Ezira 2
2
Mazita avanhu vakadzoka vachibva kuutapwa
(Neh 7:4–73)
1Zvino ava ndivo vanhu vedunhu iroro vakabva kuutapwa pane vakanga vatamiswa naNebhukadhineza mambo weBhabhironi vaendeswa kuutapwa kuBhabhironi. Vakadzokera kuJerusaremu kwaJudha mumwe nomumwe kuguta rokwake. 2Vakauya navo ndiZerubhabhero naJeshua naNehemiya naSeraya naReeraya naModhekai naBhirishani naMisipari naBhigivhai naReumu naBhaana.
Pavanhu veIsiraeri, uwandi hwavarume vacho hwaiva hwakamira hwakadai izvi:
3vanakomana vakwaParoshi
vaiva zviuru zviviri zvine zana
nemakumi manomwe ane vaviri,
4kwouya vokwaShefatiya
vari mazana matatu namakumi manomwe navaviri,
5kwoti vokwaAra
variwo mazana manomwe
ane makumi manomwe ane vashanu,
6kwotiwo vakwaPahatimoabhu
vari vokwaJeshua naJoabhu vari zviuru zviviri
zvine mazana masere negumi navaviri,
7kwouyawo vokwaEramu
vari chiuru chine mazana maviri ane makumi mashanu avanhu,
8kwoti vokwaZatu
vaiva mazana mapfumbamwe ane makumi mana navashanu,
9kwozouya vokwaZakai
variwo mazana manomwe ane makumi matanhatu,
10kukati vokwaBhani
vari mazana matanhatu ane makumi mana navaviri,
11kukatiwo vokwaBhebhai
mazana matanhatu ane makumi maviri navatatu,
12kuchitiwo vokwaAzigadhi
chiuru chine mazana maviri namakumi maviri ane vaviri,
13kwouya vokwaAdhonikamu
vaiva mazana matanhatu ane makumi matanhatu navatanhatu,
14kwouyawo vokwaBhigivhai
vari zviuru zviviri zvina makumi mashanu navatanhatu,
15kwozoti vokwaAdhini
mazana mana namakumi mashanu navana,
16kwozotiwo vokwaAtero
vari vokwaHezekiya makumi mapfumbamwe ana vasere,
17kwouya vokwaBhezai
mazana matatu nemakumi maviri ana vatatu,
18kwouyawo vokwaJora
vaiva zana negumi navaviri,
19kwoti vokwoHashumu
vari mazana maviri ana makumi maviri navatatu,
20kwotiwo vokwaGibhari
mazana mapfumbamwe ana vashanu.
21Vanakomana vokwaBheterehemu
vaiva zana namakumi maviri ana vatatu,
22kwouya vokwaNetofa
vari makumi mashanu ana vatanhatu,
23navarume vokwaAnatoti
zana namakumi maviri navasere,
24vanakomana vokwaAzimavheti
makumi mana navaviri,
25kwouya nevokuKiriyatijearimu,
Kefira naBheeroti mazana manomwe ana makumi mana navatatu,
26kwouyawo vokuRama nokuGebha
vaiva mazana matanhatu ana makumi maviri nomumwechete,
27uye vokwaMikimashi
vari zana namakumi maviri navaviri,
28uyewo varume vokuBhetieri
nokuAi mazana maviri ana makumi maviri navatatu
29uyezve varume vokwaNebho
makumi mashanu navaviri,
30uye varume vokwaMagibhishi
zana namakumi mashanu ane vatanhatu,
31uyewo vanakomana vokune imwe Eramu
vaiva chiuru namazana maviri
namakumi mashanu ana vana,
32kwouya vokwaHarimu
vari mazana matatu namakumi maviri,
33kwouyawo vokwaRodhi nokwaHadhidhi okwaOno
mazana manomwe ana makumi maviri nevashanu,
34kwoti vokuJeriko
mazana matatu ana makumi mana navashanu,
35kwotiwo vokwaSenaa
zviuru zvitatu zvine mazana matanhatu namakumi matatu.
36Vapristi:
vanakomana vokwaJedhaya
vari vemba yokwaJeshua vaiva mazana mapfumbambwe
ana makumi manomwe nevatatu,
37kwouya vokwaImero
vari chiuru chine makumi mashanu ane vaviri,
38kwouyawo vokwaPashihuru
chiuru china mazana maviri ana makumi mana navanomwe
39kwozouya vokwaHarimu
chiuru chine gumi navanomwe.
40VaRevhi,
vanakomana vokwaJeshua nevokwaKadhimieri
vechizvarwa chokwaHodhavhiya
vaiva makumi manomwe ane vana.
41Vaimbi vana vokwaAsafu
vaivawo zana namakumi maviri navasere.
42Vachengetedzi vepamisuo mikuru
vaiva vanakomana vevava vanoti:
Sharumu naAtero naTarimoni
naAkubhu naHatita naShobhari.
Pamwechete vaiva zana namakumi matatu navapfumbamwe.
43Vashandi vomuTemberi:
vaiva vanakomana vavavawo vanoti:
Ziha naHashupa naTabhahodhi
44naSairosi naSiaha naPadhoni
45naRebhana naHagabha naAkubhu
46naHagabhu naSharimai#2:46 Sharimai MuchiHebheru muna Shamurai. naHanani
47naGidhero naGahari naReaya
48naRezini naNekodha naGazamu
49naUza naPaseya naBhesai
50naAsina naMeunimu naNefisimu
51naBhakibhu naHakufa naHarihuru
52naBhazirati naMehidha naHarisha
53naBharikosi naSisera naTema
54naNezia naHatifa.
55Vanakomana vavaranda vaSoromoni:
vakanga vakamira vakadai,
paiti: vanakomana
vokwaSotai naHasofereti naPerudha
56naJaara naDharikoni naGidhero
57naShefatiya naHitiri
naPokeretihazibhaimu naAmi.
58Ivava vepaTemberi pamwechete navaranda vaSoromoni vose vaiva mazana matatu ana makumi mapfumbamwe navaviri.
59Kune vamwe vaibva kuTerimera nokuTeriharisha nokuKerubhu nokuAdhani nokuImero, asi havana kukwanisa kurondedzera dzimba dzamadzibaba avo kuti ivo pachavo ndevechiIsiraeri here kana kuti kwete.
60Vakanga vari vanakomana vaava vanoti:
Dheraya naTobhiya naNekodha.
Ivava ava vaiva vari mazana matanhatu ane makumi mashanu navaviri.
61Pakati pavapristiwo:
paivawo navanakomana veava vanoti:
Habhaya naHakozi naBhazirai
(Bhazirai uya wokuroora
mwana waBhazirai
wokuGireadhi akazenge ava
kudaidzwa nezita ravo)
62Ivava ava vakatsvaka
mazita avo pamazita akanga
akanyorwa chizvarwa
nechizvarwa asi haana kuwanikwapo.
Ipapo paupristi vakanzi vakan'ora.
63Sadunhu akavati varege kudya zvokudya
zvinoeresesa kusvikira
patova nomupristi wokunzwa
Mwari kuti anoti kudii achishandisa
Urimu neTumimu.#2:63 Urimu neTumimu zvinhu zvaishandiswa nomupristi mukuru kunzwa kuti Mwari anoti kudii nezvinenge zvavepo.
64Gungano racho rose pamwechete rakanga riina vanhu zviuru makumi mana ane zviviri namazana matatu ane makumi matanhatu avanhu 65tisingaverengere varanda vavo vechirume nevechikadzi vakangawo vari zviuru zvinomwe zvavanhu zvina vanhu mazana matatu ana makumi matatu navanomwe. Vakangawo vaine vaimbi varume navakadzi vaiita mazana maviri. 66Vaive namabhiza mazana manomwe ane makumi matatu ana matanhatu nemanyurusi mazana maviri ana makumi mana namashanu, 67kwozouya ngamera mazana mana ana makumi matatu ane shanu namadhongi zviuru zvitanhatu zvine mazana manomwe namakumi maviri.
68Vamwe vatungamiriri vedzimhuri pavakasvika kumba yaTenzi yakanga iri kuJerusaremu vakabvisira imba yaMwari mipiro yokupa nechido yokuivakisa panzvimbo payo. 69Vakabvisa sokugonawo kwavo vachipa kune vokuchengeta maigara upfumi hwakanangana nebasa iroro ndarama yaiita mazana mashanu amakirogiramu nesirivha yainge yoda kuita matani maviri ana makirogiramu mazana masere nezana rehanzu dzavapristi.
70Vapristi navaRevhi navanhu vamwe navaimbi navachengetedzi vemisuo mikuru navashandi vepatemberi vakagara mumaguta ekwavo. VaIsiraeri vosewo vakagara mumaguta ekwavo.
Currently Selected:
Ezira 2: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.