Jeremiya 11
11
Jeremiya anoyeuchidza vanhu nezvechitenderano
1Herino izwi rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi richiti, 2“Teerera unzwe zviri kurehwa nechitenderano ichi, utaurire vanhu vokwaJudha navagari veJerusaremu, 3uti kwavari, zvanzi naTenzi Mwari weIsiraeri, ‘Ngaapinde rushambwa munhu asingachengeti zviri kurehwa nechitenderano ichi 4chandakati madzibaba enyu achengete pandakavaburitsa munyika yeIjipiti,’ muvira romoto resimbi ndichiti, ‘Teererai izwi rangu muite zvose zvandinokuudzai, nokudaro muchava vanhu vangu, ini ndichivawo Mwari wenyu, 5kuitira kuti ndichengete chitsidzo chandakapika kumadzibaba enyu chokuvapa nyika yakanaka nyika yomukaka nouchi sezvazviri pari nhasi.’ ”
Ini ndakapindura ndichiti, “Ngazvive saizvozvo Tenzi.”
6Tenzi akabva ati kwandiri, “Paridza mashoko ose iwayo mumaguta okwaJudha nomumigwagwa yeJerusaremu uchiti inzwai zvinotaurwa nechitenderano ichi muzviite. 7Ndinodaro nokuti ndakayambira ndayambirazve madzibaba enyu pandakavaburitsa munyika yeIjipiti ndikaramba ndichivayambira kusvikira pari nhasi ndichingoti, teererai izwi rangu. 8Asi ivo kuteerera havana kuteerera kana kurerekera nzeve dzavo. Asi kuti munhu wose akatotevera zvake zvomusoro wake zvakaipa. Ndokusaka ini ndakaita kuti vawirwe nezvose zvinorehwa nechitenderano ichi chandakati vachengete asi ivo vakarega zvavo.”
9Tenzi akatizve kwandiri, “Mukati mavanhu vokwaJudha navagari veJerusaremu mapandukwa. 10Vadzokerazve muuipi hwamadzibaba avo vakaramba kunzwa zvandinotaura. Vavakutevera vamwe vamwari vachivanamata. Imba yokwaIsiraeri nemba yokwaJudha vakatyora chitenderano changu chandakaita namadzibaba avo. 11Naizvozvo, zvanzi naTenzi, chinzwa, ‘Ndavakuvaunzira nhamo yavasingakwanisi kunzvenga. Kunyange vakachema kwandiri, handisi kuzovateerera.’ 12Zvino maguta okwaJudha navagari veJerusaremu vachaenda kundochema kuna vamwari ivavo vavanopisira rusenzi, asi havakwanisi kuvanunura munhamo dzavo panguva yenhamo yavo. 13Nokuti imi vokwaJudha, kuwanda kwakaita maguta enyu ndokuwandawo kwakaita vaMwari venyu. Uyewo sokuwanda kwakaita migwagwa yeJerusaremu ndokuwandawo kwakaita atari dzamakavakira icho chakafumuka ichi, atari dzokupisira rusenzi kuna Bhaari.
14“Naizvozvo iwe rega kunamatira vanhu ava kana kumbovaisira chichemo kana munyengetero wokuvakumbirira nokuti handisi kuzoteerera kana vodaidzira kwandiri panguva yavo yenhamo.
15“Iye mudiwa wangu
chaachiri kuda mumba mangu chii
iye akabata twakaipa twukadai?
Idzo mhiko dzenyu nenyama yezvibayiro
ndozvingakununurei kunhamo here?
Kutoita rurasademo kufara zvenyu nhai?
16Inga wani Tenzi akambokutii
muri muorivhi wakasvibirira
une michero yakanaka inoyevedza.
Asi noruzha rwedutu guru remhepo
achauririmisa nomoto, mapazi awo aroromeswe.
17“Tenzi wehondo nehondo iye akakusimai ati muwirwe nenhamo pamusana pezvakaipa zvakaitwa nemba yokwaIsiraeri nemba yokwaJudha vachindishatirisa nokupira rusenzi kuna Bhaari.”
Bangano rokuuraya Jeremiya
18Tenzi akandiruma nzeve
ini ndikabva ndazoziva
ndokubva mandiratidza bangano ravo.
19Asi ini ndakanga ndakapfava sehwayana
iri kuendeswa kunourayiwa,
ndisingamboziva kuti twavaironga
vainge vachitorongereni vachiti,
“Ngatiparadzei muti nomuchero wawo,
ngatimutsakatisei panyika yavapenyu
zita rake ribva rakanganikwa.
20“Zvino, imi Tenzi; wehondo nehondo
munotonga zvakarurama
imi munoongorora zviri
mumwoyo nomupfungwa dzomunhu
dai waro mukaita kuti ndione
kuvatsividza kwamunoita
nokuti ndakaisa kwamuri zvinondinetsa.”
21Naizvozvo zvanzi naTenzi panyaya yavanhu veAnatoti vari kuda kupfuudza upenyu hwako vachiti, “Rega kuporofita nezita raTenzi nokuti tingakuuraye namaoko edu aya,” 22nezvo zvanzi naTenzi wehondo nehondo, “Chinzwa, ini ndichavaranga; majaya achafira muhondo yebakatwa. Vanakomana vavo navanasikana vavo vachafa neshangwa yenzara. 23Hapana achasara nokuti ndichaunza nhamo pavanhu veAnatoti mugore ravo rokurangwa.”
Currently Selected:
Jeremiya 11: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.