Vatongi 5
5
Rwiyo rwaDhebhora naBharaki
1Musi iwoyo Dhebhora naBharaki mwanakomana wavaAbhinoamu vakaimba rwiyo urwu vachiti:
2“Tenzi ngaarumbidzwe
nokuti vakuru vakuru vakatungamirira muIsiraeri
uye vanhu vakazvipira nomwoyo unoda.
3Teererai imi Madzimambo,
munzwe imi machinda.
Ini, iyeni pachangu ndomboimbira Tenzi.
Ndava kuimbira rwiyo Tenzi, Mwari wavaIsiraeri.
4Tenzi imi pakubva kwenyu kugomo reSeiri,
pamaikanyaira mobva mumasango eEdhomu,
nyika yakadedera, denga rikanaya,
makore akadonha mvura.
5Makomo akandengendeka pamberi paTenzi,
makomo eSinai pana Mwari wavaIsiraeri.
6Panguva yaShamugari mwanakomana waAnati,
panguva yaJaeri,
zvedungwerungwe mumigwagwa kwakanga kusisina.
Venzendo vaitofamba notunzira twomusango.
7Shasha dzokutungamirira muIsiraeri makanga musisina
kusvikira kwamuka ini Dhebhora.
Kwazomuka ini amai veIsiraeri.
8Vanhu pavaisarudza vamwari vatsva,
hondo yaibvawo yagogodzera pamusuo.
Pamakumi mana ezviuru zvavaIsiraeri
kwaimboonekwa nhoo kana pfumo zvaro nhai?
9Mwoyo wangu unofadzwa navatungamiriri veIsiraeri
unofadzwa navakazvipira nomwoyo unoda.
Tenzi ngaarumbidzwe.
10Zviparidzei,
Imi vananyakutasva pamadongi echikadzi machena,
iyemi vokugara pazvityaro zvina machira anokosha
iyemi vanyakupfuura nenzira.
11Ngavadaidzire kupfuura vanogova mvura,
vanoigova panonwiwa mvura.
Zvinoshamisa zvakaitwa naTenzi ngavazviimbe,
zvokutungamirira kwaakaita Isiraeri zvinoshamisa.
Vanhu vaTenzi vakaunganidzana
kumisuwo mikuru yamaguta.
12Mukai, mukai mushaure vaDhebhora!
Mukai, mukai mushaure rumbo!
Simuka Bharaki, mwana waAbhinoamu,
vakambokuita nhapwa, nhasi uvaite nhapwa.
13Vakanga vasara pakati pavakuru vakuru vakauya,
vanhu vaTenzi vakaburukira kwandiri,
vovinga vane simba guru.
14VokwaEfuraimu kubvira kuAmareki vatopinda
kare mubani,
mushure menyu, vokwaBhenjamini navanhu vokwenyu.
Vatungamiriri vokwaMakiri vaburukawo vatovamo,
nenhungamiri dzokwaZebhuruni dzarovererawo.
15Machinda okwaIsakari aita rimwe naDhebhora,
vaita mwoyo mumwechete naBharaki.
Heyo mhute, vanhu kutevera Bharaki.
Vemhuri dzokwaRubheni vashaya rokubata nokufunga.
16Muchagomirireiko kumatanga ehwai?
Kutonakidzwa zvenyu nhai
nenyere dzokuridzira zvipfuwo.
Vemhuri dzokwaRubheni vashaya rokubata nokufunga.
17VokuGireadhi vagere zvavo kumhiri kwaJorodhani iwe.
Ko naivowo vokwaDhani ndochiikowo ichochi
chokuramba vakangoti nezvikepe dzvemere?
Kana naivowo vokwaAsheri nhaimi,
votoramba zvavo vakati tendhe mumahombekombe
kutonyatsoti mbwe-e zvavo make imomo.
18VokwaZebhuruni vakazvipinza munjodzi yokunge
vachafa.
Ndozvimwechetezvo nevokwaNafutari panzvimbo yakakwirira
yakasandarika.
19Madzimambo akauya akarwa hondo.
Madzimambo eKanani akarova hondo,
kuTaanaki pedyo netsime rokuMegidho.
Asi hapana kana sirivha
kana chokupamba zvacho chavakabura.
20Nyenyedzi dzokudenga dzakarwawo hondo
dzakarwisa Sisera mumakwara adzo.
21Mapopopo aKishoni akavakukura,
mapopopo akati vata, mapopopo aKishoni.
Regai ndichikanyaira nesimba.
22Mabhiza akaridza pasi pakatinhira,
nokukakatika orimbinyuka mabhiza ehondo.
23Mutumwa waTenzi anoti,
‘Rengererai vokuMerozi vawirwe norushambwa,
nyatsoshurikidzai rushambwa vagari veko,
nokuti havana kuzobatsira Tenzi
kubatsira Tenzi hondo yake nemikweshwa.’
24Jaeri akakomborerwa kwazvo pavakadzi vose.
Mudzimai waHebheri muKeni,
akakomborerwa kwazvo pavakadzi vose
vagari vomumatendhe.
25Murume uya akamukumbira mvura,
iye akamupa mukaka.
Akamuigira mukaka wakakora mumbiya yamadzimambo.
26Akati chachapu muruoko hoko yetendhe,
ndokuti nyundo yavashandi dzvi.
Akaiti mbetete muna Sisera
achipwanya musoro wake
akabvoora akatekesha musoro wake.
27Akati nyerekete ndiye pasi rapata,
ndiye tonho patsoka dzake,
patsoka dzakepo akati nyekete, ndiye pasi rabada.
Paakati rikiti ipapo ndipo paakafira.
28Ukuwo uku amai vaSisera
vari shishi napahwindo kudongorera,
vari shishi napahwangwadza yehwindo kupena.
Voti, ‘Nhai vedu! Ko chii chanonotsa ngoro yake kudai?
Sei kuriridza kwengoro dzake dzehondo
kusati kwonzwika?’ ”
29Vakadzi vokumbahuru voungwaru ndokuvadzikamisa mwoyo
vovataurira zvavaingofungawo izvozvo voti,
30“Pamwe vari kutounganidza zvavo nokugovana zvavapamba,
munhu achitopiwa zvake mukadzi kana vaviri,
izvozvi pamwe Sisera atowana machira ane manyerekete,
machira okudhaya ana mavara mavara akanyatsorukirwa.
Kana iniwo ndichatoigirwa mavhoiri maviri omuhuro.”
31Saizvozvo Tenzi vavengi venyu vose ngavaparare.
Asi vanokudai vaite sezuva rinobuda rine simba.
Nyika yakava norunyararo makumi mana amakore.
Currently Selected:
Vatongi 5: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.