Dhanieri 5
5
Mabiko akaitwa namambo Bherishaza
1Mambo Bherishaza akaitira chiuru chamadzimambo ake mabiko makuru kwazvo akanwa waini pamberi pechuru ichocho. 2Bherishaza paakaravira waini, akatuma vanhu kuti vaunze midziyo yendarama neyesirivha iya yakanga yapambwa naNebhukadhineza baba wake muTemberi kuJerusaremu kuitira kuti iye mambo namadzishe ake nevakadzi vake navarongo vake vanwire mumidziyo iyoyo. 3Saizvozvo vakaunza midziyo yendarama neyesirivha yakanga yapambwa yacho muTemberi, mumba yaMwari kuJerusaremu. Mambo namadzishe ake navakadzi vake navarongo vake, vakanwira zvavo mairi. 4Vakanwa waini vachirumbidza vamwari vendarama nevesirivha nevendarira navamwari vesimbi nevezvimiti navamabwe.
5Pakarepo pakaonekwa minwe yechanza chomunhu chikanyora pakadzururwa pamadziro omuzinda wamambo pakatarisana nechigadzikiro chomwenje. Chanza ichocho pachainyora kudaro mambo aizviona. 6Mambo akasanduka uso, pfungwa dzikamunetsa mumwoyo, makumbo akarukutika, mabvi ake akarovana nokugwagwadza. 7Mambo akadaidzira kuti paunzwe vanhu vamapipi navaKaridhea nenyanzvi dzinofembera nenyenyedzi. Mambo ndokuti kuvangwaru veBhabhironi, “Ani naani zvake anenge agona kuverenga zvakanyorwa apa izvi akandiudzawo dudziro yacho, anofanira kuti apfekedzwe hanzu dzoruvara rwehute ashongedzwe muhuro cheni yendarama, anozova mutongi wechitatu muumambo huno.”
8Vangwaru vose zvavo vokwamambo vakapindamo asi havana kukwanisa kuverenga zvakanga zvakanyorwa zvacho kana kuzivisa mambo zvazvaireva. 9Ipapo mambo Bherishaza akashushikana chaizvo mumwoyo akasanduka uso madzishewo ake zvakavaputsa musoro. 10Mambokadzi,#5:10 Mambokadzi: ava vaiva amai vamambo kwete mudzimai wake. pamusana pezvakataurwa namambo namadzishe ake, vakapindawo muzimba maipembererwa mabiko iwayo. Mambokadzi, vakapira shoko vachiti, “Mambo! Garirai kure nomoto! Regai zvenyu kunetseka mwoyo nendangariro kana kusanduka uso. 11Munyika youmambo hwenyu, muno mumwe murume ano Mweya waMwari Anoera#5:11 Mweya waMwari Anoera: ChiAramaiki munoti “vamwari” maari. Mumazuva aitonga baba venyu, chiedza nokunzwisisa noungwaru, ugwaru hunenge hwaMwari chaihwo zvaiwanikwa maari. Ipapo mambo Nebhukadhineza, baba venyu vakamuita kuti ave ndiye mukuru mukuru wavanhu vamaminimini navamapipi navaKaridhea nenyanzvi dzokufembera nenyenyedzi.#5:11 Nenyenyedzi: MuchiAramaiki panoiswa mamwe mazwi okuti, “Ivo mambo baba venyu.” 12Chakadariso ndechichi chokuti mweya wakanaka kwazvo noruzivo, nokunzwisisa zvokududzira hope izvi, nokurapanura zvirahwe, nokunyatsogadzirisa zvinenge zvanetsa, zvaiva muna Dhanieri iyeyo akazenge apiwa namambo zita rokuti Bheritishaza. Zvino Dhanieri ngaadaidzwe agokuratidzai dudziro yazvo.”
Kududzira kwaDhanieri zvakanyorwa kumadziro
13Dhanieri akaunzwamo pana mambo, Mambo akati kuna Dhanieri, “Handiti iwe ndiwe Dhanieri, mumwe wenhapwa dzokwaJudha vaya vakaunzwa kuno nababa wangu kubva kwaJudha? 14Ndakanzwa nezvako iwe zvichinzi Mweya waMwari Anoera uri mauri uye kuti chiedza nokunzwisisa noungwaru hwakanakisisa chaizvo zvinowanikwa mauri. 15Zvino vangwaru navanhu vamapipi vakambounzwa muno kwandiri kuzoverenga zvakanyorwa izvi nokundizivisa zvazvinoreva. Asi vakatadza kunditsanangurira zvinhu zvazvinoreva. 16Asi ndakanzwa kuti iwe unokwanisa kududzira zvinhu nokupedza nhamo. Zvino, kana ukagona kuverenga zvakanyorwa izvi ukanditsanangurira zvazvinoreva, uchapfekedzwa hanzu yoruvara rwohute ugoshongedzwa muhuro necheni yendarama uyezve unozova mutongi wechitatu muumambo huno.”
17Dhanieri akapindura kuna mambo achiti, “Zvipo zvenyu ngazvive zvenyu imi; mibayiro yenyu muipe zvenyu kuno mumwe. Asi kukuverengerai, mambo ndichakuverengerai zvakanyorwa izvozvi ndigodudzira zvazvinoreva. 18Mambo Mwari wokumusorosoro akapa Nebhukadhineza baba venyu imi, umambo noukuruukuru nembiri nechiremera. 19Pamusana poukuruukuru hwaakavapa, marudzi ose zvawo nendudzi dzavanhu, ndimi nendimi vaidedera kuvatya. Vaiti wavada kuuraya vouraya, wavainge vada kurega ari mupenyu vorega zvavo. Wavainge vadawo kusumudzira vaimusumudzira pamusoro. Wavaingewo vada zvavo kudzikisira pasi vaidzikisa. 20Asi pavakazongozvitutumadza vakaomesa mwoyo kuita kwavo kukabva kwava kwokuzvikudza, vakabviswa pachigaro chavo choumambo vakatorerwa mbiri yavo. 21Vakabviswa mukati mavanhu vakapiwa mwoyo womhuka. Vakandogara pamwechete namadhongi esango vofura sora semombe vachinyorova muviri nedova redenga kudzamara pavakazoziva kuti iye Mwari Wokumusororo ndiye anotonga humambo hwavanhu achihupa kuna ani naani waanenge ada zvake. 22Zvino iwe mwanakomana wake, iwe Bherishaza hauna kuzvidukupisa kunyangwe, zvose izvozvi waizviziva hako. 23Asi iwe wakatozvitutumadza zvako uchikanganisira Tenzi Wedenga. Ukatoraka iwe midziyo yomumba make ikaunzwa pauri, iwewe namadzishe ako navakadzi vako navarongo vako ukanwira mairi uchitorumbidza hako vamwari vesirivha nevendarama nevendarira nevesimbi nevezvimiti navamabwe, vasina chavanoona kana kunzwa vasina nechavanoziva. Asi Mwari, iye akabata upenyu hwako mumaoko make, iye anoti kwaanenge ati unoenda ndiko kwaunoenda hauna kumuremekedza. 24Ndokusaka kwatumwa chanza chichibva kwaari chikabva chasvikonyora zvakanyorwa izvi.
25“Zvakanyorwa apa zvacho ndezvizvi izvi. MENE MENE TEKERI UYE PARISINI. 26Zvazvinoreva ndezvizvi: MENE,#5:26 MENE: Zvingarevewo kuti, “Kuverenga,” kana kuti, “Mari.” zvinoreva kuti; Mwari averenga mazuva oumambo hwenyu akahusvitsa kumagumo. 27TEKERI#5:27 TEKERI: Zvingarevewo kuti, “Kuerwa,” kana kuti, “Shekeri.” zvinoreva kuti imi pachenyu maerwa pachikero mukawanikwa musina kukwana, 28PERESI, zvichireva kuti umambo hwenyu hwakakamuraniswa hukapiwa kuvaMidhi nevaPezhia.”
29Bherishaza akatema zvaifanira kuti zviitwe, Dhanieri akabva ashongedzwa hanzu dzoruvara rwehute necheni yendarama ikaiswa muhuro make, vanhu ndokuziviswa nezvake zvokunzi ndiye akanga atova mutongi wechitatu muumambo hwenyika iyoyo. 30Usiku hwakarehwo Bherishaza, mambo wavaKaridhea akaurayiwa. 31Dhariusi muMidhi akagara paumambo aina makore aikaroita makumi matanhatu namaviri okuberekwa.
Currently Selected:
Dhanieri 5: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.