Vagaratia 1
1
Kuzvisuma kwaPauro kuvaGaratia
1Ndini Pauro mupositori asina kutumwa basa iri nomunhu kana kuripiwa nomunhu asi akaripiwa naJesu Kristu uye naMwari Baba vakamumutsa muvafi, 2ndinokunyorerai pamwechete nehama dzandinadzo kuno imi masangano okuGaratia ndichiti: 3chikomborero chokuitirwa nyasha necherugare ngachigare nemi chichibva kuna Mwari Baba nokuna Tenzi Jesu Kristu. 4Ndiye akazvipa pamusana pezvitadzo zvedu kuti atinunure kunyika youipi iripo iye zvino maererano nezvaidiwa naMwari naBaba vedu. 5Ivo ngavarumbidzwe narini narini. Ameni.
6Munondishamisa kuti mavakusiya nokukurumidza kudai iye akakudaidzai nenyasha dzaKristu muchipindukira kune rimwewo Shoko Rakanaka. 7Zvisingarevi zvazvo kuti kuna rimwezve Shoko Rakanaka asi kuti kune vamwe vanokutambudzai vachida kuminamisa Shoko iroro Rakanaka raKristu. 8Kunyange dai tirisu kana mutumwa anobva kudenga achikuparidzai Shoko rinopesana neratakakuparidzai ngaave nerushambwa. 9Sezvatakambotaura kare ndinotaurazve zvino ndichiti kana pano munhu ari kukuparidzai Shoko Rakanaka rinopesana neramakambogamuchira ngaave norushambwa.
I: KUZVIDZIVIRIRA KWAPAURO
Kupiwa kwaPauro basa roupositori
10Asi munofunga kuti iye zvino ndiri kutsvaka kufadza vanhu here kana kuti ndiripo pakufadza Mwari? Kana kuti munoti ndiri kuvavarira kufadza vanhu? Kana ndichiripo kufadza vanhu handifaniri kuva muranda waKristu. 11Nokuti ndingade kuti muzive hama dzangu kuti Shoko Rakanaka rakaparidzwa neni harisi Shoko ravanhu 12nokuti handina kurigamuchira richibva kumunhu uye handina kuri dzidziswa. Rakauya kwandiri nokuzviratidza kwaJesu Kristu kwandiri.
13Inga makanzwa wani nezvoupenyu hwangu hwakare muchiJudha, kutambudza zvakaipisisa kwandaiita sangano raMwari ndichiedza kuriparadza. 14Ini ndakabudirira mune zvechiJudha kupfuura vazhinji vezera rangu mukati mavanhu vokwangu. Ndaisimbirira chaizvo mune zvamagamuchidzanwa amadzitateguru angu. 15Zvino iye zvaakanga andisarudza ndisati ndaberekwa akandidaidza nenyasha dzake. 16Akafara kuratidza Mwanakomana wake kwandiri kuti ndimuparidze kune vechirudzi, handina kumbobvunza munhu. 17Uye handina kuenda kuJerusaremu kuna vakanga vakanditangira kuva vapositori asi ndakaenda kuArabhia. Ndakazodzokerazve kuDhamasikusi.
18Mushure memakore matatu ndakakwira kuJerusaremu kundoshanyira Kefasi ndikagara naye kwamazuva gumi namashanu. 19Handina kuona vamwe vapositori kusiya Jemusi mukomanomunun'una naTenzi. 20NaMwari chaiye, zvandiri kukunyorerai handisi kunyepa. 21Ndakazoendawo kumatunhu eSiria neekuKirikia. 22Izvozvo, kuJudhea hapana aiziva uso hwangu mumasangano aKristu okuJudhea. 23Vaingonzwa zvichinzi uya aimbotitambudza avakuparidza chitendero chaaimboda kuparadza. 24Vakarumbidza Mwari nokuda kwangu.
Currently Selected:
Vagaratia 1: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.