2 Madzimambo 17
17
Hoshea mambo wokwaIsiraeri (732—724 K.A.A.)
1Mugore regumi nechipiri rokutonga kwaAhazi mambo wokwaJudha, Hoshea mwanakomana waEra akatanga kutonga kwaIsiraeri ari muSamaria, akatonga kwamakore mapfumbamwe. 2Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi zvisina kubva zvaita zvazvo sezvemadzimambo okwaIsiraeri akamutangira. 3Kwakauya Sharumanesa mambo weAsiria kuzomurwisa. Hoshea akabva ava kutongwa naye achitera mutero. 4Asi mambo weAsiria akazozviziva kuti Hoshea apanduka pamusana pokuti Hoshea akanga atumira nhume kuna So mambo weIjipiti uyewo akanga asina kubvisa mutero waaisibvisa kuna mambo weAsiria gore negore. Naizvozvo mambo weAsiria akamuzaririra mujeri akamusunga imomo.
Kuparara kwakaita Samaria (721 K.A.A.)
5Mambo weAsiria akauya kuzorwisa nyika iyi yose. Akasvika muSamaria, akakomba Samaria kwamakore matatu. 6Mugore rechipfumbamwe rokutonga kwaHoshea, mambo weAsiria akakurira Samaria akatapa vaIsiraeri akaenda navo kuAsiria. Akandovagarisa kuHara nomuna Habhori rwizi rwokuGozani nomumaguta avaMidhi.
7Izvi zvakaitika pamusana pokuti vaIsiraeri vakanga vatadzira Tenzi, Mwari wavo nyakuvaburitsa kunyika yeIjipiti kwavaitongwa vari mumaoko aFarao mambo weIjipiti vakangawo voremekedza vamwe vamwari 8votevedzera tsika dzemarudzi aya akadzingirwa vanhu vechiIsiraeri naTenzi notutsika twakanga twaunzwa namadzimambo okwaIsiraeri. 9Vanhu vokwaIsiraeri vaiitira Tenzi Mwari wavo zvinhu zvisina kururama muchivande. Vaizvivakira nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira mumaguta avo ose kubvira kunharire kusvika kumaguta aiva namasvingo. 10Vaizvimisira zvifananidzo zvokunamata nezvimwe zvifananidzo zviAshera pazvikomo zvose zvirefu napasi pomuti wose munyoro. 11Munzvimbo idzodzi ndomavaipisira rusenzi sezvaingoita marudzi avakabvisirwa naTenzi. Vakaita zvakaipa kwazvo zvakavirutsa Tenzi nehasha. 12Vakanamata zvifananidzo zvavakanga vanzi naTenzi musaite izvozvo.
13Asi Tenzi akanga achiyambira vokwaIsiraeri nevokwaJudha nomuromo wavaporofita navaoni achiti, “Tendeukai musiye nzira dzenyu dzakaipa muchengete mitemo yangu nemirao yangu maererano nemirao yose yandakapa madzibaba enyu yandakakutumirai nokuvaporofita varanda vangu.” 14Asi havana kuteerera, vakaramba vari ndambakuudzwa samadzibaba avo vasingavimbi naTenzi, Mwari wavo. 15Vakashora mirao yake nechitenderano chaakaita namadzibaba avo nokuyambira kwese kwaaivaita. Vakateveredzana nezvifananidzo zvokunamata zvisina namaturo ese ivo vakabva vava vanhu vasina namaturo ese. Vakateverana namarudzi akanga akavapoteredza avakanga vanzi naTenzi musaatevedzere. 16Vakakanda pasi mitemo yose yaTenzi Mwari wavo vakazviumbira noutare hwakanyungurutswa zvifananidzo zvokunamata zvezvimhuru zviviri. Vakagadzirawo chifananidzo chokunamata chinonzi Ashera vakanamata gurusvusvu rezvinhu zvomudenga, vakanamatawo Bhaari. 17Vakapisa vana vavo vakomana navasikana sechibayiro. Vaishopera vachiromba mishonga vakazvipinza chaizvo mukuita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi, vachimuvirutsa nehasha. 18Naizvozvo Tenzi akashatirirwa kwazvo vokwaIsiraeri, akavabvisa pameso pake. Hapana vakasara kunze kwevedzinza rokwaJudha chete.
19VokwaJudhawo havana kuchengeta mitemo yaTenzi, Mwari wavo vakatevedzawo tutsika twakanga twaunzwa nevokwaIsiraeri. 20Tenzi akaramba zvizvarwa zvose zvokwaIsiraeri akavarwadzisa akavaisa mumaoko avapambi kusvikira avarasira kure nemeso ake.
21Paakamwaura vokwaIsiraeri achivabvisa kune vemba yaDhavhidhi ivo vakagadza Jerobhoamu mwanakomana waNebhati paumambo. Jerobhoamu akatinhira vaIsiraeri kure naTenzi akavapinza muchitadzo chikuru kwazvo. 22Vanhu vokwaIsiraeri vakatevedzawo zvitadzo zvose zvakaitwa naJerobhoamu. Havana kusiyana nazvo 23kusvikira Tenzi abvisa vokwaIsiraeri pameso pake sokutaura kwaakanga aita nomuromo wavaranda vake vaporofita. Saizvozvo vokwaIsiraeri vakatapwa munyika mavo vakaendwa navo kuAsiria kusvikira pari nhasi.
Matangiro akaita vaSamaria
24Mambo weAsiria akatuta vanhu vokuBhabhironi nokuKuta nokuAva nokuHamatisefarivhaimu akavaisa mumaguta eSamaria pachinzvimbo pevechiIsiraeri. Samaria vakaiita yavo vakagara mumaguta ayo. 25Pavakatanga kugarako havana kunge vachitya Tenzi. Naizvozvo Tenzi akavatumira shumba dzikauraya vamwe vavo. 26Ndokubva zvasvitswa kuna mambo weAsiria zvichinzi, “Marudzi amakatuta mukaendesa kumaguta eSamaria haazive mutemo wamwari wenyika iyoyo. Naizvozvo akavatumira shumba. Zvino dzava kuvauraya nokuti havazive mutemo wamwari wenyika iyoyo.” 27Mambo weAsiria akabva ati, “Tumiraiko mumwe wavapristi vamakatapa ikoko, vaendeko vagareko vavadzidzise mutemo wamwari wenyika iyoyo.” 28Saizvozvo mumwe wevapristi wavakanga vatapa kuSamaria akauya kuzogara muBhetieri akavadzidzisa kuti vanganamate sei Tenzi.
29Asi marudzi ose, rudzi norudzi vakaramba vachingogadzira vamwari vavo vachivaisa mudzimba dzepanzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dzakanga dzagadzirwa nevaSamaria mumaguta mavaigara. 30Varume vokuBhabhironi vakagadzira mwari wavo ainzi Sukotibenoti, vokuKuti vakagadzirawo Nerigari. VokuHamati vakagadzira Ashima, 31vaAvha vakagadzira Nibhehazi naTaritaki. VaSefarivha vaipisira vana vavo sechibayiro kuna Adhiramereki naAnamereki vamwari vomuSefarivhaimu. 32Vainamatawo Tenzi vachizvisarudzira vapristi pakati pavo pavanhu vakasiyana-siyana vachivapa basa munzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira, vaiva ndivo vokuvapirira zvibayiro mudzimba dzepanzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dzacho. 33Vainamata Tenzi ukuwo vachinamata vamwari vavo maererano netsika yerudzi rwavanhu rwekwavainge vatapwa.
34Kusvikira pari nhasi vachiri kungoita zvavaiita kare. Havanamate Tenzi uye havachengete mirao iya kana zvirongwa kana mitemo iya kana zvirevo zvaTenzi zvaakatemera vana vaJakobho vaakati zita ravo rinzi Isiraeri. 35Tenzi akaita chitenderano navo akavati,
“Musambonamata zvenyu
vamwe vamwari kana kuvapfugamira
kana kuvashandira
kunyange kuvapira zvibayiro.
36Asi munofanira kunamata Tenzi nyakukuburitsai munyika yeIjipiti noukuru hwake nesimba guru. Ndiye wamunofanira kunamata, ndiye wamunofanira kugwadamira nokupira zvibayiro. 37Muchenjerere nguva dzose kuchengeta mirao nezvirongwa nemitemo nezvirevo zvaakakunyorerai. Musanamata vamwe vamwari. 38Musakanganwe chitenderano chandakaita nemi. Musanamate vamwe vamwari. 39Asi Tenzi, Mwari wenyu ndiye wamunofanira kunamata. Iyewo achakununurai mumaoko avavengi venyu vose.” 40Ivo havana kuteerera, asi vakaramba vachingoita zvavaiita kare.
41Marudzi iwaya ainamata Tenzi ukuwo vachinamata zvifananidzo zvavo zvokugadzira. Vana vavo navana vevana vavo zvaingoitwa namadzibaba avo, ndozvavari kungoita kusvikira pari nhasi.
Currently Selected:
2 Madzimambo 17: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.