YouVersion Logo
Search Icon

Muparidzi 7

7
NDIMA YECHIPIRI
Pfungwa pamusoro poupenyu
1Zita rakanaka riri nani
pano mafuta anokosha
uye zuva rokufa riri nani
pane zuva rokuberekwa.
2Zviri nani kuenda kuimba iri kuchemwa rufu
pano kuenda kuimba yemafaro.
Nokuti rufu ndiwo maperero omunhu wose.
Vapenyu vanofanira kuzvichengeta mumwoyo izvozvo.
3Kusuruvara kuri nani pano kuseka
mwoyo unofara unogona kuvanzwa
muuso hwakasuwa.
4Mwoyo yavangwaru iri muimba inochemwa rufu
asi mwoyo yamapenzi iri muimba yemafaro.
5Zviri nani kuteerera kutsiura kwomungwaru
pano kuteerera rwiyo rwamapenzi.
6Kubwabwatika kunoita minzwa pasi pebhodho,
ndozvakangoitawo kuseka kwamapenzi
izvozvowo hazvinzwisisiki.
7Kudzvanyirira mumwe zvakaipa kunoita kuti
mungwaru ave benzi.
Pfumbamuromo inokanganisa pfungwa dzomunhu.
8Kupera kwechinhu kuri nani
pane kutanga kwacho.
Munhu ano mwoyo murefu
ari nani pane ane mweya wokuzvikudza.
9Usakurumidze kushatirwa
nokuti mumwoyo yamapenzi
ndimo mumusha madzo hasha.
10Usabvunze kuti,
“Ko seiko mazuva akare
akanga akanaka kupfuura anhasi uno?
Mubvunzo wako haubvi muungwaru.”
11Sezvakangoita nhaka,
ungwaru chinhu chakanaka
chinobatsira vachiri kuona zuva.
12Sokuchengetedza munhu kunoita mari
ndizvozvowo zvinoita ungwaru kuchengetedza munhu
uye chakanakira ruzivo ndechichi chokuti
ungwaru hunochengetedza upenyu
hwomunhu anahwo.
13Rangarira zvakaitwa naMwari.
Ndiani angatwasanudze chaanenge akombamisa?
14Pamazuva okubudirira, fara,
kana zvinhu zvaipa mazuvayo,
rangarira kuti Mwari ndiye akaita
mazuva okutanga aya namazuva echipiri aya
kuitira kuti munhu arege kuziva
zvichazoitika.
15Paupenyu hwangu husina zvahwo maturo
ndakaona zvose izvi zvokuti.
Munhu wakarurama anofa nyangwe akarurama zvake anofa.
Kwouyawo munhu akaipa kunyange akaipa anogara
upenyu hurefu muzviito zvake zvakaipa.
16Usapfurikidze pakururama kwako
uye rega kupfurikidza pakungwara
unodirei kuzviparadza.
17Rega kupfurikidza pauipi hwako
kana kuva benzi
chaunofira nguva yako isati yasvika chii?
18Rega kubva wati nechimwechete tetere
uchikanganwa chimwe chiya
nokuti munhu anotya Mwari anobudirira
mune zvose zviri zviviri.
19Ungwaru hunosimbisa mungwaru kupinda gumi ravatongi vari muguta. 20Hakuna mururami panyika anoita zvakanaka asingatadzire Mwari. 21Usangoteerera zvose zvose zvinotaurwa navanhu ungadaro ukatonzwa musevenzi wako achikureva. 22Iwe unoziva mumwoyo mako kuti wakamboreva vamwe kazhinji. 23Zvose izvi ndakazviedza neungwaru ndakati regai ndingware asi ungwaru hwaiva kure neni.
24Zvakaitika kare zviri kure uye zvakadzama, zvakadzamisisa. Ndianiwo zvake angazviwane? 25Ndakazosvika pakuzvibvunzurudza mumwoyo ndikazviedza, ndikatsvagisisa ndichivhima ungwaru neuwandu hwezvinhu uye kuti ndizive kuipa kwoupenzi uyezve kuti upenzi urema chaiho. 26Ndakaona kuti munhukadzi anorwadza kupinda rufu anongova misungo yoga yoga, mumwoyo wake mimbure chaiyo maoko ake zvikachikiro chaizvo. Munhu akarurama pana Mwari anomupunyuka asi mutadzi anokachikirwa naye. 27Muparidzi anoti izvi ndizvo zvandawana ndichinyatsofungisisa chinhu chimwe nechimwe kuti ndiwane kuwanda kwazvo. 28Ndakatsvaka kwenguva ndefu pasina chandakawana. Ndakawana murume mumwechetechete akarurama mukati mechiuru asi pakati pavakadzi vose zvavo hapana wandakawana. 29Chandakaona chete ndechichi chokuti Mwari akasika munhu akarurama asi vanhu ndivo vakazozvitsvakirawo zvavo twakawanda.

Currently Selected:

Muparidzi 7: SCLBD

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in