Dhanieri 7
7
ZVIRATIDZO ZVAKAONESWA DHANIERI KUHOPE
Chiratidzo chaDhanieri chezvikara zvina
(7:1—12:13)
1Mugore rechiposhi rokutonga kwaBherishaza, mambo weBhabhironi, Dhanieri akarota hope. Akaona zviratidzo mumusoro make arere pamubhedha wake. Akanyora chiroto ichocho akarondedzera muchidimu zvaakarota.
2Dhanieri akati, “Zvandakaona muchiratidzo usiku ndezvizvi. Ndakaona mhepo dzokumativi mana edenga dzichisimudza zigungwa guru. 3Ndokubva mugungwa imomo madzumbunuka zvikara zvina zvakakura chaizvo zvakasiyana. 4Chokutanga chakanga chakaita seshumba uye chiina mapapiro egondo. Ndakati ndakatarisa kudaro, mapapiro acho akadzurwa ndokubva chasumudzwa kubva pasi chikaitwa kuti chimire namakumbo maviri somunhu chikapiwa pfungwa dzinenge dzomunhu.
5“Onei hecho chimwe chikara chechipiri zvino, chakafanana nebere chakati kwirirei kumwe uku chakaruma namazino pamuromo mbabvu nhatu. Zvino ichi chakanzi, ‘Sumuka udye nyama yakawanda!’
6“Pedzepo ndakaona hecho chimwewo chinenge mbada chiina mapapiro mana eshiri pamusana pacho. Chikara ichi chakanga chiine misoro mina chikabvawo chapiwa simba rokutonga.
7“Tevere, ndakaona zviratidzo usiku, ndakaona chimwezve chikara chechina chakashata chinotyisa kwazvo chiine simba guru kwazvo. Chaiva namazino makuru esimbi chaizhanya chichibvambura-bvambura chichitsokodzera netsoka zvainge zvasara. Chakanga chakasiyana nezvimwe zvikara zvose zvakachitangira. Chakanga chiine nyanga gumi. 8Ndichicherechedza kudaro panyanga idzodzo pakatukudza imwe nyanga duku ikatipura nemidzi dzimwe nyanga nhatu panyanga dzokutanga dziya. Nyanga iyoyo yaiva namaziso anenge omunhu nomuromo waitaura mazwi asingatauriki.
Chidzachapo nomwanakomana womunhu
9“Ndakachitarisa kudaro,
pakagadzikirwa zvigaro zvoumambo,
mumwe, iye Chidzachapo
ndokubva agara pachigaro chake.
Hanzu dzake dzakanga dzakati ngwe-e kuchena sechando
iro vhudzi iri mumusoro make,
rakachena kuti mbu-u sewuru yakanakisisa.
Chigaro chake choumambo
chakanga chiri marimi omoto anovavaya,
mavhiri acho ari moto chaiwo.
10Kakova chaiko kemoto kaiyerera
kachitangira mberi kwake.
Zviuru nezviuru zvaimushandira,
gumi rezviuru rakapetwa kagumi
rakanga rimire paari
pakagarwa dare rokutonga,
mabhuku akazarurwa.
11“Ini ndakatarisa pamusana pemheremhere yamazwi asingatauriki aitaurwa nenyanga iyoyo. Ndakatarisa kudaro, chikara ichocho chakaurayiwa mutumbi wacho ukaparadzwa chikabva chapiswa nomoto. 12Zvimwe zvikara zvose zviya zvakatorerwa simba razvo rokutonga asi zvakambosiyiwa zviri zvipenyu kwemwaka nekachinguva.
13“Muzviratidzo izvozvo usiku, ndakaona,
hezvo nomumakore mudenga
kuchiuya mumwe anenge mwanakomana womunhu.
Akasvika kuna Chidzachapo
akabva asumwa kwaari.”
14Iye ndokupiwa utongi
nembiri noumambo kuitira kuti
vanhu vamarudzi ose zvawo
ndudzi nendudzi, ndimi nendimi
vave vokumushandira, hutongi hwake,
huri hutongi hwokugara nokugara
husingazombofa hwakapera,
umambowo hwake
umambo husingafi hwakaparadzwa.
Kutsanangurwa kwezviratidzo zvaDhanieri
15“Ini Dhanieri ndakashushikana mwoyo ndikadumbirwa kwazvo nezviratidzo zvakauya mumusoro mangu. 16Ndakaenda pane mumwe akanga amirepo ndikamubvunza chokwadi chezvinhu izvozvi. Nokudaro akanditaurira zvazvaireva achiti, 17‘Zvikara zvina zvikuru izvozvi, madzimambo mana achamuka panyika. 18Asi vatsvene vaiye Wokumusorosoro vachapiwa umambo vachabata umambo ihwohwo nokusingaperi narini narini wose.’
19“Ini ndipo pandakada kuziva chaizvoizvo zvaireva chikara chechina chiya chakanga chakasiyana nezvimwe zvose chaityisa kwazvo, chaiva namazino esimbi nenzara dzendarira, chaibvambura chichityoranisa chichitsokodzera netsoka dzacho zvainge zvasara 20uye ndakada kuziva nezvaireva gumi renyanga dzaiva pamusoro wacho uyewo neimwe nyanga iya yakatukudza ikawisira pasi dzimwe nhatu, nyanga iya yaiva namaziso nomuromo waitaura zvisingatauriki uye yakanga ichiita sehuru kupinda dzimwe dzayo. 21Pandainge ndakatarisa, nyanga iyoyo yakaita hondo navatsvene ikavakurira 22kusvikira Chidzachapo auya ndokuitwa dare rokupipirira vatsvene vaWokumusorosoro, nguva ikazosvika yakapiwa vatsvene umambo.”
23Iye akati,
“Zvinoreva chikara
chechina ndezvokuti,
kuchauya umambo hwechina panyika
huchange hwakasiyana nohumwe humambo hwose.
Huchazhanya pasi pose zvapo huchipatsokodzera
nokuhupwanya-pwanya.
24Zvegumi renyanga dziya
zvinoreva kuti muumambo ihwohu
muchamuka madzimambo gumi
kwozomukawo mumwezve mushure mahwo.
Iyeyu uyu achange akasiyana
navamwe vaya vokutanga,
achakurira madzimambo matatu.
25Achataura mazwi okushonha Wokumusorosoro;
achaonesa nhamo vatsvene
vaiye Wokumusorosoro.
Achafunga zvokusandura nguva nemitemo
vachaiswa mumaoko make
vasaruke vakadaro vagosarukazve kaviri vagosvikazve
pachikamu chepakati napakati
chamakei iwayo.
26Asi kuchagarwa dare
simba rake rokutonga acharitorerwa
rigororomeswa richiparadzwa zvachose.
27Ipapo umambo nohutongi
noukuru hwoumambo hwose
pasi pedenga pose zvapo
huchapiwa kurudzi rwavatsvene
vaiye Wokumusorosoro:
umambo hwavo huchava
umambo hwokugara nokusingaperi.
Vose vane simba rokutonga
vachavashandira vachivateerera.”
28“Pano ndipo pakaperera nyaya iyoyi. Asi ini Dhanieri ndakadumbirwa kwazvo nendangariro dzangu ndikasanduka ruvara, asi ndakangozvichengeta mumwoyo mangu.”
Currently Selected:
Dhanieri 7: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.