2 Madzimambo 19
19
Mambo Hezekiya anotsvaka zano kumuporofita Isaya
(Isa 37:1–7)
1Pazvakasvika munzeve dzamambo, Hezekiya akabvarura hanzu dzake akapfeka masaga akapinda mumba yaTenzi. 2Akabva atuma Eriakimu mukuru mukuru womumuzinda wake naShebhuna samunyori mukuru navakuru vakuru vavapristi kumuporofita Isaya mwanakomana waAmozi vakapfeka masaga. 3Vakandomuti, “Zvanzi naHezekiya, ‘Nhasi uno izuva rokusuruvara, zuva rokutsiurwa, zuva rokufumurwa, nokuti nguva yokuti vana vachiberekwa yasvika, asi simba rokuvasununguka hapasisina. 4Zvingangoitika kuti Tenzi, Mwari wenyu anzwa zvataurwa nomutariri mukuru wezvomumuzinda uya atumwa natenzi wake mambo weAsiria kuzonyomba Mwari mupenyu; iye Tenzi, Mwari wenyu angadaro akatsiudza zvaanzwa izvi. Naizvozvo dai mukanamatirawo chitsama chavanhu ichi chasara.’ ”
5Pakasvika makurukota amambo Hezekiya kuna Isaya, 6Isaya akavati, “Endai mundotaurira tenzi wenyu kuti, zvanzi naTenzi, ‘Usatye zvako pamusana pomuromo wataurwa namakurukota amambo weAsiria wokundinyomba. 7Chiripo ndechichi ichi, ndichapinza mweya maari wokuti achangonzwa runyerekupe rwamarehwarehwa agopishinuka kudzokera kunyika kwake kwandichandomupinza murufu rwokuurayiwa nebakatwa munyika make imomo.’ ”
VaAsiria vanotumira vanhu kundotyisidzira kechipiri
(Isa 37:8–20)
8Mutariri mukuru wezvomumuzinda uye akadzokera nokuti akanga anzwa kuti mambo weAsiria abva kuRakishi akatomuwana achirwisana neRibhuna. 9Mambo weAsiria paakanzwa nezvaTirihaka mambo weItiopia akanga ari munzira kuuya kuzomurwisa, akatumazve nhume kuna Hezekiya achiti:
Tsamba yaSenakeribhu kuna mambo Hezekiya
10“Endai mundoti kuna Hezekiya mambo wokwaJudha zvanzi, ‘Usanyengedzwe naMwari wako waunovimba naye achiti, Jerusaremu haichaiswa mumaoko amambo weAsiriya. 11Iwe wakangozvinzwirawo woga zvakaitwa namadzimambo eAsiria kunyika dzose zvokunyatsodziparadza chaizvo. Ko iwe ndopaunganunurwe nhai? 12Ko vedzimwe ndudzi dzakaparadzwa namadzibaba angu idzi dzinoti: dzokuGozani nokuHarani neRezevhu navanhu vokuEdheni vaiva kuTeresari, vamwari vadzo vakadzinunura here? 13Ko mambo weHamati aripi zvino? Ko mambo weAripadhi? Ko mambo weguta reSefarivhaimu? Ko mambo weHena namambo weIvha varipi?’ ”
14Hezekiya akagamuchira tsamba iya mumaoko enhumwa akaiverenga akaenda nayo kumba yaTenzi ndokundoti ware ware pana Tenzi. 15Hezekiya akanamata kuna Tenzi achiti,
“Tenzi, Mwari weIsiraeri, imi mugere
pamusoro pamakerubhu.
Imi moga ndimi Mwari wenyika dzose
dzapasi pano pose.
Ndimi makasika denga napasi.
16Rerekai nzeve yenyu Tenzi munzwe.
Zarurai meso enyu Tenzi muone, munzwe
mashoko aSenakeribhu aatumira
kuzonyomba nawo Mwari mupenyu.
17Ichokwadi Tenzi kuti madzimambo eAsiria
akaparadza marudzi nenyika dzawo.
18Akapisa vamwari vavo nomoto.
Akadaro hongu nokuti vakanga vasiri Mwari
asi kuti zvaingova zvinhu zvakagadzirwa
namaoko avanhu, miti zvayo namatombo.
Ndokusakaka akazviparadza.
19Zvino Tenzi,
Mwari wedu ndateterera tinunureiwo
mumaoko ake, nyika dzose dzepasi pano
dzizive kuti imi Tenzi ndimi moga Mwari.”
Isaya anozivisa Hezekiya kuti munamato wadavirwa naTenzi
20Isaya mwanakomana waAmozi akatuma shoko kuna Hezekiya rokuti, “Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ‘Munamato wako kwandiri nezvaSenakeribhu mambo weAsiria ndaunzwa.’ ” 21Zvataurwa naTenzi nezvake ndezvizvi:
Iri kukushora inokuzvidza
mhandara yeZioni.#19:21 Mhandara yeZioni: nomukunda weJerusaremu zvinoreva vanhu vomuJerusaremu.
Ari kutozunguza zvake musoro shure kwako
mukunda weJerusaremu.
22Wawanyomba ukatuka ipapa ndiani?
Wauri kuzhambira ipapa ndiani chaizvo?
Waunodzvondorera maziso
uchizvikudza kudaro ndiani?
Wauri kudaro ndiye Mutsvene weIsiraeri
23nenhumwa dzako uchitonyombaka Tenzi iwe.
Uchitoti zvako:
Negurusvusvu rangu rengoro dzehondo,
ndakakaramata makomo ini kusvika pamusoro,
nadzo ndikasvika kwakaperera Rebhanoni,
miti yeko yakarebesesa
yemisidhari ndikairizhanisa,
miti yeko yemisaipurasi
yakanakisisa ndikaitema,
ndikapinda ini chaimo mukatikati mayo,
chaimo mumasango ayo matema;
24ndikatocheramo matsime
ndikanwa ini mvura imwewo.
Ndakatsika ini netsoka yangu
tukova twose tweIjipiti twukaoma kuti gwa.
25Zvaive mumwoyo mangu kwenguva ndefu
hazvisati zvakusvika munzeve nhai,
zvandakaronga kare kare pasichigare
zvandava kutozoita zvangu iye nhasi
zvokuti maguta ane tsvingo
uaite mirwi yamatongo.
26Vagari vemo vachiti rukutu kupera simba,
vakangaidzwa vazvishaira pazvo
vaita sezvinhu zvinomera musango soruswiswi,
souswa hunomera padenga remba
hunoshwauruka kuoma husati hwambokura.
27Asi mugariro wako ndinouziva
kwaunofamba ndinokuziva
twaunobata ndinotuziva
kunyange kundipunyairira kwako nehasha ndinokuziva
28nokuti uri kundipunyairira nehasha iwe
kuzvitutumadza kwako
kwasvika munzeve dzangu.
Ndichaisa chikochekero changu pamhuno dzako
ndichakuisa zvako matomu mukanwa
ndikupishunutsire nokwakare
kunzira kwawakauya nako kuno.
Chiratidzo kuna Hezekiya
29“Ichi ndicho chichava chiratidzo chako,
mwaka uno zvamuchadya zvichamera zvoga,
gore ramakei zvichava zvamahoko,
mugore rechitatu muchadyara mukatokohwa,
muchatosima zvenyu minda yemigirepisi,
mukatodyawo zvenyu michero yayo.
30Chitsama chavanhu vokwaJudha chichasara
chichadzika midzi pasi,
mudenga chichibereka michero
31nokuti chitsama chinosara
chichabuda muJerusaremu
chikwata chevanopunyuka rufu
chichabuda muGomo reZioni.
Shungu dzina Tenzi ndidzo dzichaita izvozvi.
32“Naizvozvo panyaya yamambo
weAsiria uyu zvanzi naTenzi:
‘Haambopinda muguta rino
kana museve, haamboukanda.
Hapana nhoo yaanomborivheyesera,
kana kuriumbira nevhu kurusvingo
chimusana chenzou kuita pokupindamo napo.
33Nzira yaakauya nayo yacho
ndiyo yaachadzokera nayo.
Kupinda muguta rino haambomupinda
ndiTenzi anodaro kutaura.
34Ndichadzivirira guta rino ndigoriponesa.
Izvozvo ndichiitira iyeni pachangu
pamusana pomuranda wangu Dhavhidhi.’ ”
35Usiku ihwohwo mutumwa waTenzi akaenda akauraya vanhu zana rezviuru rine zviuru makumi masere nezvishanu. Pakafumomuka vanhu mangwanani, onei ivava vose zvangova zvitunha. 36Senakeribhu mambo weAsiria ndokusimuka oenda kumusha akandogara muNinevhe. 37Zvino akati achinamata ari mumba maNisiroki mwari wake, vanakomana vake Adhiramereki naSharezeru vakamuuraya nemapakatwa vakatizira kunyika yeArarati. Mwanakomana wake Esarihadhoni ndiye akazotonga panzvimbo pake.
Currently Selected:
2 Madzimambo 19: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.