YouVersion Logo
Search Icon

Mabasa 1

1
Mazwi okusuma
1Teofiro, mubhuku#1:1 Mubhuku: MuchiGiriki munonzi mune zvandakukunyorera pakutanga. rangu rokutanga, ndakanyora#1:1 Ndakanyora: MuBhaibhiri rechiGiriki munoti chamakanzwa. nezvose zvakatanga kuitwa nokudzidziswa naJesu 2kusvikira pazuva raakakwidzwa kudenga. Ipapo, maiva mushure mokunge ataurira, nokuna Mweya Mutsvene, vapositori vaakanga asarudza, zvinofanira kuitwa. 3Mushure mokutambudzika kwake akazviratidza kwavari kuti mupenyu nezvinhu zvakawanda zvinoita kuti munhu abvume kuti ichokwadi sezvizvi zvinoti: kuzviratidza kwavari kwamazuva makumi mana uye kutaura nezvoumambo hwaMwari. 4Paakanga achinavo, akavati vasabve muJerusaremu asi kuti vamirire chitsidzo chaBaba chiya chavakanzwa achiti, 5“Makandinzwa ndichiti, Johani akaombeka nemvura asi kusati kwapera mazuva mazhinji muchaombekwa naMweya Mutsvene.”
Kukwira kwaJesu kudenga
6Saizvozvo pavakanga vaungana vakamubvunza vachiti, “Tenzi, panguva ino ndipo here pamuchadzosera pakare umambo kuIsiraeri?” 7Iye akati, “Hazvisi zvenyu kuziva misi nenguva dzakatemwa naBaba nesimba ravo. 8Asi imi muchagamuchira simba kana Mweya Mutsvene auya pamuri uye muchava zvapupu zvangu muJerusaremu nomuJudhea yose nokuSamaria kusvika kwakaperera nyika?” 9Paakapedza kutaura izvi akasimudzwa vakatarisa kudaro, gore richimukwidza kudenga rikaita kuti asaonekwe kwavari. 10Vachiri kunan'anidza kudenga, paaienda; havo varume vaviri vakamira pavari vakapfeka magemenzi machena. 11Vakati, “Ko imi vanhu veGarirea makamirirei makatarira kudenga? Jesu iyeyu atorwa pamuri achienda kudenga achauya nenzira imwecheteyo sokumuona kwamaita achienda kudenga.”
I: SANGANO ROMUJERUSAREMU
Boka ravapositori
12Vakazodzokera kuJerusaremu vachibva kugomo rinonzi Orivheti riri pedyo neJerusaremu, chinhambwe cherwendo rwunobvumirwa pamusi weSabata.#1:12 Sabata: Rwendo rweSabata rwaiita kiromita imwechete. 13Pavakapinda vakaenda kuimba yapamusoro mavaigara. Paiti Pita naJohani kouya Jemusi naAndireya kwoti Firipi naTomasi kwozoti Bhatoromeo naMateu kwozotiwo Jemusi mwana waArifeosi uyewo Simoni Muziroti#1:13 Muziroti: Zvinoreva munhu ane shungu dzokurwira rusununguko rwenyika yake. naJudhasi mwana waJemusi. 14Vose ivava vakazvipira pakunamata pamwechete namadzimai naMaria amai vaJesu navakoma navanun'una vake.
Kusarudzwa kwaMatiasi achitsiva Judhasi
15Pamazuva iwayo Pita akasimuka pakati pevehama akataura. Gungano iroro raiva zana namakumi maviri avanhu. Akati, 16“Hama, Magwaro Matsvene aifanira kuzadziswa akafanotaurwa naMweya Mutsvene nomuromo waDhavhidhi nezvaJudhasi aiva mutungamiri waavo vakandosunga Jesu. 17Akanga ari mumwe wedu akapiwa mugove wake mubasa iri.” 18Zvino murume uyu akatenga munda nomubayiro wouipi hwake. Akaputsika akasvikorovera pasi nouso. #1:18 Akasvikorovera pasi nouso: Vamwe vanoti akazvimba. Vamwe vanoti akazvimba ndokubva aputika napakati ura hwose hukavhazhuka 19zvikazivikanwa navagari vose vomuJerusaremu. Munda iwoyo wakazodaidzwa kuti Hakeridhama mumutauro wavo zvichireva kuti munda weropa 20nokuti zvakanyorwa mubhuku reNziyo kuti,
“Musha wake ngauve dongo
usawane anogaramo.
Basa rake routariri ngaritorwe nomumwe.”
21Saizvozvo mumwe wavarume vaiva nesu nguva yose, Tenzi Jesu paakanga achiri nesu kutangira paruombeko rwaJohani kusvika pazuva raakatorwa akakwidzwa kudenga, 22mumwe wavarume ivava anofanira kuva chapupu chokumuka kwake.
23Naizvozvo vakaisapo vaviri vaiti Josefi anonzi Bhasabhasi ainziwo Jusitusi naMatiasi. 24Vakanamata vachiti, “Tenzi, muzivi wemwoyo yavanhu vose, tiratidzei pavaviri ava kuti ndiani wamunosarudza 25kuti atore nzvimbo yapabasa iri noupositori uhu hwakasiiwa naJudhasi achienda kunzvimbo yake.” 26Vakavaitira chin'ange,#1:26 Chin'ange: Kana kuti mujenya. chikabata pana Matiasi ndokubva ava mumwe wavapositori vaya gumi nomumwechete.

Currently Selected:

Mabasa 1: SCLBD

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in