Hosea 6
6
Kutendeuka kwechipameso
1“Uyai tidzokere kuna Tenzi
nokuti ndiye akatibvambura kudai,
kuti atirape;
ndiye akadai kutirova,
achatisunga maronda.
2Mushure memazuva kana maviri zvawo
achatimutsurudza,
mune rechitatu iri achitimutsa
kuti tigare zvedu naye.
3Ngatizivei,
ngativavarirei kuziva Tenzi
kuuya kwake kuri pachokwadi
sokusvika kunoita mambakwedza,
achauya kwatiri
semvura inonaya
semvura yomunhuruka inodiridza nyika.
4“Ndodiiko nemi vanhu vokwaEfuremu?
Ndodiiko ini nemi vanhu vokwaJudha?
Rudo rwenyu,
rwakaita semhute yemangwanani,
sedova zvaro risingatani kunyungudika.
5Ndokusaka ndakavapanha nevaporofita,
ndichivasakadza kuuraya
namazwi omuromo wangu.
Kutonga kwangu kunoti bha-a
kuvheneka sechiedza.#6:5 Sechiedza: MuchiHebheru mutsara iwoyu unoti, “Kutonga kwenyu kunoti...”
6Ndinodaro nokuti chandinoda ini,
rudo chairwo
kwete zvibayiro,
uye kuziva Mwari
pane kupirwa mipiro yokupisa.
7“Asi savanhu vakatyora Chitenderano#6:7 Chitenderano: Panogonawo kuturikirwa pachinzi saAdhamu.
ikoko havana kuva vanhu
vakatendeseka kwandiri.
8Gireadhi iguta ravaiti vezvakaipa,
guta revadeuri veropa.
9Sezvinongoita makororo kuhwandira vanhu
ndizvozvo zviri kuitwa navapristi,
vanouraya vanhu panzira inoenda Shikemu.
Ndozvavanoita chaizvo zvakaipisa.
10Ndakaona chinhu chakaipisisa
muimba yokwaIsiraeri
VokwaEfuremu vanoita ufeve
vachin'oresa vanhu vokwaIsiraeri,
11nemiwo vokwaJudha muchakohwa
mubayiro wenyu wakakumirirai.
Pandichadzosa kutapwa vanhu vangu.”
Currently Selected:
Hosea 6: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.