2 Pita 2
2
Vaporofita navadzidzisi venhema
1Vaporofita venhema vakamukawo pakati pavanhu. Saizvozvowo pakati penyu, pachamukawo vadzidzisi venhema vachaunza, muchivande zvidzidziso zvenhema zvinoparadza vachitoramba Tenzi wakavatenga vachizviunzira kuparadzwa kwechimbi–chimbi. 2Vazhinji vachatevera unzenza hwavo uye pamusana pavo nzira yechokwadi ichashorwa. 3Pamusana pokudisa kwavo upfumi vachakushandisai namazwi enhema kuti vazvipfumise. Kubvira kare kare mhosva yavo haiori; kuparadzwa kwavo kwakavarindira.
4Kana Mwari akaita izvi zvokuti haana kurega kuranga vatumwa pavakatadza asi kutoti akavakanda mugomba romoto achivaisa mumakomba apasi pasi ezarima mokumbovachengetera kusvikira pakutongwa. 5Kunyange asina kurega kuranga nyika iya yakare asi akachengetedza Nowa muparidzi oururami navamwe vanhu vanomwe, paakaunza mafashamo emvura panyika yavanhu vasinganamati Mwari, 6Mwari akasandura maguta eSodhomu neGomora kuaita dota achiatsakatisa achiaita muenzaniso wezvichaitika kuna vasinganamati Mwari. 7Akanunura Roti mururami akanga aodzwa mwoyo zvikuru nounzenza hwavakaipa, 8nokuti mururami uyu zvaakaona nezvaakanzwa paaigara mukati mavo akashungurudzwa zuva nezuva mumweya wake wakarurama pamusana pezviito zvavo zvisina murao. 9Nezvo, Tenzi anoziva kununura vanamati pazviedzo uye kuchengeta vasakarurama vari pachirango kusvikira pazuva rokutongwa 10zvikuru avo vanofarira havi dzinosvibisa uye vanoshora ukuru hwaMwari.#2:10 HwaMwari: Izwi iri muchiGiriki hamuna asi ndizvo zviri kurehwa. Vanoshora nechivindi vembiri vaya vachida vachiziva uye vasingatyi, 11asi vatumwa kunyange vaiva nesimba noukuru kupinda ivo havana kuvapa mhosva vachivashora pamberi paTenzi 12asi ivo, vachaparadzwa zvimwechetezvo navo sokunge mhuka dzisingafungi uye sezvisikwa zvisina pfungwa zvakazvarirwa kubatwa zvichiuraiwa. Vanoshora mune zvavasingazivi. 13Vachatambudzika nokuda kwezviito zvavo zvakaipa. Vanoona zvichivafadza kuita zvamafaro masikati machena. Ivo mavara etsvina nezvinokushoresai vachitamba kudaro zvisina tsarukano pavanenge vachidya nemi. 14Ziso ravo riri kunezvoupombwe, vane meso asingaguti kutadza. Vanofurira vanhu vasina kunyatsosimba. Vane mwoyo yakadzidziswa makaro. Vanhu vakarengererwa rushambwa. 15Vakasiya nzira kwayo vakatetereka votevera nzira yaBhiriamu mwana waBheori aida kuzvipfumisa nokuda zvakaipa. 16Asi akatsiurwa pakukanganisa kwake. Dhongi risingatauri rakataura nezwi romunhu rikadzora muporofita pakupenga kwake. 17Ava zvisipiti zvisina mvura nemhute inovhuvhutwa nedutu, chavo chavakachengeterwa izarima rapasi pasi. 18Nokuti vanotaura mazwi makuru oupenzi vachishandisa muviri wavo zvinonyadzisa zvoruchiva rwenyama kuti vateye vanhu vari kutotangisa kupunyuka vachibva muvanhu vakarasika. 19Vanovatsidzira rusununguko asi ivo vari varanda vokuora, nokuti munhu anokundwa nechinhu anova muranda wechinhu ichocho. 20Nokuti kana vapunyuka zvinosvibisa panyika pamusana pokuziva Tenzi wedu noMuponesi Jesu Kristu, vanobatwazve nazvo nokukurirwa nazvo. Magumo avo anoipa kupinda aya. 21Zvaitova nani kwavari dai vakanga vasina kumboziva zvavo nzira yoururami panze pokuiziva vozodzokera shure vachibva kumutemo unoera wavakapiwa. 22Zvinorehwa netsumo zvinenge zvava zvechokwadi zvinoti: “Imbwa inodya marutsi ayo. Uye Nguruve inenge yashambidzwa inoenda kundoumburuka mumatope.”
Currently Selected:
2 Pita 2: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.