YouVersion Logo
Search Icon

Jeremiya 1

1
Muporofita Jeremiya
1Aya ndiwo mazwi aJeremiya mwanakomana waHirikiya mumwe wavapristi vaiva muguta reAnatoti munyika yokwaBhenjamini. 2Shoko raTenzi rakauya kwaari mumazuva aJosiya, mwanakomana waAmoni, mambo wokwaJudha, muri mugore regumi nechitatu rokutonga kwake. 3Rakauya mumazuvawo aJehoyakimu mwanakomana waJosiya, mambo wokwaJudha kudzamara kumagumo kwegore regumi nechiposhi rokutonga kwaZedhekiya mwanakomana waJosiya, mambo wokwaJudha, kusvikira pakutapwa kweJerusaremu mumwedzi wechishanu wacho.
I: ZVAKAONESWA JEREMIYA ZVAKANANGANA NEJUDHA NEJERUSAREMU
A: NGUVA YOKUTONGA KWAJOSIYA (640–609 K.A.A)#1:4 Zvinoreva kuti Kristu asati auya.
Kudaidzwa kwaJeremiya naMwari
4Shoko raTenzi rakauya kwandiri richiti,
5“Ndisati ndambokuumba mudumbu ramai,
ndaitokuziva, usati waberekwa ndakakutsaura.
Ndakakureresa
ndakakusarudza somuporofita
kumarudzi avanhu.”
6Ini ndokuti, “AA! Nhai Tenzi Mwari! Tarisai muone kuti ini handikwanisi kutaura nokuti ndiri muduku!” 7Asi Tenzi akati kwandiri,
“Rega kuti ndiri muduku,
nokuti kune vose vandinenge ndakutuma
unofanira kuenda uye
zvandinenge ndakuudza unofanira kutaura.
8Rega kuvatya
nokuti ini ndinenge ndinewe kuzokununura.
Ndozviri kutaura Tenzi.”
9Tenzi akabva atambanudza ruoko rwake akabata muromo wangu Tenzi akati kwandiri,
“Chinzwa unzwe,
ndaisa mazwi angu mukanwa mako.
10“Chiona, nhasi uno
ndakupa masimba pamusoro pamarudzi namadzimambo
okudzipura nookupaza, okuparadza, nookukurira
okuvaka nookusima.”
Zviratidzo zviviri zvakaoneswa Jeremiya naMwari
11Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Jeremiya, chii chauri kuona?”
Ini ndakati, “Ndiri kuona bazi romuarimondi.”
12Tenzi ndokuti kwandiri, “Waona zvazviri, nokuti ini ndiri kutarisa kuti shoko rangu rakazadzikiswa.”
13Izwi raTenzi rakazouyazve kwandiri richiti, “Chii chauri kuona?”
Ini ndakati, “Ndiri kuona hari iri pamoto iri kuvira yakafuratira kuchamhembe.”#1:13 Kuchamhembe: Vamwe vanoti “North” inoreva Kumaodzanyemba.
14Tenzi akati kwandiri, “Kuchamhembe uku kuchabva nhamo ichawira vagari vose venyika ino. 15Ndinodaro nokuti zvamunoona, ndava kuzodaidza ndudzi dzavanhu vamadzimambo oKuchamhembe, ndizvo zviri kutaura Tenzi.
“Vanhu ivavo vachauya, mumwe nomumwe wavo agogadzikira chigaro choumambo hwake kwokupinda nako pamisuo mikuru yeguta reJerusaremu vagokomberedza masvingo eJerusaremu uye vagokomberana maguta ose zvawo okwaJudha. 16Ndichavatemera chirango chezvakaipa zvavo zvose zvokundifuratira kwamakaita vachipisira vamwe vamwari rusenzi nokupfugamira mabasa avanoita namaoko avo. 17Asi iwe wochisunga dzisimbe usimuke uvataurire zvose zvandinokuudza. Rega kuvatya, ukavatya ndinokuita mbwende pamberi pavo. 18Tarisa uone, nhasi uno, ini iyeni ndakuita guta retsvingo, nomusimboti wesimbi chaiwo, namasvingo endarira kurwisana nenyika ino yose zvayo namadzimambo okwaJudha namachinda ayo navapristi vayo navagari vayo. 19Vachakurwisa asi havazokukurira nokuti ini ndinewe ndichazokununura, ndizvo zviri kutaura Tenzi.”

Currently Selected:

Jeremiya 1: SCLBD

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in