2 Nhoroondo 18
18
Muporofita anoyambira mambo Ahabhu
(1 Madzi 22:1–28)
1Jehoshafati akati zvino ava noupfumi huzhinji achikudzwa kwazvo akaita ukama hwokuroorerana naAhabhu. 2Kwapera makore akati kuti akadzika kwaAhabhu kuSamaria. Ahabhu akamuurayira hwai nemombe dzakawanda pamwechete navanhu vaaiva navo, akamukurudzira kukwira kuRamoti kuGireadhi kundorirwisa. 3Ahabhu mambo wokwaIsiraeri akati kuna Jehoshafati mambo wokwaJudha, “Hamungaendewo neni here kuguta reRamoti rokuGireadhi?”
Akamupindura achiti, “Inga tiri vamwechete wani. Vanhu vangu vanongovawo vanhu venyu. Tichange tinemi muhondo yacho.”
4Jehoshafati ndokuti kuna mambo wokwaIsiraeri, “Madii kutanga manzwa kuti Tenzi anoti kudii nazvo?”
5Ipapo mambo wokwaIsiraeri akaungaidza vaporofita mazana mana akavati, “Toenda here kundorwisa guta reRamoti kuGireadhi kana kuti ndorega zvangu?”
Ivo ndokuti, “Endai zvenyu nokuti Mwari achariisa mumaoko amambo.”
6Asi Jehoshafati akati, “Hapana here mumwe muporofita waTenzi watingabvunze?”
7Mambo wokwaIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Pachine mumwe murume mumwechete watinganzwe naye kuti Tenzi anoti kudii nazvo. NdiMikaya mwanakomana waImura. Asi ini ndinomuvenga nokuti haamboporofita zvakanaka nezvangu asi zvakaipa mazuva ese.”
Jehoshafati ndokuti, “Dai mukarega kutaura muchidaro mambo.”
8Mambo wokwaIsiraeri akadaidza rimwe gurukota ndokuriti, “Kurumidza kuunza pano Mikaya mwanakomana waImura.”
9Izvozvo mambo wokwaIsiraeri naJehoshafati mambo wokwaJudha vakanga vagere pazvigaro zvavo zvoumambo vakapfeka magemenzi avo oumambo vagere panhandare pasuo guru rokupinda muSamaria. Izvozvo vaporofita vose vaingunoporofita vari pamberi pavo.
10Zedhekiya mwanakomana waKenaana akazvigadzirira nyanga dzesimbi ndokuti, “Zvanzi naTenzi, ‘Nenyanga idzi uchatunga nadzo vaSiria kusvikira vaparadzwa.’ ” 11Vaporofita vose ndozvavakaporofitawo izvozvo vachiti, “Kwirai zvenyu kuguta reRamoti rokuGireadhi mundokurira. Tenzi achariisa mumaoko amambo.”
12Nhume yakaenda kundodaidza Mikaya, yakamuti, “Chinzwaika, uku vaporofita vose shoko ravari kutaura rimwechete rokuti zvinhu zvichandonakira mambo. Saka imimi dai zvamuchandotaura zvikafananawo nezviri kutaurwa nomumwe nomumwe wavo zvivewo zvakanaka.”
13Asi Mikaya akati, “Ndinopika naTenzi chaiye mupenyu kuti zvinenge zvarehwa naMwari wangu izvozvo ndozvandichataura.”
14Paakasvika pana mambo, mambo akamubvunza kuti, “Nhai Mikaya, toenda here kundorwisa guta reRamoti rokuGireadhi kana kuti ndorega zvangu?”
Iye akapindura achiti, “A, endai zvenyuka mundokunda, vachaiswaka mumaoko enyu.”
15Asi mambo ndokumuti, “Unoda kuti ndikuudze kangani kundipikira kutaura chokwadi muzita raTenzi.”
16Iye ndokuti,
“Ndaona Isiraeri yose
yaita bararamhanya mumakomo
sehwai dzisisina mufudzi.
Tenzi akati,
‘Ivava ava havasisina vanatenzi vavo.
Munhu wose ngaadzokere zvake kumusha kwake.’ ”
17Mambo wokwaIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Ndozvandambokuudzai wani kuti haaporofite zvakanaka nezvangu asi zvakaipa.”
18Mikaya akati, “Chinzwai zviri kutaurwa naTenzi. Ndaona Tenzi agere pachigaro chake choumambo akakutwa negurusvusvu rehondo dzose dzokudenga kurudyi nokuruboshwe. 19Tenzi ati, ‘Ndiani angaende zvake akafurira Ahabhu mambo wokwaIsiraeri kuti aende kuguta reRamoti kuGireadhi andopararirako?’ Vakadoma-toma vachitaura twakasiya-siyana, 20ndokubva kwauya mumwe mweya ukamira pana Tenzi ukati, ‘Ini zvangu ndinondomufurira.’ Tenzi akabva auti, ‘Unondomufurira sei?’ 21Iwo ndokuti, ‘Ndinoenda zvangu kundova mweya wokunyepa mumuromo yavaporofita vake vose.’ Iye ndokuti, ‘Enda undomufurira, uchazvigona. Chienda uite saizvozvo.’ ” 22Naizvozvo chinzwai, “Tenzi aisa mweya wokunyepa mumuromo yavaporofita venyu ivava. Pamatemerwa naTenzi pakaoma.” 23Zedhekiya mwanakomana waKenaana akaswedera munyasi naMikaya ndokumudzemura nembama padama akati, “Mweya waTenzi wabva sei mandiri uchiuya kuzotaura wavamauri?”
24Mikaya akati, “Chinzwaka, uchazvionera zvako musi wauchatizira mumba yomukati kundohwanda.”
25Mambo wokwaIsiraeri ndokuti, “Batai Mikaya uyu mudzokere naye kuna Amoni mutongi weguta rino, kuna Joashi mwanakomana wamambo muti, 26zvanzi namambo, pfigirai muchinda uyu mujeri, mumupe chokudya nemvura zvokudzora mwoyo chete kudzamara ini ndadzokawo zvakanaka.”
27Mikaya akati, “Kana mukadzoka zvakanaka Tenzi anenge asina kutaurawo nemandiri.” Ndokubvawo ati, “Zvinzwei vanhu mose!”
Firo yamambo Ahabhu
(1 Madzi 22:29–35)
28Saizvozvo mambo wokwaIsiraeri naJehoshafati mambo wokwaJudha vakakwidza kuguta reRamoti rokuGireadhi. 29Mambo wokwaIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Ndichazvivanziridza kuita somumwewo munhu ndipindewo mukati mokurwa, asi imi mopfeka magemenzi enyu oumambo.” Mambo wokwaIsiraeri akazvivanziridza kuita somumwewo munhu ndokubva apindawo mukati mehondo.
30Izvozvo mambo weSiria akanga afanoudza vakuru vakuru vengoro dzake dzehondo kuti, “Regai zvenyu kuzvinetsa kuswerorwisa vakuru vakuru kana vadiki zvavo asi ingonanganai namambo wokwaIsiraeri.” 31Vakuru vakuru vengoro dzehondo vaya pavakaona Jehoshafati vakati, “Ndiyeyu chete mambo wokwaIsiraeri.” Ndokubva vati naye tande kumurwisa, Jehoshafati ndokubva aridza mhere, Tenzi ndokumubatsira. 32Mwari akavabvisa kwaari nokuti pakaona vakuru vakuru vaye kuti haasiriye mambo wokwaIsiraeri vakabva varega kumudzingirira. 33Asi mumwe murume akangokandawo zvake museve wake ukabaya mambo wokwaIsiraeri nechepakati panosangana mabandiko amademautare rapadundundu nereruoko kuzvidzivirira naro muhondo. Naizvozvo akati kumuchairi wengoro yake yehondo, “Chitendeuka unditakurire kunze kwehondo. Ndakuvadzwa ini!”
34Hondo yakatsviriridza musi iwoyo mambo wokwaIsiraeri ndokuramba akatsigirirwa ari mungoro yehondo akatarisa kuvaSirira kusvikira kumanheru ndokuzobva afa zuva rodoka.
Currently Selected:
2 Nhoroondo 18: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.