Isaya 10
10
1Zvichavawana vanotema
zvirevo zvisina kururama
vanyori vanoramba vachinyora
zvirevo zvebasa rechibharo
2kuti vatadzise vasina chavanacho
kuwana ruenzaniso,
vachipamba varombo muvanhu vangu
zvinhu zvavanofanira kuti vawane
uye kuti vapambe chirikadzi
nokutorera nherera
zvinhu zvadzo.
3Muchaita waani musi wokurangwa
nedutu remhepo richauya richibva kure kure
muchatizira kunaani
kwamungawane rubatsiro,
upfumi hwenyu muchahusiya kupi?
4Chenyu imi
kunenge kwangova kuti undundu
pakati pavasungwa kana kungoti
rakata pakati pezvitunha.
Nokuda kwaizvozvo
hasha dzake hadzina kupora,
muruoko rwake shamhu ichiri mudenga.
Asiria ichashandiswa naMwari kuranga Isiraeri
5Iwe Asiria,
shamhu yangu yokunge ndatsamwa,
tsvimbo yangu yokunge ndaviruka nehasha
6ndichakuti uvinge rudzi rwavanhu
vasisadi zvaMwari ava,
ndichakutuma kuvanhu
vandinoda kuranga
kuti undopamba nokuvatorera zvinhu
nokuvatsokodzera pasi
samavhu omumigwagwa.
7Asi izvozvi haasi kumbozvifunga,
mumwoyo make izvozvi hazvimo.
Chiri mupfungwa dzake kuparadza chete
nokutsakatisa ndudzi dzavanhu dzakawanda
8nokuti anototi,
“Inga vatungamiriri vangu vehondo vose
madzimambo wani.
9Guta reKarino harina kuitwa zvakaitwa
neKarishemeshi here?
Ko Hamati harina kuitwa zvakaitwa neAripadhi here?
Ko Samaria harina kuita zvakaitwa neDhamasikusi here?
10Sokutambanudzira ruoko rwangu
ndichiranga nyika nenyika
dzinonamata zvifananidzo,
dzine zvifananidzo zvakakura
kupinda zveJerusaremu neSamaria
11ndozvandichaita izvozvi kuJerusaremu
nezvifananidzo zvayo
sezvandakangoita kuSamaria
nezvifananidzo zvaro!”
12Pachapedza Tenzi basa rake rose paGomo reZioni napaJerusaremu, ndicharangira#10:12 Ndicharangira: Aya ndiwo manyorerwo akaitwa muchiHebheru asi muchiGiriki munoti acharangira. mambo weAsiria kuzvitutumadza nokuzvikudza kwaanoita nokudada kwaanoita achidhadhaira 13achiti,
“Ini noruoko rwangu
ndini pano ndakazviita ini
nesimba rangu,
ndakazviita ini noungwaru hwangu
nokuti ndinonzwisisa.
Miganhu yedzindudzi dzavanhu
ndakaibvisa ini,
ndikapamba upfumi hwavo.
Sehandira chaiyo,
vainge vari pazvigaro zvoumambo
ndakavatozomora ini.
14“Ndakawana upfumi hwendudzi dzavanhu
sezvinongoita ruoko runenge rwawana dendere
reshiri, uye sezvinongoita vanhu
kuunganidza mazai akaramwiwa,
ndokukukucha zvangu kwandakaita nyika.
Hapana akambosimudza bapiro
kana kushama muromo
kana kuti chwe-e.”
15“Iro demo ringadhadhairire here
munhu anoritemesa,
iro soo#10:15 Soo: Vamwe vanoti saha (saw). ringadadire here
anorichekesa wacho?
Sokunge mubhadha ungavheyese
anousimudza,
kana kuti tsvimbo ingasimudze
iye asiri chimuti!”
16Naizvozvo Tenzi
Tenzi wehondo nehondo
achatumira denda rokuperezeka muviri
mukati mehweswa chaidzo dzevarwi vake,
mukati momukurumbira wake muchapisa
sokupisa kunoita moto uri kubvira.
17Mwenje weIsiraeri uchaita somoto.
Anoera wake achaita serimi romoto,
uchapisa nokuroromesa
minzwa yake norukato
nezuva rimwechete.
18Masango ake ane mukurumbira
neminda yake inopa,
Tenzi achaparadza zvose
mweya nomuviri,
zvichiita somurwere aperezeka muviri.
19Miti yemasango ake
ichasara yava mishoma
zvokuti mwana muduku
angatogonawo kuiverenga.
Chitsama chevaIsiraeri chichadzoka
20Pazuva iroro chitsama chevaIsiraeri vanenge vasara nevemba yaJakobho vakapunyuka rufu vachange vasisazemberane norudzi rwakavarova asi vachazembera pana Tenzi Anoera waIsiraeri pachokwadi. 21Chitsama chichadzoka, chitsama chevokwaJakobho chichadzokera kuna Mwari Samasimbaose 22nokuti kunyange zvazvo vanhu venyu vaIsiraeri vakawanda sejecha rokumahombekombe kwegungwa, chitsama chavo chete ndicho chichadzoka. Zvokuparadza izvi zvakatotemwa zviri chinhu chizere noururami, 23nokuti Tenzi Mwari wehondo achanyatsopedza kuita zvaakatema mukati menyika yose.
Tenzi acharangawo vaAsiria
24Naizvozvo zvanzi naTenzi, Tenzi wehondo nehondo, “Imi vanhu vangu vagere muZioni musatye zvenyu vaAsiria pavanokurovai netsvimbo yavo vachikusimudzirai shamhu sezvakaita vaIjipiti, 25nokuti mushure mekanguva kadikidiki hasha dzangu dzichapera asi ini nehasha dzangu ndovapindukira kuvaparadza. 26Tenzi wehondo nehondo achavasumudzira shamhu yokuvarova somurovero waakaita Midhiani padombo rokuOrebhu, tsvimbo yake ichange yakatambanudzirwa pamusoro pegungwa achiisimudza sezvaakaita muIjipiti. 27Pazuva iroro mutoro wake uchabviswa pamapfudzi ako; joko rake richatyorwa rigobviswa pamutsipa penyu.”
Kurwiswa kwevaIsiraeri neAsiria
Asiria yakakwidza achibva kuRimoni,
28yakasvika kuAiati,#10:28 Aiati: Vamwe vanoti Ai.
yakapfuura nokuMigironi
yakasiya yachengetesa nhumbi dzayo kuMikimashi.
29Yadimura napamupata wegomo
yakazorara yava kuGebha,
guta reRama radedera
vomuGibhia guta rokwaSauro vakatiza.
30Ridza mhere
iwe mukunda, guta reGarimu,
teerera unzwe
nhaiwe Raisha
umudaire iwe Anatoti.
31Madhimena ririkutiza
vagari vomuGebhimu votizira kundopotera.
32Iye nhasi uno wakare
Asiria ichandomira yava kuNobhu
ichazunza chibhakera chayo
ichikungira gomo romukunda weZioni,
chikomo cheJerusaremu chacho.
Umambo hune runyararo
33Chionai,
Tenzi Mwari wehondo nehondo
achavakwazhura semapazi
nesimba rinotyisa,
mazipazi marefurefu achatemerwa pasi
uye akati dzu-u mudenga
achiarizhira pasi pasi.
34Achatemera pasi nedemo
majokochwa amasango,
uye Rebhanoni ichaparara
pamwechete nemiti yayo mirefu.
Currently Selected:
Isaya 10: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.