YouVersion Logo
Search Icon

Jemusi 1

1
1Ndini Jemusi muranda waMwari uye waTenzi Jesu Kristu. Ndinokunyorerai imi marudzi gumi namaviri akapararira ndichiti kwaziwai.
Chikomborero chinobva mukuedzwa
2Hama dzangu, onai sechinhu chinofadza pose pamunowirwa nemiedzo yakasiyana–siyana 3nokuti imi munoziva kuti kuedzwa kwechitendero chenyu kunobereka kutirira. 4Kutirira ngakuve kwakaperera kuti muve vanhu vakakwana vanezenge vasina chavasina. 5Kana pane asina ungwaru ngaakumbire kuna Mwari, mupanegombe kuvanhu vose, anopa asingakonoreri; huchapiwa kwaari. 6Asi ngaakumbire nechitendero asingakahadziki, nokuti munhu anokahadzika akafanana namasaisai egungwa anopeperetswa achiitwa suku nasai nemhepo. 7Munhu akadaro ngaarege kufunga kuti achawana chinhu chinobva kunaTenzi, 8nokuti munhu ane pfungwa mbiri, asina pake muna zvose zvaanoita.
Kusimudzirwa komurombo nokuninipiswa komupfumi
9Kana hama mutendi, munhuwo zvake, akasimudzirwa pamusoro ngaafare 10ndizvozvowo nomupfumi kana akaninipiswa nokuti achapfuurawo seruva romusango. 11Sezvinongoita zuva kubuda nokupisa kwaro richiunisa uswa, neruva rahwo richikuhumuka norunako rwaro rwuchiparara ndozvichaita mupfumi kuparara mukati mebasa rake.
12Akakombererwa zvake munhu anotirira chiedzo nokuti kana achinge akunda chiedzo anowana ngundu youpenyu yakatsidzirwa naMwari kuna vanomuda. 13Ngaparege kuva nomunhu anoti kana aedzwa oti, “Mwari akandipinza muchiedzo” nokuti Mwari haagoni kuedzwa nouipi. Iyewo pachake haapinze munhu muchiedzo. 14Asi munhu wose anoedzwa kana achitorwa mwoyo nokufurirwa noruchiva rwake. 15Kana ruchiva rwabata runobereka chitadzo. Kana chitadzo chadzika midzi chinounza rufu.
16Musanyengedzwe, hama dzangu dzadiwa. 17Chinhu chose chine munhu chakanaka nechipo chose chakaruramisisa chinobva kudenga kuna Baba vezviedza vasina mupindu kana mumvuri zvawo wokusanduka. 18Nokuda kwake akatibereka neshoko rechokwadi kuti tive semichero yokutanga yezvisikwa zvake.
Chitendero chechokwadi, kunzwa nokuita
19Zivai izvi hama dzangu dzadiwa zvokuti munhu wose ngaakurumidze zvake kunzwa asi ave anononoka kutaura uye ave anonoka kushatirwa 20nokuti kushatirwa kwomunhu hakubatsiri kuti mugariro wohumwari wakarurama uitwe. 21Naizvozvo bvisai zvetsvina zvose nezvakawandawanda zvakaipa mugamuchire makazvidukupisa shoko rakadyarwa mamuri rinokwanisa kuponesa mweya yenyu.
22Naizvozvo ivai vaiti vezvinorehwa neshoko kwete vanzwi chete muchizvinyengedza 23nokuti kana munhu achingova munzwi bedzi weshoko, asi asingaiti zvarinoreva akaita somunhu anotarira huso hwake hwaakaberekwa nahwo muchiringiriro; 24nokuti anozviongorora zvake oenda asi obva akanganwa zvaari. 25Asi uyo anotarisa mumutemo uzere worusununguko oramba achingoshingirira asiri munhu anongonzwa chete achizokanganwa asi muiti webasa; achakomborerwa mune zvaanoita.
26Kana munhu achizviona somunamati asingadzori rurimi rwake asi iye mumwoyo make achizvinyengedza, unamati hwomunhu iyeyo hauna maturo. 27Unamati hwakanyatsoti tsvikiti husina kusvibiswa pamberi paMwari naBaba, ndohuhu: kushanyira nherera nechirikadzi munhamo dzadzo uye kuzvibata usingasvibiswi nenyika.

Currently Selected:

Jemusi 1: SCLBD

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in