2 Samueri 20
20
Kupanduka kwaShebha
1Zvakangoitikawo kuti paiva nomumwe matatapure womunhu ainzi Shebha mwanakomana waBhikiri wokwaBhenjamini. Akaridza hwamanda akati,
“Isu muna Dhavhidhi, mugove hatina.
Hatina nhaka mumwana waJese isu.
VokwaIsiraeri we-e,
munhu wese ngaazive nzira aende kwake.”
2Ipapo varume vose vokwaIsiraeri, zvokutevera Dhavhidhi vakabva vakanda pasi ndokubva votevera Shebha mwana waBhikiri. Asi varume vokwaJudha vakaramba vakati kwati kwati namambo wavo kubvira muna Jorodhani kusvikira kuJerusaremu.
3Dhavhidhi akasvika mumuzinda wake muJerusaremu. Mambo akatora varongo vaye gumi vaakanga asiyira kuchengeta musha. Akavaisa mune imwe imba mavaichengetedzwa achivariritira asi haana kumbozopinda mumba navo. Naizvozvo vakazogara vakapfigirwa upenyu hwavo hwose vachigara sechirikadzi.
4Mambo akazoti kuna Amasa, “Ndikokoredzere vanhu vokwaJudha vave pano mushure memazuva matatu iwe unge uri panowo.” 5Amasa akaenda kundokokorodza vokwaJudha. Asi akanonoka nguva yaakanga anzi auye. 6Dhavhidhi akati kuna Abhishai, “Zvino Shebha uyu mwana waBhikiri achatipinza nhamo kupfuura Abhusharomu. Chitora makurukota okwachangamire wako umuronde angadaro akapinda mumaguta etsvingo akazotinzvenga.” 7Varume vokwaJoabhu navaichengetedza mambo,#20:7 Navaichengetedza mambo: MuchiHebheru hamuna mazwi aya asi ndobasa chairo raiitwa namaKereti namaPereti. maKereti nemaPereti nemvumba dzose chaidzo dzokurwa hondo, vakaenda vakatungamirirwa naAbhishai. Vakabuda muJerusaremu vakandoronda Shebha mwanakomana waBhikiri. 8Pavakasvika kuzidombo guru rokuGibheoni, Amasa akasanganidzana navo. Izvozvo Joabhu akanga akapfeka hanzu dzake dzehondo, pamusoro padzo akasungira bhande muchiuno raiva nebakatwa muhara. Paakati achiti fambei bakatwa rakasvotokera pasi, 9Joabhu ndokuti kuna Amasa, “Ko, wakadiiko munun'una?” Joabhu akabva amuti ndebvu kweshu norudyi rwake kunge kuda kumutsvoda. 10Asi Amasa haana kucherechedza bakatwa raiva muroko rwaJoabhu. Joabhu akabva amuti naro dhuvhu mudumbu, ura hwake hukati pasi wodzvo asina kumubaya rwechipiri akabva afa.
Joabhu nomunun'una wake Abhishai vakabva voronda Shebha mwana waBhikiri. 11Mumwe murume wokwaJoabhu akamira pedyo nechitunha chaAmasa ndokusheedzera achiti, “Munhu wese anenge achida Joabhu neanenge ari wokwaDhavhidhi, ngaatevere Joabhu.” 12Izvozvo Amasa akanga achitoumburuka muropa pakati pomugwagwa mukuru. Ani naani aisvika nepo aiti akangomuona ombomira. Murume uya paakaona kuti munhu wese ari kumbomirapo akabvisa Amasa pamugwagwa apa akandomuisa musango akamufukidza neimwewo hanzu. 13Paakabvisa Amasa mumugwagwa vanhu vose vakanga vava kungopfuura vachienda naJoabhu kundoronda Shebha mwana waBhikiri.
14Shebha akafamba achidevanisa nemadzinza okwaIsiraeri ose kusvika kuAbheri nokuBhetimaaka nokuvaBheri vose vakaungana vakamutevera. 15Varwi vose vaiva naJoabhu vakauya vakamukomba muAbheri kuBhetimaaka. Vakaunganidza ivhu rikaita chinenge musana wenzou chakatsamirana norusvingo ndokubva vava kutigimura rusvingo kuti rukoromokere pasi. 16Mumwe mukadzi akanga akangwara akadaidzira ari mugutamo achiti, “Nditeerereiwo munzwe. Itii vaJoabhu vauye apo ndimbotaurawo navo.” 17Joabhu akaenda kwaari, iye ndokuti, “Ndimi vaJoabhu?”
Joabhu akati, “Ndini.”
Mukadzi akabva ati, “Chimbonzwai zvandavakutaura ini muranda wenyu.”
Akati “Ndipire ndizwe.”
18Iye ndokuti, “Makarekare vakuru vaiti, ukangobvunza zano kuAbheri, nyaya yaibva yapera. 19Ini ndiri mumwe wavanhu vanoda rugare uye vakatendeka muIsiraeri. Asi imi muri kuda kuparadza guta rakaita saamai muIsiraeri. Chamadira kumedza nhaka yaTenzi chii?”
20Joabhu akabva ati, “Handimbofa ndakaita zvakadaro. Zvokumedza izvo kana kuparadza kwandiri hazvimboitika izvo. 21Hazvisiri izvo. Chiripo chete ndechokuti kune mumwe murume anonzi Shebha mwana waBhikiri wokunyika yokwaEfuraimu yamakomo akapandukira mambo Dhavhidhi. Ingoturirai murume iyeyo mumaoko medu ndinobva ndatosiyana neguta rino.” Mukadzi uyu akati, “Chiregai zvenyu muone, muchakandirwa musoro wake napamusoro porusvingo.” 22Nouchenjeri hwake ihwohu mukadzi uyu akaenda kuvanhu vose, vakazodimura Shebha mwana waBhikiri musoro vakaukanda kuna Joabhu. Joabhu ndokubva aridza hwamanda, vanhu vake vakabva vakotonoka paguta iri munhu wese akadzokera kumusha kwake. Joabhu akabva adzokera kuJerusaremu kuna mambo.
Makurukota amambo Dhavhidhi
23Joabhu ndiye aiva ari mukuru mukuru wehondo yose zvayo yeIsiraeri. Bhenaya mwanakomana waVaJehoyadha akanga ariye mutungamiri wevaichengetedza mambo, maKereti nemaPereti. 24Adhoramu aiva mukuru mukuru wezvebasa rechibharo, Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi ariye samunyori mukuru mukuru. 25Shevha ndiye aiva munyori. Zadhoki naAbhiatari ndovaiva vapristi. 26Ira wokuJairi aivawo mupristi waDhavhidhi.
Currently Selected:
2 Samueri 20: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.