Johani 21
21
D: MAZWI OKUZARIRA BHUKU RINO
I: JESU AKAZVIRATIDZA KUVADZIDZI VAKE PAGUNGWA RETIBHERIASI
Jesu amuka kurufu anoonekwa navadzidzi vanomwe
1Shure kwaizvozvi Jesu akazviratidzazve kuvadzidzi vake kuGungwa reTibheriasi. Akazviratidza sezvizvi. 2Simoni Pita naTomasi anonzi Mapatya naNatanieri wokuKana yokuGarirea navana vaZebhedia navamwe vadzidzi vake vaviri vakanga vari pamwechete. 3Simoni Pita akati kwavari, “Ndavakuenda kundobata hove.” Ivowo vakati kwaari, “Handei pamwechete.” Vakabuda vakapinda mugwa asi usiku ihwohwo hapana chavakabata.
4Mambakwedza Jesu akamira pamahombekombe asi vadzidzi havana kuziva kuti ndiJesu. 5Jesu akati kwavari, “Nhai varume, pane chamabata chokusevesa here?” Vakamupindura vachiti, “Kwete.” 6Akati kwavari, “Kandai usvasvi hwenyu kurudyi rweigwa munodzibata.” Saizvozvo vakahukanda vakabva vavakutadza kuhukakata nokuwanda kwehove. 7Mudzidzi uya waJesu wapamwoyo akati kuna Pita, “NdiTenzi wani avo.” Simoni Pita paakazvinzwa kuti ndiTenzi, akapfeka hanzu yake yapamusoro ndokungozvimoneredza nokuti akanga asina chaakapfeka ndokusvetukira mugungwa. 8Asi vamwe vadzidzi vaya vakauya vari mugwa vachikakata usvasvi huzere hove, nokuti vakanga vasiri kure namahombekombe; vakanga vari chinhambwe chinenge mamita makumi mapfumbamwe.
9Pavakasvika pamahombekombe vakaona moto wamazimbe nehove iri pamusoro pawo nechingwa. 10Jesu akati, “Uyai nedzimwe hove dzamabata.” 11Naizvozvo Simoni Pita akadzokerazve mugwa akakwevera usvasvi kumahombekombe hwakanga huzere hove huru dzaiva zana namakumi mashanu nenhatu. Kunyange zvazvo dzakanga dzakawanda kudaro usvasvi hauna kubvaruka. 12Jesu akavati, “Chiuyai mudye.” Hapana akamboti regai ndimubvunze kuti ndimi ani. Vaitozviziva kuti ndiTenzi. 13Jesu akauya akatora chingwa ndokuchipa kwavari uye akaita zvimwechetezvo nehove. 14Aka, kakanga kava kechitatu Jesu achizvionesa kuvadzidzi vake mushure mokunge amutswa muvafi.
Jesu anodzorera Pita pabasa roufudzi
15Pavakapedza kudya kwamangwanani Jesu akati kuna Simoni Pita, “Nhai Simoni mwana waJohani unondida here kupfuura ava?” Iye akati kwaari, “Hongu Tenzi munoziva wani kuti ndinokudai.” Jesu ndokuti, “Fudza hwayana dzangu.” 16Akamutizve rwechipiri Simoni mwana waJohani, “Unondida here?” Akamuti, “Hongu Tenzi munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akamuti, “Fudza hwai dzangu.” 17Akati kwaari kechitatu, “Simoni mwana waJohani unondida here?” Pita zvikati zvamurwadza nokuti akamuti rwechitatu, “Unondida here?” Pita akati kwaari, “Tenzi inga munoziva zvose wani, munoziva imi kuti ndinokudai.” Jesu akamuti, “Fudza hwai dzangu.”
18Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwauri,
“Pawakanga uchiri mudiki
waipfeka uchienda kwaunoda
asi kana wachembera uchatambanudza maoko ako
mumwe achikusunga achienda newe kwausingadi.”
19(Izvi akazvitaura kuratidza rufu rwaaizorumbidza narwo Mwari). Mushure mezvo akati kwaari, “Nditevere.”
20Pita akatendeuka akaona mudzidzi waJesu wapamwoyo achitevera uya akanga akazembera pachipfuva chake pachirariro, uya uya akati kuna Jesu, “Tenzi ndiani ari kuzokupandukira?” 21Pita paakamuona akati kuna Jesu, “Nhai Tenzi, ko uyuwo uyu?” 22Jesu akati kwaari, “Ko kana ndichida kuti arambe aripo kusvikira ndadzoka zvinei newe. Chako iwe kunditevera.” 23Pakabva pava norunyerekupe munevehama rwokuti mudzidzi iyeyu akanga asingazofa, asi Jesu akanga asina kuti haasi kuzofa asi akanga angoti, “Ko kana ndichida kuti arambe aripo kusvikira ndadzoka, zvinei newe?” 24Iyeyu ndiye mudzidzi ari kupupura zvinhu izvi uye ndiye akanyora zvinhu izvi uyewo tinoziva kuti uchapupu hwake ndehwechokwadi.
II: MAZWI OKUZARIRA KECHIPIRI
Shoko Rokupedzisa
25Asi pane zvimwewo zvinhu zvizhinji zvakaitwa naJesu. Dai kuri kuti zvainyorwa zvose chimwe nechimwe; ndinofunga kuti nyika yaitopata namabhuku acho aigona kunyorwa.
Currently Selected:
Johani 21: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.