Jeremiya 16
16
Chido chaTenzi noupenyu hwaJeremiya
1Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Haufanire kuroora mukadzi 2kana kuva zvako navanakomana kana vanasikana munzvimbo ino 3nokuti zvanzi naTenzi nezvavanasikana ivavo vanoberekerwa munzvimbo ino uye nezvamadzimai vakavabereka uye nezvemadzibaba akavabereka munyika muno zvinoti: 4vachafa nezvirwere zvakaipisisa. Havazochemwi kana kuvigwa, vachati pasi pwata pwata sendove pavhu, vapera nebakatwa neshangwa yenzara. Zvitunha zvavo zvichava ndizvo chokudya cheshiri dzedenga nemhuka dzesango.
5“Chiripo ndechokuti zvanzi naTenzi, usapinde kana kuenda kuimba iine rufu kundoungudza kana kuvachema nokuti rugare rwangu ndarubvisa mukati mavanhu ava uye ndabvisa mavari mwoyochena wangu nomutsa wangu. 6Vose zvavo vakuru navaduku vachafa munyika muno, havachazovigwa, hapana achavachema kana kuzvicheka-chekera vafi vacho kunyange kuzviveurira ivavo muparavara. 7Hakuna achazodya nomumwe achimunyaradza kana afirwa, kana kuwanawo chaanonwa nomumwe anenge afirwa nababa kana naamai vake achimunyaradza.
8“Iwe usapinde mumba yemabiko kundogara uchidya nokunwa navo 9nokuti zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri: chiona, ndichagumisa munzvimbo ino imi muchizviona nameso enyu, mumazuva enyu, chikwe-e chokuseka ichi kana mheremhere yokufara nokupemberera mwenga kana kufarira murume wacho.
10“Pauchataurira vanhu ivava zvinhu zvose izvozvi, ivo vachakuti, ‘Ko Tenzi atemereiko kuti tiwirwe nepfumvu huru yakadai? Takapareiko? Chitadzo chatakapara kuna Tenzi Mwari wedu ndechei?’ 11Iwe unofanira kuvataurira kuti, ‘Chikonzero ndechichi chokuti madzibaba enyu akandifuratira, ndizvo zviri kutaura Tenzi uye vakatevera vamwe vamwari vakavashandira nokuvanamata. Uye vakandifuratira vakarega kuchengeta mutemo wangu 12uye nokuti imi makaita zvakaipa zvinodarika zvakaitwa namadzibaba enyu nokuti mumwe nomumwe wenyu ava kungotevedza zvake musikanzwa womusoro wake muchiramba kunditeerera. 13Naizvozvo iniwo ndichakukandai kunze kwenyika ino ndichikurasirai kunyika yamusingamboziva imimi kana madzibaba enyu. Ikoko muchashandira vamwe vamwari siku nesikati nokuti handisi kuzokunzwirai tsitsi.’
Kudzoka kuutapwa
14“Naizvozvo chinzwai munzwe, zvanzi naTenzi, mazuva ari kuuya achapera zvokuti, ‘NaTenzi chaiye mupenyu, akaburitsa vanhu veIsiraeri munyika yeIjipiti’ 15asi kutoti, ‘NaTenzi chaiye mupenyu akaburitsa vanhu veIsiraeri kunyika yokuchamhembe, kubva kunyika dzose kwaakanga avadzingira nokuti ndichavadzorera kunyika yavo yandakapa kumadzitateguru avo.’
Shamhu yechirango ichauya
16“Chinzwai, zvanzi naTenzi ndichatuma varauri vazhinji vavabate. Mushure macho ndichatuma vavhimi vazhinji vakuvhimei mumakomo mose nomuzvikomo zvose nomumapako 17nokuti kuita kwavo kwose ndinokuona mumaziso mangu, hapana chakavanzika kwandiri. Kunyange kuipa kwavo hauna kuvandika mumaziso mangu. 18Zvino ndava kutanga kuvarangira kakapetwa uipi hwavo nechitadzo chavo nokuti vakan'oresa nyika yangu nezvitunha zvezvifananidzo zvavo zvokunamata zvinosemesa vachizadza nhaka yangu nezvinhu zvavo zvandisingadi.”
Munamato waJeremiya wokuvimba naMwari
19Imi Tenzi imi simba rangu
nenhare yangu yokuhwanda hondo
diziro rangu pazuva renhamo,
kwamuri ndokuchauya marudzi avanhu
achibva kwakaperera nyika achiti,
“Madzibaba edu akawana nhaka
yezvinhu pasina, zvinhu zvamanyepo
zvinhu zvisina maturo, zvisina chimuko.
20Ko munhu angazvigadzirire vamwari here?
Zvinhu zvakadaro hazvisi vamwari.
21“Naizvozvo, chinzwa, ndichaita kuti vazive, rwendo runo ndichaita kuti vazive simba rangu noukuru hwangu ndipo pavachazoziva kuti ini ndini ndinonzi Mwari.
Currently Selected:
Jeremiya 16: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.