2 Madzimambo 23
23
Kubvisa kwakaitwa munamatiro wakaipa naJosiya
(2 Nhor 34:3–7,29–33)
1Mambo akatuma shoko, vakuru vakuru vose vokwaJudha neveJerusaremu vakaungana kwaari. 2Mambo akakwira kumba yaTenzi navanhu vose vokwaJudha, navagari vose veJerusaremu navapristi navaporofita navanhu vose vaduku navakuru. Akavavengera vachinzwa mashoko aiva mubhuku rechitenderano rakanga rawanikwa mumba yaTenzi. 3Mambo akamira pedyo nomusimboti akapika mhiko pana Tenzi yokuti anozomutevera achichengeta mitemo yake, zvirevo zvake nemirao yake nemwoyo wake wose nemweya wake wose kuchengeta zvisungo zvechitenderano ichochi zvanga zvakanyorwa mubhuku irori. Vanhu vose vakatsinhira chitenderano chacho.
Kugadziridzwa kwezvokunamata munyika yokwaJudha
4Mambo akaudza mupristi mukuru Hirikiya navapristi vaimutevedzera paukuru navatariri vepamusuo kuti vabudise mumba yaTenzi midziyo yose yakanga yakagadzirirwa Bhaari nechimufananidzo chokunamata, chiAshera neinomirira gurusvusvu rezvinhu zvose zvomudenga, akazvipisira kunze kweJerusaremu muminda yokuKidhironi vakaenda namadota acho kuBhetieri. 5Akadzinga pabasa vapristi vainamata zvifananidzo, vakanga vagadzwa namadzimambo okwaJudha kuti vapisire rusenzi munzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira mumaguta okwaJudha nomunharaunda yeJerusaremu. Akadzingawo pabasa vaya vaipisira rusenzi kuna Bhaari nokuzuva nokune mwedzi nezvidzengerere zvenyenyedzi nokugurusvusvu rezvinhu zvose zviri mumatenga. 6Akaburitsa chifananidzo chokumiririra Ashera mumba yaTenzi akaenda nacho kunze kweJerusaremu kukakova keKidhironi akachipisira mukakova ikako keKidhironi. Akachikuya-kuya kuita dota akandomwaya dota racho pamakuva avanhuwo zvavo. 7Akapaza dzimba dzemhombwe dzaiitirwa basa roupombwe pakunamata kwavo mumba yaTenzi maigadzirirwa namadzimai chifananidzo chiAshera chifananidzo. 8Akaburitsa vapristi vacho vose kunze mumaguta okwaJudha. Akan'oresa nzvimbo dzacho dzakatunhumara dzokuteurira maimbopisirwa rusenzi navapristi kubvira kuGebha kusvikira kuBheerishebha. Akaparadzawo nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dzepamisuo mikuru dzaiva kwokupinda nako kusuo guru raJoshuwa mutongi weguta iroro dzakanga dziri kuruboshwe rwomunhu paanenge achipinda pasuo guru reguta iri. 9Zvakadaro zvazvo vapristi vepanzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira havana kukwira kuJerusaremu kuatari yaTenzi, asi vaitodya zvavo chingwa chisina mbiriso pachavo. 10Akan'oresa kwavari Tofeti nzvimbo iri mubani revanakomana vaHinomu kuitira kuti parege kuva nomunhu anozopira mwana wake mukomana kana musikana sechibayiro kuna Moreki. 11Akaparadza mabhiza akanga ateketererwa namadzimambo wokwaJudha kuzuva, kwokupinda nako mumba yaTenzi pedyo nemba yaNatanimereki mukuru mukuru wacho muberere,#23:11 Muberere: Pano pakanzi berere apa izwi rechiHebheru racho harinyatsonzwika. akapisa nomoto ngoro dzehondo dzezuva dzacho. 12Atari dzaiva padenga remba yaAhazi yapamusoro dzakanga dzagadzirwa namadzimambo okwaJudha neatari dzakanga dzakagadzirwa naManase muzvivanze zviviri zvemba yaTenzi, akadzikoromorera pasi akadzipwanya-pwanya akandokanda mavhu acho mukakova keKidhironi. 13Mambo akan'oresa kwavari nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dzaiva kumabvazuva kweJerusaremu kumaodzanyemba kwegomo roUipi dzakavakwa naSoromoni kuitira chimwe chinosemesa chainzi Ashitoreti, mwari wevaSidhoni nechimwe chinosemesa chainzi Kemoshi mwari wevaMoabhu uyewo chimwe chinosemesa chainzi Mirikomu mwari wevaAmoni. 14Akapwanya-pwanya zvifananidzo, zvacho zvokunamata akatemera pasi zvifananidzo zviAshera akazadza panzvimbo pazvo nemapfupa avanhu.
Zvokugadziridza kwezvokunamata zvinosvitswawo kwaIsiraeri
15Chimwe ndechokuti atari iya yokuBhetieri panzvimbo yakatunhumara yokuteurira yakavakwa naJerobhoamu mwanakomana waNebhati nyakupinza vokwaIsiraeri mukutadza uya, atari iyoyo nenzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira akazvikoromorera pasi akazvipwanya-pwanya kuita mavhu. Akapisawo chifananidzo chiAshera. 16Josiya akacheuka akaona makuva mugomo imomo, akatumira vanhu kundotora mapfupa mumakuva iwayo. Akaapisira paatari akain'oresa maererano neshoko raTenzi rakataurwa nomunhu waMwari uya akanga afanozvitaura izvozvi. 17Akazoti, “Ko icho chakavakwa apo chiiko icho?”
Varume vomuguta imomo vakamutaurira kuti, “Iguva romunhu waMwari akabva kwaJudha akafanozvitaura izvozvi zvamaita kuatari iyi yepaBhetieri pano.”
18Iye akati, “Regai akadaro. Hapana anofanira kubata-bata mapfupa ake.”
Saizvozvo mapfupa ake vakangoregawo akangodaro pamwechete namapfupa omuporofita aibva kuSamaria.
19Dzimbawo dziya dzose dzepanzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dzaiva mumaguta eSamaria dzakavakwa namadzimambo okwaIsiraeri vachivirutsa Tenzi nehasha, Josiya akadzibvisa. Akaita kwadziri zvaakanga aita zvose kuBhetieri. 20Akauraya vapristi vose vomunzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira vakanga vari ikoko paatari dzacho, akapisira mapfupa avanhu pamusoro padzo ndokubva adzokera kuJerusaremu.
Kuchengeta Pasika kwakaitwa naJosiya
(2 Nhor 35:1–19)
21Mambo akaudza vanhu vose zvavo kuti, “Chengetai Pasika yaTenzi Mwari wenyu sokunyorwa kwazvakaitwa muBhuku rino reChitenderano.” 22Zvaivapo ndezvokuti, kubvira pamazuva evatongi vakatonga Isiraeri kana pamazuva ose emadzimambo okwaIsiraeri kunyange emadzimambo okwaJudha, hakuna Pasika yakadai yakanga yaitwa. 23Asi mugore regumi nechisere rokutonga kwamambo Josiya, Pasika iyoyi yakaitirwa Tenzi muJerusaremu.
Zvemasvikiro nen'anga nezvimwe zvakaipa zvakagadziridzwa namambo Josiya
24Chimwezve ndechokuti Josiya akabvisa masvikiro nen'anga, nevamwari vanonzi materafimu, nezvifananidzo zvokunamata, nezvose zvakaipisisa kwazvo zvakaonekwa munyika yokwaJudha nomuJerusaremu achiitira kuti zviri mumutemo zvakanyorwa mubhuku rakawanikwa mumba yaTenzi nomupristi Hirikiya zviitwe. 25Hakuna kumbenge kwaita mambo akaita saiyeyu akapindukira kuna Tenzi nomwoyo wake wose nomweya wake wose nesimba rake rose, aitevedza zvose zvomutemo waMosesi kunyange kuzomuka mumwe akaita saiyeyu mushure make.
26Kunyange zvakadaro zvazvo, Tenzi haana kupora hasha dzake dzinotyisa dzaakanga aviruka nadzo, dzaakanga avirukira nadzo vokwaJudha pamusana pokushatiriswa kwose kwaakaitwa naManase. 27Tenzi akati, “Ndichabvisa vokwaJudhawo pameso pangu, sokubvisa kwandakaita vokwaIsiraeri, guta iri reJerusaremu randakambosarudza nemba yacho yandakanga ndati ndiise zita rangu ndairamba.”
Rufu rwaJosiya
(2 Nhor 35:20—36:1)
28Inga dzimwe nyaya dzezvaJosiya nezvose zvaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo okwaJudha. 29Mumazuva aFarao, Neko, mambo weIjipiti akakwira kuna mambo weAsiria kurwizi rweYufuratesi, Mambo Josiya akamuchingudzira. Farao Neko paakamuona akamuuraya kuMegidho. 30Makurukota ake akamutakura mungoro yehondo chava chitunha kuMegidho akauya naye kuJerusaremu akamuviga muguva rake. Vanhu venyika iyi vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosiya vakamuzodza vakamugadza umambo panzvimbo yababa vake.
D: KUPARADZWA KWEJERUSAREMU
Joahazi mambo wokwaJudha (609 K.A.A.)
(2 Nhor 36:2–4)
31Joahazi akanga ava namakore makumi maviri ana matatu paakatangisa kutonga. Akatonga kwemwedzi mitatu ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Hamutari mwanasikana waJeremiya wokuRibhuna. 32Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi achitevedzera zvose zvakaitwa namadzibaba ake. 33Farao Neko akamubata ari mambo kudaro muJerusaremu akandomuisa muubatwa kuRibhura kunyika yeHamati. Ndokubva ateresa nyika yacho mari yesirivha inorema zviuru zvitatu zvamakirogiramu zvina makirogiramu mazana mana nendarama yairema makirogiramu makumi matatu ane mana. 34Farao Neko akaita Eriyakimu mwanakomana wamambo Josiya mambo panzvimbo pababa wake akamusandura zita ndokumutumidza zita rokuti Jehoyakimu. Asi akatora Joahazi akaenda naye kuIjipiti, Joahazi akafira ikoko.
Jehoyakimu mambo wokwaJudha
(2 Nhor 36:5–8)
35Jehoyakimu akapa Farao sirivha nendarama. Asi akatenge ateresa nyika kuti awane mari yokutera sezvakanga zvanzi naFarao zviitwe. Aibvisisa vanhu venyika mutero wesirivha nendarama munhu wose achibvisiswa paainge atemerwa kuti ape kuna Farao Neko.
36Jehoyakimu akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakatangisa kutonga. Akatonga kwamakore gumi nerimwechete ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Zebhidha mwanasikana waBhedhaya wokuRuma. 37Iye akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi achitevedzera zvose zvakaitwa namadzibaba ake.
Currently Selected:
2 Madzimambo 23: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.