Mabasa 5
5
Ananiya naSafira
1Asi mumwe murume anonzi Ananiya aiva nomudzimai wake ainzi Safira, akatengesa chimwe chikamu chezvinhu zvake. 2Akachengeta chimwe chikamu chemari yacho mudzimai wake achizviziva. Akauya nechimwe chikamu chemari iya akaiisa mumaoko avapositori.
3Asi Pita akati, “Nhai Ananiya wapindwa sei naSatani kudai kuti ureve nhema kuna Mweya Mutsvene uchizvichengetera chimwe chikamu chomutengo womunda? 4Pawakanga usati watengeswa wakanga usiri wako here uye pawakanga watengeswa mari yacho yakanga isiri mumaoko ako here? Ko zvaita seiko kuti ufunge kuita izvi mumwoyo mako? Hauna kurevera munhu nhema asi Mwari.” 5Ananiya paakanzwa mazwi aya akawira pasi akabva afa. Vanhu vose vakazvinzwa vakatya zvikuru. 6Vechidiki vakasimuka vakamuputira vakamutakura vakandomuviga.
7Mushure memaawa matatu mudzimai wake akauyamo asingazivi zvakanga zvaitika. 8Pita akati kwaari, “Ndiudze kuti makatengesa munda uyu nemari iyi here?” Mudzimai akati, “Hongu nemari iyoyo.” 9Pita ndokuti kwaari, “Ko matenderana sei kuedza Mweya waMwari? Teerera unzwe tsoka dzavanhu vaviga murume wako dzava pamusuo. Vachakutakura vachikuburitsa kunze.” 10Pakarepo akabva ati gwadara kuwira pasi achibva afa. Vechiduku vaya pavakapinda vakamuwana atofa. Vakamutakura vachimuburitsa kunze vakandomuviga pedyo nomurume wake. 11Sangano rose rakawirwa nokutya kukuru uye vose vakanzwa zvinhu izvi.
Vapositori vanoita zvishamiso nezviratidzo
12Zviratidzo zvizhinji nezvishamiso zvakaitwa mukati mavanhu namaoko avapositori. Vaisanganira vose muBerere raSoromoni. 13Vamwe vanhu vose vaitya kubatana navo asi vanhu vaivaremekedza zvikuru. 14Asi vatendi vairamba vachingowedzerwa kuna Tenzi, varume navakadzi vazhinji 15zvokuti vamwe vaitotakura varwere vachivaisa mumigwagwa vachivaradzika pamibhedha napahukwe kuti Pita paainge opfuura nepo kana mumvuri wake chaiwo ungopfuura napana vamwe vavo. 16Vanhu vakaunganawo vachibva mumaguta akapoteredza Jerusaremu vachiuya navarwere vakanga vachitambudzwa nemweya yakaipa. Vose vakaporeswa.
Kusungwa nokununurwa kwavapositori mujeri
17Asi mupristi mukuru akamuka navose vechikwata chake vebato revaSadhusei. Pamusana pokuzara neshanje 18vakasunga vapositori vakavaisa muJeri ravanhu vose. 19Asi usiku mutumwa waMwari akazarura makonhi ejeri akavaburitsa ndokuvati, 20“Endai mundomira muTemberi mutaure kuvanhu mazwi ezveUpenyu uhwu.” 21Vakateerera zvavakataurirwa izvi vakandopinda muTemberi mangwanani vakadzidzisa.
Zvino mupristi mukuru akauya nevaaiva navo ndokuunganidza dare namakurukota ose avaIsiraeri. Vakatuma vanhu kuJeri kundovatora. 22Asi mapurisa pavakasvika, havana kuvawana muJeri. Vakadzokera vakavataurira vakati, 23“Tasvikowana Jeri rakanyatsokiiwa. Vachengeti vapaJeri vakamira pamisuo asi patarizarura hapana watawana mukati.” 24Zvino mukuru wapaTemberi navapristi vakuru pavakanzwa mashoko aya zvakavakangaidza vachishama kuti zvichaperera kupi. 25Mumwe munhu akauya akavataurira achiti, “Varume vamakaisa mujeri, vamire muTemberi vari kudzidzisa vanhu.” 26Ipapo mukuru wapaTemberi namapurisa vakaenda vakandovatora pasina muchokoto nokuti vaitya kutemwa namatombo navanhu.
27Pavakauya navo vakavamisa pamberi pedare, mupristi mukuru akavabvunza 28achiti, “Takanyatsokuyambirai kuti musadzidzise nezita iri asi imi matozadza Jerusaremu nechidzidziso chenyu uye munoda kuti ropa romunhu uyu ritipfukire.”
29Asi Pita navapositori vakapindura vachiti, “Tinofanira kuteerera Mwari panokuteerera vanhu. 30Mwari wamadzibaba edu akamutsa Jesu wamakauraya nokumurembedza pamuti. 31Mwari akamusimudzira kurudyi rwake somutungamiri nomununuri kuti Isiraeri ipinduke iregererwe zvitadzo. 32Isu tiri zvapupu zvezvinhu izvi uyewo Mweya Mutsvene akapiwa naMwari kuna vanomuteerera.”
Gamarieri
33Pavakanzwa izvi vakashatirwa zvikuru kwazvo vakafunga zvokuvauraya. 34Asi mumwe muFarisei, nhengo yedare ainzi Gamarieri, mudzidzisi womutemo airemekedzwa navanhu vose, akasimuka akati ngavamboburitswa panze. 35Ndopaakavati, “Vanhu veIsiraeri chenjerai nezvamunoita navanhu ava. 36Tisati tasvika pane zvanhasi izvi, kwakamuka Tudhasi achizviti ndini pano; chitsama chavarume vanosvika mazana mana chakamutevera asi akauraiwa. Vose vaimutevera vakabva vapararira zvikava chinhu pasina. 37Mushure make makamuka Judhasi wokuGarirea pamazuva okuverengwa kwavanhu. Akakokorodza vamwe vanhu vakamutevera. Naiyewo akaparara. Vose vaimutevera vakaita rumwe rumwe. 38Pane zvanhasi izvi, ndinoti kwamuri, siyanai navanhu ava, varegei. Kana urongwa uhu nezvavari kuita zviri zvavanhu zvichakundikana 39asi kana zviri zvaMwari hamumbokwanisa kuvaparadza. Pamwe mungatowanikwa mavakurwisana naMwari.”
40Nokudaro vakatevera zano rake. Pavakadaidza vapositori kuti vapinde, vakavarova vakavakomekedza kuti vasataure muzita raJesu ndokuvarega vachienda. 41Vakabva mudare vachifara kuti vakaonekwa vakakodzera kuzvidzirwa zita iroro. 42Zuva nezuva, muTemberi nomudzimba, havana kumira kudzidzisa nokuparidza kuti Jesu ndiye Mesia.
Currently Selected:
Mabasa 5: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.