Jeremiya 9
9
1 # 9:1 Mugore rechipfumbamwe: A 5 88 K.A.A muna Ndira naKukadzi. Dai zvazvo musoro
wangu uchingova mvura chete,
uye maziso angu ari chisipiti chemisodzi,
ndingadai ndichisvimha misodzi
siku nesikati kuchema vanenge vaurayiwa,
ivo vanhu vangu.#9:1 Vanhu vangu: ChiHebheru chinoti mukunda wangu.
2Dai zvangu kugwenga'ku
ndaiva nedumba ravapfuuri nenzira;
ndingadai ndabva muvanhu vangu
ndaenda kure navo,
nokuti vose zvavo inzenza dzavanhu
boka ravanhu vounyengedzi.#9:2 MuchiHebheru ndiyo 9:1.
3“Vanokunga rurimi rwavo souta,
chavanosimbirira munyika muno
manyepo chete, kwete chokwadi
nokuti vanoenda kundotutsira
uipi pamusoro pohumwe
uye havandizivi, ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
4Munhu wose ngaachenjerere mumwe wake,
arege kuvimba kana nehama zvayo,
nokuti hama ipi neipi zvayo
inonyengedza
inonyengedza uchitora
nzvimbo dzavamwe
nokubata vanhu kumeso
vose zvavo vangova vanazimwaya.
5Munhu wose anonyengedza mumwe wake,
hapana anotaura chokwadi.
Vakajaidza rurimi rwavo
kutaura manyepo,
vachitoita zvavo zvakaipa.
Zvokutendeuka zvava kuvanetsa
6vachidzvinyirira vanhu vadzvinyirirazve,
vachiita unyengedzi
pamusoro pohumwe hunyengedzi,
vasingadi kundiziva;
ndizvo zviri kureva Tenzi.
7Ndokusaka zvichinzi
naTenzi wehondo nehondo,
“Chiona, ndichavachenesa ndivaedze
nokuti chimwe chandingaite chii chaizvo
pamusana pavanhu vangu.
8Rurimi rwavo, museve unouraya,
runotaura zvokunyengedza.
Nomuromo uyu munhu anonyatsokurukurirana
nomumwe wake zvakanaka
asi mumwoyo make
anenge achitoronga zvokumuhwandira.
9“Pakadai, ndingarege kuvarangira
zvinhu izvozvi here?
Ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Ndingarege here kutsividza
rudzi rwavanhu vakadai ava?
10“Ndava kusvimha misodzi
ndichiridzira mhere mumakomo
ndichichema mafuro okurenje
nokuti aparadzwa
zvokuti hakuna kana achadimura neko
uye kukuma kwomombe hakuchambonzwika ikoko,
zvose zvazvo zvinoti shiri dzedenga nemhuka
zvati ware kutiza, zvaenda.
11“Ndichaita kuti guta reJerusaremu
rive murwi zvawo wamatongo,
nzvimbo inorara makava.
Ndichaita kuti maguta okwaJudha
asare ava magutawo asina ageremo.
12“Ndiani ano ungwaru hwokuti agone kunzwisisa izvozvi izvi? Ndiani chaizvo akataurirwa nomuromo naTenzi kuti azvizivise kuvanhu? Nyika yaparadzwa nei kudai kubva yarozvwa kusara yava serenje zvokusawana kana nomumwe anopfuura nemo?” 13Zvino Tenzi anoti, “Chikonzero chacho ndechokuti vanhu ava vakafuratira mutemo wangu wandakavapa uye vakarega kuteerera izwi rangu kana kuritevedza zvako. 14Asi vakaita musikanzwa vachitevera zvomusoro wavo. Vakatevedza vanaBhaari sokudzidziswa kwavakaitwa namadzibaba avo. 15Ndokusaka zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri: Chinzwa, ndichadyisa vanhu ivava gavakava ndichivapa mvura yokunwa ine chepfu. 16Ndichavati mwarara mukati mendudzi dzavanhu vavasingamboziva uye vasina kumbozivikanwa namadzibaba avo. Ndichati varondwe nehondo yebakatwa kusvikira ndavatsakatisa.”
Vanhu ngavatsvake ruyamuro
17Zvanzi naTenzi wehondo nehondo,
“Chifungai zvokuita, mutodaidza
vakadzi vokuchema, panhamo vauye
kokai nyanzvi chaidzo dzavakadzi dziuye.
18“Ngavaite zvokukasika
varidze mhere dzokutichema
kuti tichururuke misodzi mumaziso medu,
mvura iite zvokupfachuka
muhwidibiro dzamaziso edu,
19nokuti mhere yokuhwihwidza
yanzwika kuguta reZioni ichiti:
‘Inga taparara isu!
Tazonyadziswa zvikuru
nokuti tatosiya nyika yedu
nokuti vaparadza misha yedu.’
20“Asi imi vakadzi
inzwai shoko raTenzi,
murerekere nzeve dzenyu munzwe shoko romuromo wake.
Dzidzisai vanasikana venyu
nhetembo yokuungudza,
mumwe nomumwe wake rwiyo rwengondo yokuchema
21nokuti rufu rwatipindira napahwindo
rukapinda mumizinda yedu
ruchipedza vana mumigwagwa'mu
namajaya mudzinhandare.
22Iti, ‘Zvanzi naTenzi
zvitunha zvevanhu zvichati
kata kata pasi sendove mugura
sezvisote pabva mukohwi
pasina anovaunganidza.’ ”
23Zvanzi naTenzi, “Ngwazi ngairege kuzvikudza noungwaru hwayo, gamba rehondo rikande pasi zvokuzvitutumadza nougamba hwaro mupfumi ngaarege kuzvibhebhesa noupfumi hwake. 24Asi kutoti munhu anenge achizvipa mbiri ngaazvirumbidzire kuti anenge achindinzwisisa uye achindiziva kuti
“Ini ndini Tenzi
ndinoita panyika mwoyochena
noruenzaniso nokururama
nokuti izvozvi izvi ndozvandinofarira
ndizvo zviri kutaura Tenzi.
25“Zvanzi naTenzi mazuva ari kuuya andicharanga vose zvavo vanozviti vakadzingiswa asi ivo vasina kudzingiswa-venyika yeIjipiti nokwaJudha neEdhomu navanakomana vokwaAmoni nevekwaMoabhu uye vose zvavo vagere mugwenga vanovevura makona evhudzi ravo nokuti ndudzi dzose idzodzi ndedzavanhu vasina kudzingiswa. 26Asi vose zvavo vemba yaIsiraeri, mumwoyo'mu ndimo mavasina kudzingiswa.”
Currently Selected:
Jeremiya 9: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.