muchataurei; 12nokuti mweya Mutsvene achakudzidzisai panguva iyoyo zvamunofanira kutaura.”
Kudada noupfumi hwakawandisisa kwakaipa
13Mumwe wegungano riya ravanhu akati kwaari, “Mudzidzisi taurirai mukoma wangu kuti agovane nhaka neni.” 14Asi Jesu akati kwaari, “Nhaiwe, ndiani akandiita mutongi kana mugovanisi wenyu?” 15Akavati, “Chenjerai mungwarire ruchiva rwose nokuti upenyu womunhu hausi mukuwanda kwezvaanazvo.” 16Akazobva ovataurira mumwe muenzaniso achiti, “Munda womumwe mupfumi wakapa zvakawanda kwazvo.” 17Akafunga nechomumwoyo make achiti, “Ndichaita sei nokuti handina mokuchengetera mbesa dzangu.” 18Akati, “Zvandichaita ndezvizvi. Ndichapaza matura angu ndivake makuru ndigochengetera mbesa dzangu dzose imomo nezviro zvangu. 19Ipapo ndichazviti kumweya wangu, mweya une zvinhu zvakawanda zvichachengeteka kwamakore mazhinji. Nyatsogara zvako udye uchinwa uchinyatsofara zvako.” 20Asi Mwari akati kwaari, “Iwe benzi, ihwo usiku huno uchanzi tipe kuno mweya wako. Zvinhu zvawakazvigadzirira zvacho zvichava zvaani. 21Ndizvozvo zvina munhu anozvichengetera upfumi iye asiri mupfumi kuna Mwari.”
Kuvimba naMwari
(Mat 6:25–34)
22Jesu akati kuvadzidzi vake nezvo ndinokutaurirai kuti, “Musazvidye mwoyo nezvoupenyu hwenyu kuti muchadyei kana nezvomuviri wenyu kuti muchapfekei 23nokuti upenyu hukuru pane chokudya uye muviri mukuru pane chokupfeka. 24Chimbofungai nezvamakunguwo. Haadyari kana kukohwa. Haana hozi kana dura asi Mwari anoapa chokudya. Ko imi munokosha zvakadii kupfuura shiri? 25Iye ndiani wenyu angarebese upenyu hwake nechidimbu#12:25 Chidimbu: Kana kuti kubhiti. pamusana pokuzvidya mwoyo. 26Zvino kana musingakwanisi kuita kanhu kadikidiki kakadai ko, munozvidyirei mwoyo nezvimwe zvose izvi? 27Chimbofungai nezvamaruva amariri kuti anokura sei. Haabinduki nebasa kana kuruka; asi ndinokutaurirai kuti kunyange Soromoni nembiri yake yose iya akanga asina kushongedzwa serimwe raiwaya. 28Zvino kana Mwari achipfekedza uswa hupenyu musango nhasi uno asi mangwana acho huchikandwa muchoto, ko kutozoti imi! Anokupfekedzai zvakadii, inga muri vanhu vechitendero chidiki!
29“Regai kuti mwoyo yenyu irambe iri pakutsvaka zvokudya, kuti muchadyei kana kuti muchanwei kana kuzvitambudza mwoyo. 30Marudzi ose apasi pano ndizvo zvavanotsvaka izvozvo. Baba venyu vanozviziva kuti munozvida. 31Asi imi tsvakai umambo hwake zvinhu izvozvi zvichavawo zvenyu.
Upfumi hwokudenga
(Mat 6:19–21)
32“Musatye henyu imi veboka diki nokuti Baba venyu vanotoda kwazvo kukupai umambo. 33Tengesai zvamuinazvo mupe zvipo kuvarombo. Zviitirei zvikwama zvisingasakari noupfumi kudenga husingaperi kusina mbavha inosvika kana chipfukuto chinoparadza, 34nokuti panenge pane upfumi hwako ndipo pane mwoyo wakowo.
35“Garai makakunyira nguwo dzenyu muchiuno makabatidza mwenje yenyu 36makaita savanhu vakamirira tenzi wavo kudzoka kumusha achibva kumuchato kuti vamuzarure pakarepo kana auya achigogodza. 37Vakakomborerwa varanda avo vanowanikwa naTenzi vakasvinura paanouya. Ndinokutaurirai zvechokwadi kuti achakunya nguwo dzake ovati vagare pakudya iye wouya achivaperekera; 38pangave pakati pousiku paanouya kana kuti nenguva yomurirakamwe chero achingovawana vakadaro vakakomborerwa zvavo varanda ivavo. 39Asi zivai izvi zvokuti dai kuri kuti saimba aiziva nguva inouya mbavha nayo angadai aigara akasvinura#12:39 Angadai aigara akasvinura: Mamwe maBhaibhiri akare haana mazwi iwaya. haairega imba yake ichipazwa. 40Nemiwo munofanira kugara makagadzirira nokuti Mwanakomana womunhu anouya nenguva yamusingatarisiri.”
Muranda wakatendeka neasina kutendeka
(Mat 24:45–51)
41Pita akati, “Tenzi, muri kuitira muenzaniso uyu isu kana kuti muri kuuitira vanhu vose here?” 42Tenzi akati, “Ndoupi, zvino, mutariri akatendeka uye akangwara anoiswa natenzi pabasa rokutarira vomumusha make kuti avape mugove wavo wechokudya nenguva kwayo? 43Akakomborerwa muranda uyo anoti kana Tenzi wake wouya anomuwana achiita saizvozvo. 44Zvechokwadi ndinoti kwamuri achamuita mukuru wezvose zvaanazvo. 45Asi muranda uyo akazviti, Tenzi, wangu anonoka kuuya. Iye wotangisa kurova varanda vechirume nevechikadzi achidya nokunwa achiraradza 46tenzi womuranda iyeyo achauya pazuva raasingamutarisiri uye panguva yaasingazivi. Achamuranga achizomuisa kuna vasingatendeki. 47Muranda uyo anoziva zvinodiwa natenzi wake asi asina kugadzirira kana kuita zvinodiwa naTenzi wake acharohwa zvikuru. 48Asi uyo akaita zvinokodzera kuti arohwe, acharohwa hake zvishoma. Munhu wose anopiwa zvakawanda, kwaari kunotarisirwawo zvakawanda. Kunouyo akaturirwa zvizhinji vanotarisirawo kwaari zvakatowandisa.
Kupesana kwavanhu pamusana paJesu
(Mat 10:34–36)
49“Ndakauya kuzokanda moto panyika. Ndinodisisa seiko kuti dai wakatobatira. 50Ndine ruombeko rwandinofanira kuombekwa narwo uye kuti ndinodisisa seiko kuti dai rwaitwa. 51Regai kufunga kutoti ndakauya kuzounza rugare panyika. Ndinokutaurirai kuti kwete asi kuti ndakaunza kuparadzanisa. 52Kubvira zvino mumba mumwechete muchava navashanu vakapararana. Vatatu vachipesana navaviri. Vaviri vachipesana navatatu. 53Baba vachapesana nomwanakomana, mwanakomana achipesana nababa. Amai vachapesana nemwanasikana. Mwanasikanawo achapesana naamai vake. Vamwene vachapesana nomuroora; muroora achipesanawo navamwene vake.”
Kunzwisisa mamiriro ezvinhu
(Mat 16:2–3)
54Jesu akati kuruzhinji rwavanhu, “Kana mukaona gore richikwira richibva kumadokero munobva mati kuchanaya. 55Izvo zvichibva zvaitikawo. Kana mukaona mhepo yokumaodzanyemba#12:55 Maodzanyemba: Vamwe vanotumidza divi irori kuti chamhembe. ichivhuvhuta munoti kuchapisa zvakanyanya, zvichibva zvaitika. 56Imi vanyengedzi, munoziva kududzira mamiriro anenge akaita kunze panyika nomudenga asi sei musingazivi kududzira zvenguva ino?
Zviri nani kuyanana pane kukwirirwa matare
(Mat 5:25–26)
57“Munoregerei kuzvifungirawo pachenyu zvakanaka. 58Pamunenge muchienda kudare neanenge akukwirira dare edza kuyanana naye muchiri munzira nokuti angadaro akakukwekweretsera kumutongi; mutongi achizokuisa mumaoko omupurisa, mupurisa achizokuisa mujeri. 59Ndinokuudza kuti haumbofa wakabuda kusvikira wabhadhara sendi rokupedzisira.”

Currently Selected:

Ruka 12: SCLBD

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in