Ezekieri 30
30
Tenzi acharanga Ijipiti
1Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, 2“Mwanakomana womunhu porofita uti zvanzi naTenzi Mwari:
“Daidzira uchiti,
‘Hero zuva riya
3nokuti zuva racho rava kusvika.
Zuva raTenzi rave pedyo,
richange riri zuva rakati gude gude namakuti,
nguva yokuparara kwamarudzi avanhu.
4Bakatwa richaparadza Ijipiti,
Itiopia ichawirwa nenhamo,
vanenge vaurayiwa
muIjipiti vachiti rakata;
upfumi hwayo huchaendwa nahwo,
ugaro hwayo huchiputswa.’
5“Itiopia nePuti neRudhi neArabhia yose neRibhia #30:5 Ribhia: Vamwe vanoti neKubhu. navanhu venyika dzine chirangano chokubatana vachanziwo nebakatwa pamwechete navo kata kata.”
6Zvanzi naTenzi Mwari,
“Vanotsigira Ijipiti vachaputsika
kuzvikudza kwayo nesimba kuchaderera
kubvira kuMigidhori kusvikira kuAswani #30:6 Aswani: Vamwe vanoti kuShini.
vachati nebakatwa rakata mukati mayo.
Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
7“Vachasara vava renje rokupedzesera
mukati medzimwe nyika dzakava renje
uye maguta avo achiva
maguta zvawo okupedzesera pakati pamamwe akaparadzwa
8ndipo pamuchazoziva kuti ndini Tenzi
kana ndapisa Ijipiti nomoto
vatsigiri vayo vose vakaparadzwa.
9“Pazuva iroro nhumwa dzichabva kwandiri nengarava dzichindotyisidzira vanhu veItiopia vakavarairwa zvavo. Nhamo ichavawira zuva iroro rokuparara kweIjipiti nokuti hero rouya.”
10Zvanzi naTenzi Mwari;
“Ndichaita kuti mhomho#30:10 Mhomho: Kana kuti upfumi hweIjipiti. dzeIjipiti
padzo padziperere mumaoko maNebhukadhireza
mambo weBhabhironi.
11Iye pamwechete navarwi vake
vanachazezesa vacho kumarudzi avanhu
vachaunzwamo kuzoparadza nyika iyoyo.
Vachaburitsira Ijipiti mapakatwa avo
vagozadza nyika yacho
navanhu vanenge vaurayiwa.
12Ipapo ndichaomesa rwizi rweNairi,
nyika yacho ndoitengesa
mumaoko avanhu vakaipa.
Ndichaita kuti nyika iyoyo iparadzwe
navatorwa pamwechete nezvinhu zvose zvirimo
ini Tenzi ndini ndataura.”
13Zvanzi naTenzi Mwari,
“Ndichaparadza zvifananidzo zvokunamata
ndichigumisa zvifananidzo zvokunamata
zviri muguta reMemufisi.
Munyika yeIjipiti
hamuchafa makaita jinda remo
nezvo ndichaisa kutya munyika yeIjipiti.
14Dunhu rePatirosi
ndichariita renje zvaro
ndichibva ndabatidza moto kuZoani
uye ndichagadza dare guta reTebhesi
ndichiranga guta iroro.
15Ndichavirukira guta rePerusiumu nehasha
nhare yeIjipiti
ndichirakatisa kuuraya gurusvusvu racho reTebhesi.
16Ijipiti ndichaitungidza nomoto
Perusiumu icharwadziwa zvikuru.
Tebhesi ichakoromorwa
rusvingo rwayo rugopazwa.#30:16 Rugopazwa: ChiHebheru chacho hachibude pachena.
17Majaya okuOni nokuPibheseti
vacharakatiswa nebakatwa
vanhukadzi vachaenda kuutapwa.
18KuTehafunehesi kuchasviba masikati machena
pandichaparadzako umambo hweIjipiti
uye kuzvitutumadza kwaro nesimba
kuchapera rigonzi kwidiba negore.
Vanasikana varo vachaenda kuutapwa.
19Ndizvo zvandichaita kuIjipiti
pandichaigadza dare.
Ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi.”
Kushaiswa simba kuchaitwa Ijipiti
20Mugore regumi nechiposhi, mumwedzi wokutanga pazuva rechinomwe remwedzi iwoyo, izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, 21“Iwe mwanakomana womunhu ndaparadza simba roruoko rweIjipiti. Asi tarisa uone hakuna arisunga kuti ripore nokurisunga nebhandeji kuitira kuti risimbe zvokugona kuvheesa bakatwa. 22Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari chiona ndanangana naFarao mambo weIjipiti. Ndichatyora maoko ake ose ari maviri, rwakasimba nerwakambotyoka rwuya. Uye ndichamukandisa pasi bakatwa riri muruoko rwake. 23Ndichaita kuti vaIjipiti vapararire nomumarudzi avanhu ndichivati mwarara nedzinyika. 24Ndichasimbaradza maoko amambo weBhabhironi ndiise bakatwa rangu mumaoko make. Asi ndichatyora maoko aFarao, agombe ari mberi kwake somunhu akuvara zvokufa chaizvo. 25Ndichasimbaradza maoko amambo weBhabhironi asi Farao achati maoko regwede. Ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi. Pandinenge ndaisa bakatwa rangu mumaoko amambo weBhabhironi, acharisimudzira nyika yeIjipiti. 26Ndichaparadza vaIjipiti mukati memarudzi ndichivamwararisa nomudzinyika. Ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi.”
Currently Selected:
Ezekieri 30: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.